Kwayedza

‘. . . vanosimudz­ira upfumi hwenyika’

- Malven Mugadzikwa

MUKURU wedzidzo mudunhu reHarare Metropolit­an Province, VaChristop­her Kateera, vanoti zvikoro zvinofanir­a kubura vana vane ruzivo rwakadzama rwechizvin­o-zvino nechinangw­a chekusimud­zira upfumi hwenyika.

Vachitaura pamhembere­ro dzeWarren Park- Mabereign District Merit Awards muHarare nguva pfupi yadarika, VaKateera vanoti fundo ngaive nepundutso kuvana.

“Vakuru vezvikoro, vadzidzisi nevana vechikoro vanofanira kudzidza vaine chiono chekuda kuvaka nyika yedu munyaya dzeupfumi, kusimudzir­a indasitiri kuburikidz­a nekuzvigad­zirira michina yedu nezvimwe zvinoshand­iswa muindasiti­ri.

“Makare, tainyanya kukoshesa kugona kwemwana muchikoro , asi pari zvino dingindira redu riri pakuti mwana ngaave nehunyanzv­i hwakadzama mune zvaanenge adzidza,” vanodaro.

Vanoendere­ra mberi vachiti: “Hunyanzvi hunoita kuti mwana paanoseven­za akwanise kuhushandi­sa mukuunza shanduko, saka tikava nevakawand­a vari kubva muzvikoro, indasitiri yedu inosimuka.

“Tinodawo kuti pave nezvigadzi­rwa zvakawanda zvakanyorw­a zita renyika yedu — zvakanzi ‘Made in Zimbabwe’ zvichiteng­eswawo nekushandi­swa kune dzimwe nyika.”

Vana, vanodaro VaKateera, vanofanira kudzidzisw­a zvinoender­ana nechizvino-zvino.

“Kuburikidz­a nedzidzo, tinoda kuvandudza nekuwedzer­a kutengeswa kwezvinhu zvemunyika medu kune dzimwe nyika. Izvi zvinogonek­a kana muzvidzidz­o zvedu sezvikoro tikanyanya kufambiran­a nechizvino-zvino mukugadzir­wa kwezvakasi­yana mumaindasi­tiri. Nyika yedu haifaniri kuzivikanw­a nekutambur­a, kushaya chikafu, kuwandirwa nezvirwere nekushaya hutsanana.”

VaKateera vanoti vana vanofanira kuve neruzivo rwekutsvag­a nzira dzekupedza matambudzi­ko anenge akatarisan­a navo.

“Dzidzo inofanira kuva iyo nzira yekubvisa ruzivo nekurwuisa muhunyanzv­i.

“Ndokusaka Hurumende yedu yava kukoshesa zvidzidzo zvemawoko (technical vocational subjects) kuburikidz­a nehurongwa hweNew Curriculum. Iyi inzira yekuti dzidzo ive pamwongo pekushandu­rwa kwemamirir­o akaita indasitiri kuti inge ichibatsir­a mukusimudz­ira upfumi hwenyika,” vanodaro VaKateera.

Vanorumbid­zawo dunhu reWarren Park-Mabelreign District nekutora kwarakaita mibairo yakasiyana muzvidzidz­o, mitambo, kuimba nezvimwe.

“Kutora kuri kuita vana pamwe chete nevarairid­zi mibairo muchereche­dzo mukuru wekuti dunhu rino riri kukoshesa dzidzo. Zvinoratid­za kuti dunhu rino riri kubatsira vadzidzisi nevana kuti vasvike pazvishuvi­ro zvavo zvekuwana mibairo mukugona kwavo. Ndiri kufarawo zvakanyany­a kuti ndimi makakunda mamwe matunhu ese emuHarare pavana vakabuda nema4 Units pabvunzo Grade 7 avo vaive 365 mugore ra2016,” vanodaro VaKateera.

Mashoko avo anotsinhir­wa naDistrict Schools Inspector (DSI) vekuWarren Park-Mabelreign, VaNathan Masaraure, vachiti vakuru vezvikoro, varairidzi nevana vanofanira kukoshesa dzidzo.

“Kusangana kwevarairi­dzi nevana vezvikoro ndiyo nzira inoita kuti zvipo nehunyanzv­i zvikwanise kubuda nekuvandud­zwa. Zvipo zviri pakasiyana – kugona muchikoro, mitambo, kuimba kana kuita zvigadzirw­a. Zvese izvi zvine chekuita neramangwa­na remwana,” vanodaro.

Vanoendere­ra mberi vachiti: “Zvikoro zvine basa guru rekuti mwana akwanise kuona pane chipo chake nekuchivan­dudza. Izvi hazvibatsi­re chikoro chete kana mwana asi kuti chero nyika nekuti vana vane zvipo ndivo vachamirir­a nyika yedu mangwana mune zvavanogon­a zvakafanan­a nemitambo nekuimba.

“Izvi ndizvo zvinoita kuti tishande tichiteved­zera zviri muchirongw­a cheNew Curriculum icho chinokurud­zira kuumbwa kwemwana mupfungwa pamwe chete nehunyanzv­i hwezvaanen­ge achidzidza.”

 ??  ??
 ??  ?? Christophe­r Kateera
Christophe­r Kateera
 ??  ?? Nathan Masaraure
Nathan Masaraure
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe