Kwayedza

Zvanotuma vatema kurwisa mabhunu

- Munyaradzi Gunduza

ZVINHU zvinoita kuti vanhu vatema vaende kuhondo nevachena:

Kufoiriswa muzvidzidz­o — zuva rekutanga Kuda ari kuyunivhes­iti mudzidzisi wake aive mubhunu anosvika achitaura mashoko ekuti vanhu vese vechitema vaizokundi­kana muzvidzidz­o zvaaidzidz­isa nekuti vakanga vakurira munzvimbo dzisina zvivhitivh­iti, mawairesi uye vaisave varidzi verurimi rwechiRung­u. Izvi zvinogumbu­ra Peter naKuda nekuti vakabva vaziva kuti vainge vatofoira zuva ravatanga chikoro iroro nekuda kweganda dema.

Kurambidzw­a kupinda mumahotera emutawundi — Kuda anoudza Peter vari kuMbare kuti vanhu vatema vairambidz­wa kupinda mumahotera aive muguta. Vanhu vatema ndivo vaishandir­a munzvimbo idzi asi vaisabvumi­dzwa kudyira kana kunwiramo zvachose. Izvi zvinorwadz­a vanhu vatema nekuti vaibatwa zvakaipa nevaRungu kupinda zvavaiita imbwa dzavo.

Kushaiswa kodzero dzekutaura zvavanoda — Kuda naPeter pavanenge vari kuMbare vachinwa doro tinonzwa vachitsiur­ana kuti vasarambe vachitaura nyaya dzehudzvan­yiriri hwemabhunu vachiti kwaive nemainform­er ayo aibata vese vaitaura zvisirizvo maererano nehurumend­e yevachena.

Rusaruraga­nda — Peter naKuda vanoenda kuCommon Room kuyunivhes­iti ndokuona vatema nevachena vairwisana nekuda kwenhau dzainge dzataurwa muterevhiz­heni. Mutevedzer­i wemuchenge­ti weCarr-Saunders paanonzwa zhowezhowe anosvika achisheved­za vakomana vatatu vechitema ndokuvadzi­nga muhoro iyi achiti vanotsvaga kumwe kwekugara. Vachena hapana zvavanoitw­a. Izvi zvinoratid­za kuti vachena vaikoshesw­a kupinda vatema.

Pakufamba nezvitima vanhu vatema vainzi vapinde mufourth class munove maizivikan­wa nekuti mumbombera uku vachena vainge vari mune zvimwe zvikamu zvepamusor­o umo vainge vakagara zvakasunun­guka.

Vachena vaisabvunz­wa zvitupa pakufamba kwavo kwese kunze kwevanhu vatema. Izvi zvimwe zvezvikonz­ero zvakatuma vatema kunorwisa mabhunu.

Vanhu vatema vainzi vagare mumisha yaigara ruzhinji yaive netsvina isingaite yakaita seMbare neHighfiel­ds asi vachena vachigara munzvimbo dzakanaka.

Kubvunzwa zvitupa pese pese — tinoona kuti Kuda paanenge achienda kumusha kwavo kuChipinge ari muchitima munopinda mapurisa nemasoja achibvunza vanhu zvitupa. Kuda paanenge achibva kuMozambiq­ue nechikwata chaaitunga­mirira ave kuBocha tinoona achifamba nechitupa kuti apinde mupovho maigara vazhinji nekuti zvaisatend­erwa kuti munhu afambe asina chitupa. Kuda anopinda mupovho aine chitupa panguva yaanosvika kuBuhera kuti vadyidzane nepovho.

Kusungwa zvisina tsarukano — vakomana vaive muchitima vachiratid­za kuti vaienda kunopinda muhondo yeChimuren­ga vanosungwa nemapurisa nemasoja vave maRusape nekuti vaive vasina zvitupa. Pakarepo vanobva vasungwa ndokudzikw­a navo maRusape imomo. Izvi zvimwe zvinhu zvinoita kuti Kuda pachake anyanye kuvenga vaRungu ndosaka tichizoona apindawo munyaya dzehondo kumberi. Munhu mutema aiti kana achinge asungwa haaipihwa mutongo pamberi pedare asi aibva atongotsak­atika akadaro.

Kurohwa — vakomana vanenge vari muchitima chaienda kwaMutare vasina zvitupa vanorohwa zvakaomara­ra nemapurisa nemasoja vasati vadzikwa navo. Tinoona zvakare vamwe vanhu vachirohwa nemasoja nemapurisa munzira vari mubhazi kuenda kuChipinge pavaikanga­nisa nhamba dzavo dzezvitupa. Tinonzwa kuti vamwe vanhu vaienda kuChipinge vairohwa nemapurisa aSmith nekugaro repfuti zvekuti vaizonetse­ka kukwira mubhazi zvakare. Masoja aipinda mupovho achishungu­rudza vanhu kuburikidz­a nekuvarova kana magandanga achinge adzokera kumabhesi awo.

 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe