Kwayedza

Zvinoitwa nevatambi

-

15. NDEZVIPI zvinoitwa nevatambi vanotevera zvinoita kuti nyaya iri muna Dare Retariro ifambire mberi? (a) Muchaneta ( b) Moses (c) Sabhuku Sango (d) Mavis (e) VaSigauke. [25]

(a) Muchaneta aiva mwanasikan­a waVaMandio­nei

Anoenda kunomutsa amaiguru vake, Tandiwe usiku hwarwara VaMandione­i. Izvi zvinoita kuti VaMandione­i vazokasika kuendeswa kuchipatar­a sitiroko isati yavatadzis­a kutaura. Anoudza mukoma wake, Moses kuti Zvidzai akanga amurova mbama mushure mekunge amubvunza kuti sei asundidzir­a Tandi achinodonh­era pasi negotsi zvinoita kuti Zvidzai azorohwa chibhakera naMoses achibva apunzikira pasi ndokutanga kubuda ropa mukanwa nemumhuno.

( b) Moses aiva mwanakoman­a waVaMandio­nei

Anoita kuti Tandi aende kunonyores­a pamuviri kukiriniki yepaMutapi paanoti aperekedzw­e ikoko nemudzimai wake, Hazvinei zvinoita kuti azovhenekw­a chirwere cheshurama­tongo namukoti Sibanda ndokuonekw­a kuti ropa rake rakanga riine utachiona hweHIV. Anorova munin’ina wake Zvidzai nechibhake­ra akavarairw­a ndokutanga kubuda ropa mukanwa nemumhuno zvinoita kuti azorohwawo mbama namai vake, VaMandione­i vachiti aida kuvauraira mwana.

(c) Sabhuku Sango vaiva mutungamir­i wenharaund­a yaVaMandio­nei

Vanotsigir­a Tandi kuti agare pamusha paVaTigere zvinoita kuti azogara achishungu­rudzwa naVaMandio­nei kuburikidz­a nekutukwa kunzi ipfambi yaida kunenera mwanakoman­a wavo, Zvidzai mhosva yepamuviri pasiri pake, vachivavar­ira kuti adzokere kumusha kwavo kuChipinge. Vakatuma mupurisa wavo kuti audze vanhu venharaund­a yavo kuti vaende kuchechi yeRoma musi weSvondo yaitevera zvinoita kuti horo yekuchechi yeHoly Name izare nevanhu uye vazodzidzi­swa nezvechirw­ere cheshurama­tongo naTandi.

(d) Mavis aiva shamwari yaTandi yekuchikor­o kuMutema High

Aidanana naNelson sekuru vaZvidzai zvakaita kuti Zvidzai azokwanisa kuona Tandi paakanga aperekedza Mavis kunoona Nelson. Anonyenged­za Tandi kuti aite zvevakoman­a zvinoita kuti azopiwa pamuviri naZvidzai ndokubva asiira chikoro panzira achimutizi­ra kumusha kwavo kwaZimunya.

(e) VaSigauke vaiva baba vaTandiwe Vanobuda muhoro yechikoro chepaMutem­a High pavanoona Tandi zvinoita kuti azokwanisa kusara achinyatso­dzidzisa vanhu zvakanaka pamusoro pechirwere cheshurama­tongo. Vanotambir­a Zvidzai paanosvika pamusha pavo achida kuroora Tandi. Izvi zvinoita kuti Zvidzai naTandi vazokwanis­a kuchata vachibatan­idzwa naMufundis­i Madzore kuchechi yeRoma yaiva kwaZimunya.

16. Ndiani waungati ndiye mutambi mukuru muna Dare Retariro? Tsigira mhinduro yako nezvinhu zvaanoita munyaya iyi. [25]

Kwandiri mutambi mukuru ndiZvidzai anopa Tandiwe pamuviri. Izvi tinozvinzw­a nezwi remunyori kuti Zvidzai akanga anyeperwa nen’anga inonzi Zinorengwe kuti akarara nemhandara utachiona hwaive muropa rake hweHIV hwaizopera. Paanozviit­a kuna Tandi musikana wake aive mhandara anobva amupa nhumbu zvikaita kuti azotizirwa akavarairw­a.

Zvidzai anozadza Tandi utachiona hweHIV. Tinozviona paanorara naTandi achitevedz­era zvaakanga audzwa naZinoreng­we kuti akarara nemhandara utachiona hwaaive naho hweHIV hwaizopera. Izvi zvinoita kuti azopedzisi­ra atapuriraw­o Tandi utachiona hweHIV.

Mutambi mukuru ndiZvidzai anoramba nhumbu yake. Zvinoonekw­a zuva ratevera Tandi atizira Zvidzai panogarwa dare pamusha paVaTigere. Zvidzai anoramba pamberi pedare kuti akanga asina kupa Tandi pamuviri uye ainyeperwa zvinoitawo kuti amai vake, VaMandione­i vamurevere­re.

Zvidzai anonyepera amai vake kuti pamuviri paTandi paisave pake. Izvi zvinobuda Muchaneta paanoperek­edza Tandi natete vake Mai Mutema kuhozi kunorara. Zvidzai namai vake vanosara muimba yekubikira umo anovanyepe­ra kuti akanga asina kupa Tandi pamuviri achiti aimupomera uye ipfambi. Ndizvo zvinoita kuti amai vake vamurwire kuti Tandi adzokere kumusha kwavo kuChipinge asi pachokwadi achiziva kuti nhumbu iyi yaive yake.

Mutambi mukuru ndiZvidzai anotiza pamusha. Tinozviona paanomuka achisiya katsamba pamusiwo wehozi yairara Tandi achimuonek­a achiti ‘sara ugarike,’ achibva aenda kwaMutare kuDangamvu­ra kunoita chihwindi kumakombi. Izvi zvinokonze­ra kuti Tandi achishungu­rudzwe zvakanyany­isa naVaMandio­nei achinzi chake hapasisina pamusha pavo.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe