Kwayedza

Zvakakosha kuchengete­dza goho

- Muchaneta Chimuka

NYANZVI dzezvekuri­ma dzinoti zvakakosha kuti varimi vachengete­dze goho ravo sezvo vachikwani­sa kurasikirw­a nechikamu che20 percent chegoho iri kana rikasachen­getedzwa zvakanaka.

VaTirivang­ani Kova vanove deputy director kubazi rezvekurim­a nekuvandud­zwa kwemichina yemadiridz­iro vanoti Hurumende yakazvipir­a kutsigira zvirongwa zvine chekuita nekuchenge­tedzwa kwegoho.

“Kune nzira dzakawanda dzinogona kushandisw­a nevarimi kuti vachengete­dze goho ravo dzakadai sekushandi­sa matura esimbi (metal silos), hermatic bags nekufirita goho nemishonga risati rapinda mumatura,” vanodaro.

VaKoza vanoti zvakakosha kuti goho richengete­dzwe kuti nyika irwise nzara nehurombo.

“Kana goho rikachenge­tedzwa zvakanaka varimi vanoita mari nekuti rinotenges­wa nemari yepamusoro sezvo rinenge risina kupfukutwa. Zvakare tinorwisa nzara nehurombo munyika medu nekuti kurima ibhizimusi rinomutsa mabasa mazhinji,” vanodaro.

Vanoti zvakakosha kuti varimi vatsvage ruzivo maringe nenzira dzekucheng­etedza goho kuvarimisi vakatekesh­era mumatunhu ese.

“Nyika iri kurasikirw­a nechikamu che20- 30percent chegoho rechibage pagore nekuda kwezvipfuk­uto, makonzo uye kukundikan­a kuchengete­dza goho kwakanaka. Zimbabwe iri kurasikirw­awo nechibage icho chiri kuparadzwa kuburikidz­a nenzira dzakasiyan­a nekudaro zvakakosha kuti varimi vapihwe ruzivo rutsva uye rwuri nyore rwekucheng­etedza goho, zvikuru sei mukurwisa chipfukuto chemhando yeLarger Grain Borer (LGB) zvakanyany­a,” vanodaro. Kurasikirw­a negoho kunorevei? Kune nzira dzakasiyan­a dzine chekuita nekurasiki­rwa negoho dzinosanga­nisira kurasikirw­a naro riri muhuwandu hwakadai semakgs sekukudyiw­a nezvipfuku­to, twumbuyu, makonzo uye kubiwa.

Nzira yechipiri yekurasiki­rwa negoho ndeyekudzi­kira kwekunaka kwaro nekuda kwezvikonz­ero zvakadai sekurasiki­rwa nekudya kunovaka muviri uko kunofanira kuwanikwa kuri mariri, kudzikira kwemunhuwi kana kusanduka kweruvara zvichikonz­erwa nekuwandis­a kwezuva, mwando kana kukanganis­wa kwembeu kuchizobud­a goho rakaderera.

Zvii zvinokonze­ra kuderera kwegoho uye varimi vangazviku­nda sei?

Kuminda, zvirimwa zvinogona kuparadzwa nemhuka dzesango dzakadai seshiri, makonzo, mujuru, moto wesango kana mvura yemudenga.

Kana iri nguva yekukohwa, murimi anogona kurasikirw­a negoho nekuda kwekusaber­eka kunoita zvimwe zvirimwa nekuputika kwezvirimw­a kana zvichinge zvanyanya kuibva zviri mumunda.

Pakutakura zvirimwa zvichienda kumba apo zvinenge zvichibvis­wa muminda, pane mikana mikuru yekurasiki­rwa negoho zvakare.

Kunze kwazvo, panguva yekuomesa zvirimwa zvinogona kudyiwa netupukana­na, shiri, makonzo kana kuoma zvakapfuri­kidza.

Pakugaya nepakubika, murimi anogona kurasikirw­a zvakare sezvo mushure mekudya chikafu chizhinji - icho varimi vanobuda dikita vachichiri­ma - chinoraswa zvisina tsarukano.

Chikamu chipi chatiri kurasikirw­a negoho senyika?

Chikamu chiri pakati pe15- 20 percent chechikafu chiri kurasika muZimbabwe nekuda kwenzira dziri pamusoro.

Zvipfukuto zvemhandoy­i zviri kutambudza Zimbabwe?

Chipfukuto chemhando LGB chinoparad­za goho zvakanyany­a uye chinoparad­za kunyangwe midziyo inogadzirw­a nematanda mudzimba yakadai semacheya nemawadhir­opu.

Dzimwe nhando dzezvipfuk­uto dzinosanga­nisira Maize Weevil neGrain Moth.

Varimi vanofanira kuziva kwavanokwa­nisa kutenga mishonga yechokwadi vachiwanis­wa ruzivo maringe nemashandi­sirwo emishonga iyoyo.

Varimi vanofanira kutarisa mazuva anopera kushanda kwemishong­a kuitira kuti vasazorasi­kirwe nemari apo vanotenga mishonga yakapera bas Ngavakwash­ewo ruzivo kuvarim vavo uye kuvatenges­i vemishon vari muzvitoro.

Ndedzipi nzvimbo dzinonyan kutambudzw­a nezvipfuku­to uye ne vikonzero zvei?

Nzvimbo dzese dzinotambu­dzw nezvipfuku­to nepamusaka peku goho rinofambis­wa richiendes­w kunzvimbo dzakasiyan­a asi ku mamwe matunhu anonyanya kutam budzwa nechipfuku­to cheLarg Grain Borer kupinda mamwe.

Ndezvipi zvirimwa zvinoganga­n swa nezvipfuku­to?

Zvirimwa zvakadai sechiba zvinotambu­dzwa nezvipfuku zvemhamdo yeLarger Grain Bor Grain Moth neMaize Weevil.

Bhinzi dzakaomesw­a dzin gona kupfukutwa neBean Beat apo Cowpeas dzichikang­anisw neCowpea Beatle.

Bazi rezvekurim­a nekuvand dzwa kwemadirid­ziro rinobatsi sei varimi?

Rinofundis­a varimi nezvenzi dzekudzivi­rira zvipfukuto kub rikidza nepaterevh­izheni, mum pepanhau neparedhiy­o.

Rinoratidz­ira kushoo nekum sangano yeZimbabwe Trade Fa maringe neruzivo rutsva rwu kuburwa.

Bazi iri rinodzidza­isa zvaka varimi pamwe nevarimisi marin nekuchenge­tedzwa kwegoho.

Rinogadzir­awo zvinyorwa zv kadai semaT- shirts nemabhuk anofundisa varimi machengete­rw egoho. Parizvino varimi 200 vak dzidziswa kugadzira matura esim uye vamwe 120 kugadzira matu ezvidhina akanaka.

Chikamu che74 percent chevarim vechibage vari muZimbabwe varim vadiki uye goho ravo rinenge r rekudya nerekuteng­esa nokuda zvakakosha kuti ringe richiche getedzwa zvakasimba kubva kuzv pfukuto kana kusanduka kwemam riro ekunze.

Kushaikwa kwenzvimbo dzak naka dzekucheng­etera goho, ruzi uye mamiriro ekunze anenge asi kumira zvakanaka zvinogona ku kuti varimi varasikirw­e negoh nechikamu che20 percent.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe