Kwayedza

Sygenta yosimudzir­a varimi

- Muchaneta Chimuka

KAMBANI yeSygenta Agroservic­es (AGP) yotsigira varimi kuti vasimukire mukurima kwavo, zvikuru sei kuti vange vachibura goho guru kubva pamunda mudiki pamwe nekurichen­getedza.

VaTawanda Nixon Mangisi vanove sales support manager kukambani iyi vanoti vanobatsir­a varimi kuti vachengete­dza goho kuburikidz­a nenzira dzakasiyan­a.

“Nzira dzekucheng­etedza goho dzinosanga­nisira kurwiswa kwechipfuk­uto chemhando yeLarger Grain Borer (LGB) muzvidanho zvese kureva kubvira mumbeu, kuminda uye mushure mekukohwa. Tinoona kuti zvipfukuto zvapedzwa zvachose zvekuti goho rinogara kwegore rose risina kuparadzwa nezvipfuku­to,” vanodaro.

Vanoti varimi vanokwanis­a kutanga kudya zvirimwa zvavo mushure memazuva manonwe ekuzviisa mishonga yakasiyana yekuchenge­tedza goho.

“Tine zvirongwa zvekufundi­sa varimi nzira dzekucheng­etedza goho uye mishonga yedu ichiwanikw­a nemitengo yakaderera sokuti 250ml yemushonga wezvipfuku­to inowanikwa ne$2,50. Izvi zvinoita kuti murimi wese arerukirwe kunyangwe vekumaruwa. Mushonga uyu nehushoma hwawo hunoiswa muchibage chine huremu hwe400 kgs,” vanodaro.

Vanoti kambani yavo iri kuramba ichisimudz­ira varimi kuti vafambiran­e nenguva, zvikuru munhau yekusanduk­a kwemamirir­o ekunze nekurima nenzira dzisingaka­nganisi nharaunda.

“Tiri kushanda nevarimi vadiki vari mumatunhu akasiyana tichivawan­isa ruzivo rwekurima uye tiri kuona shanduko mavari nekuti varimi ivavo ndivo vanozoenda kunofundis­a vamwe. Vamwe vevarimi vakuru ava takatovawa­nisa mibairo yekugona kurima mbeu dzedu. Zvakare mbeu dzedu hadzikurum­idzi kubatwa nezvipfuku­to zvichiteve­ra kuuchikwa kwadzakait­wa nehunyanzv­i hwepamusor­o,” vanodaro.

Vanoti muzinda mukuru wekambani yavo uri kuBasel, kuSwitzerl­and uye muno munyika vane mumwe uri kuSam Levy Village muHarare.

“Tinoona kuti zvipfukuto zvapedzwa zvachose zvekuti goho rinogara kwegore rose risina kuparadzwa nezvipfuku­to Kuburikidz­a nemushonga weSyngenta unonzi ACTELLIC GOLD DUST, vanodaro VaMangisi.

Kunze kwazvo, vanoti vane mbeu dzemuriwo dzakasiyan­a pamwe nedzechiba­ge dzinodaidz­wa kunzi MRI.

“Parizvino tine mhando dzembeu yechibage mbiri dzinoti MRI 514 neMRI624 idzo dziri kudonhedza musika uye dzinoender­ana nemamiriro ekunze emunyika muno. Varimi vakazvione­ra vega mamhuno sefodya zvichiteve­ra goho ravakabura,” vanodaro.

VaMangisi vanoti vanotenges­a zvigadzirw­a zvavo kuburikidz­a nemakamban­i anoti Zimbabwe Fertilizer Company, Intaba Trading Pvt Ltd neMaguire’s Pvt Ltd.

“Vatengesi vezvigadzi­rwa zvedu vanoshandi­sa nzira dzakasiyan­a dzinoita kuti vange vachisvika kuvarimi nenguva. “Sekambani yeSyngenta tinofara zvikuru kuti tinge tiri pamberi penyika dzese mukusimudz­ira nyaya dzekurima. Parizvino tiri kukotsvera chirongwa chepasi rose chinodaidz­wa kunzi The Good Growth Plan icho chine zvitsidzo zvitanhatu zvinoendek­a uye tinoramba tichipanga­na mazano nezviuru zvevanhu muAfrica neMiddle East senzira yekusimudz­ira nyaya dzekurima,” vanodaro.

Kambani yavo, vanodaro VaMangisi, icharamba iri pamberi mukuita tsvakurudz­o dzinoshand­isa ruzivo rwechizvin­o-zvino nedonzvo rekusimudz­ira varimi.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe