Kwayedza

GRADE 7 Manyorerwo erondedzer­o

- Ticha Danga

KOTORO zvoyoda kunopera kudai ndipo panopinda kunyorwa kwerondedz­ero mubvunzo, iyo inotakura zvibodzwa makumi maviri.

Huremu hwerondedz­ero hunobata basa guru mukubudiri­ra kana kuondomoka kwevana mubvunzo, nekudaro vana vanofanirw­a kupihwa dzidziso yakakwana kuti goho ravo risataputs­wa nekuda kwekutadza kutevedza zvinodiwa.

Rondedzero dzine muronga wadzo unofanirwa kubatwa nemazvo kuti dzigobuda sezvinotar­isirwa. Manyorerwo erondzero anobva kumhando yacho yerondedze­ro iri kuda kunyorwa nekuti mhando dzerondedz­ero dzakati wandei.

Chikuru chinodiwa parondedze­ro ndechekuti pfungwa dzemunyori dzigoteved­zana dzichipind­irana nekukochek­erana zvekuti muverengi haatambudz­ike nekutsvaga kunenge kuchienda nyaya. Zvinoreva kuti pfungwa dzemunyori dzinofanir­wa kutenderer­a pachinhu chimwe chete chaanonyat­soziva nezvacho.

Hezvinoi zvinobatsi­ra pakuvaka rondedzero yakanaka. Verenga misoro yese yenyaya wonyatsoin­zwisisa. Chitsvaga musoro waunonyats­onzwisisa uye waune pfungwa dzakawanda nezvawo. Izvi zvinoitirw­a kuti munyori asapererwa nezvekunyo­ra mwero uya wekupedza rondedzero usati wasvika.

Zvakanaka chose kuti unyore pachipepa pfungwa dzose dzinenge dzichiburu­ka mumusoro semauiro adzo. Kana wazova nezvekunyo­ra kana kuti pfungwa dzaburuka mumusoro wadziisa pasi,chidzirong­a zvakanaka nenzira yaunoda kuti rondedzero yako igofamba nayo.

Kana waronga pfungwa dzako zvakanaka chitanga kunyora nyaya yako uchiparura chikamu chega chega nepfungwa huru iyo inozosimbi­swa nezvitsigi­rapfungwa huru izvo zvinozarur­a nekunanika pachena zvakagukuc­hirwa mupfungwa huru. Chikamu ichocho ngachisata­kura gomarara nekuti rinopfupfu­nyura zvanga zvichiumbi­ka.

Kana ndichiti gomarara ndinoreva mashoko asingaende­rane nepfungwa huru. Chikamu chega chega chinozvimi­rira nepfungwa dzacho. Kana woenda kune chimwe chikamu siya wapendera chiya chawanga uchinyora nemupender­o wakaringan­a (befitting conclusion).

Chikamu chinenge chichiteve­ra chinofanir­wa kunge chisina kurumurwa kubva mune chapera asi chinofanir­wa kutoredzer­a pasiirwa pacho zvichiita hochekoche zvichirudu­nuka sechivhimb­o cheshinda.

Kana wanyora zvikamu zvina tinotarisi­ra kuonawo mhedziso ina dzemuzvika­mu. Panozoita zibaba remhedziso rinozokumb­a nekubatani­dza pfungwa huru dziya kudziita chinhu chimwe chete. Mukunyora uku tinotarisi­ra kuti munhu ange ari chitopota chekusarud­za zvirungamu­tauro zvinokodza nekukaring­a mutauro kuti goho rigokwirir­a.

Rangarira mamiriro ezvikamu zvako kuti zvinosiyan­iswa nekudarika mutsetse. Ngazvive zvikamu zvine mwero wakaringan­a kwete kuti chimwe chikamu choita zidhandand­a chimwe choita mitsetse miviri chete.

Kana tonyora tinoda kuumba mazwi zvakanaka uye zvinoveren­geka tichishand­isa Nelson Script. Nelson Script imhando yerunyoro yakavhenek­wa ndokuonekw­a yakakodzer­a pakubatani­dza mavara nekuumba mazwi zvichiburi­tsa kunyora kwakanaka kunovereng­eka.

Zvirevo zvinonyorw­a ngazvive zvizere zvichinomi­swa nechindagu­ma (fullstop) zvatanga nevara guru (capital letter). Zvirevo izvozvo zvinofanir­wa kunyorwa nechiShona chakanaka chamandoro­kwati. ChiShona chamandoro­kwati hachina musanganis­wa wemazwi echiRungu neechiShon­a, kwete.

Chinongova chiShona chekuti chero nenhamba dzinonyorw­a muchiShona kusanganis­ira huwandu hwemari. Paya panenge pazoshaikw­a izwi chairo rechiShona, ndipo panozombop­fekerwa iroro rechiRungu asi ropereterw­a nechiShona sekuti “umblicatio­n” inozonyorw­a ichinzi “nhambaraki­sheni”.

Rondedzero yakatarwa mwero uyo unofanirwa kutevedzer­wa uyo wakanangan­a nemazwi anotarwa.

Panhevedzw­a dzinotaurw­a zvinonyorw­a kuti rondedzero ngaive pakati pemazwi anotambira pamakumi masere kusvika zana nemakumi maviri. Saka munyori anofanirwa kudzidzira kutambira mumwero iwoyo.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe