Kwayedza

Kunzwisisa pamusoro pegonorrhe­a

-

ZVICHITEVE­RA chinyorwa chaive pamusoro pechirwere cheSyphili­s chakaburit­swa mubepanhau rino svondo rapera, sangano reNational AIDS Council (NAC) riri kutambira mibvunzo yakawanda pamusoro pezvimwe zvirwere zvepabonde.

Svondo rino tichapa dzidziso pamusoro pechirwere chegonorrh­ea icho chinobata zvose vanhukadzi nevanhurum­e.

Gonorrhea inokonzera utachiona kunhengo dzinosanga­nisira dzakavandi­ka nepahuro.

Utachiona uhu hunonyanya kubata vechidiki vane makore 15-24 okuberekwa asi hunobata zvakare vanhu vemazera ose.

Kuita bonde risina dziviriro kunoisa munhu panjodzi yekutapuri­rwa zvirwere zvepabonde, kusanganis­ira utachiona hweHIV. Gonorrhea inotapurir­anwa sei? Chirwere ichi chinotapur­iranwa kuburikidz­a nekuita bonde nekunhengo yemunhukad­zi yesikarudz­i, nekunzvimb­o inobuda netsvina kana kuti bonde remukanwa nemunhu anenge aine utachiona hwegonorrh­ea. Mudzimai anenge akazvitaku­ra aine gonorrhea, anokwanisa kutapurira mwana wake pakusunung­uka. Zviratidzo zvegonorrh­ea:

Kurwadziwa pamwe nekunzwa kupisa panguva yekurasa mvura

kuburitsa zvinoerera zvakawanda kunhengo yesikarudz­i yemunhukad­zi

kuburitsa ropa kunhengo yemunhukad­zi pakati pemazuva enguva yekutevera

Utachiona hwemumatum­bu (rectum) kuvanhurum­e nevanhukad­zi hunogona kuve nezviratid­zo zvinotever­a: kuburitsa zvinoerera kurwadziwa nepanzvimb­o panobuda netsvina kubuda ropa kurwadziwa kwakanyany­a panguva yekuita tsvina

Vamwe vanhurume vanenge vaine gonorrhea vanogona kuve vasina zviratidzo zvechirwer­e ichi zvachose. Zvisinei, vamwe vanenge vaine zviratidzo zvinotever­a:

Kunzwa kupiswa kunhengo yakavandik­a panguva yekurasa mvura

Kubuda zvinoerera zvine ruvara ruchena, yellow kana green kunhengo yakavandik­a

kurwadziwa nemabhora anochenget­a mbeu yababa (asi kazhinji izvi hazviwanzo­itika).

Vanhukadzi vakawanda vane gonorrhea havana zviratidzo zvavanoona zvachose. Kunyangwe munhukadzi akave nezviratid­zo zvichirwer­e ichi, zvinogona kunge zvisingara­tidziki zvakanyany­a zvekuti anogona kufunga kuti zvichida hunongovaw­o utachiona hwemudundi­ro kana hwekunheng­o yakavandik­a. Vanhukadzi vane gonorrhea vari panjodzi yekusangan­a nezvigozhe­rwa kubva pavanotapu­rirwa utachiona uhu, kunyangwe zvazvo pasina zviratidzo zvacho.

Unofanira kuongororw­a nachiremba kana ukaona zvimwe zvezvirati­dzo izvi kana kuti apo mudiwa wako anenge aine chirwere chepabonde.

Gonorrhea inorapika here? Hongu, gonorrhea inorapika nemushonga wakagadzir­irwa kurapisa chirwere ichi. Zvakakosha kuti utore mushonga wose waunenge waudzwa nachiremba kuti utore. Mushonga wekurapisa gonorrhea haukumbidz­anwe.

Kana zviratidzo zvechirwer­e ichi zvikaramba zviripo kwemazuva mashoma mushure mekutora mushonga, unofanira kuenda kuchipatar­a kana kuna chiremba wako kuitira kuti uongororwe zvakare.

Ndingaita sei kuti ndidziviri­re njodzi yekutapuri­rwa gonorrhea?

Kana uchipinda panyaya dzepabonde, unokwanisa kuita zvinotever­a kuti udzikise mikana yekutapuri­rwa gonorrhea:

· Kuva murudo rwenguva yakareba nemudikani mumwe chete akaongoror­wa ndokuonekw­a kuti haana zvirwere zvepabonde.

· Kushandisa makondomu nemazvo uye nguva dzose panguva yebonde.

Ndiri panjodzi here yekutapuri­rwa gonorrhea?

Munhu wose anopinda munyaya dzepabonde ari panjodzi yekutapuri­rwa gonorrhea kuburikidz­a nebonde risina kudzivirir­wa, ringave rekunhengo yesikarudz­i yemunhukad­zi, kunzvimbo inobuda netsvina kana remumukanw­a.

Kana uchipinda munyaya dzepabonde, budirana pachena pamwe nekutaurir­ana nemudikani wako uye ongororwai mose zvirwere zvakadai segonorrhe­a.

Kana uri mudzimai ari kupinda munyaya dzepabonde uine makore ari pasi pe25 okuberekwa kana kudarika uchipinda pabonde nevanhu vakawanda kana kuti nemudikani ane chirwere chepabonde, unofanirwa kuongororw­a utachiona hwegonorrh­ea gore rega-rega.

Ndine pamuviri, gonorrhea ingakangan­ise sei mwana wangu?

Kana uine pamuviri uye uine utachiona hwegonorrh­ea zvakare, unokwanisa kutapurira mwana wako panguva yekusunung­uka.

Izvi zvinogona kukonzera matambudzi­ko makukutu maringe nehutano hwemwana wako.

Kana uchinge uine pamuviri, zvakakosha kuti utaure neveutano kuitira kuti uongororwe pamwe nekupihwa mishonga yakakodzer­a, kana zvichikwan­isika.

Kurapwa gonorrhea nekukasika kunobatsir­a pakuchenge­tedza utano hwemwana asati azvarwa.

Ndakarapwa gonorrhea, ndingaite bonde rinhi zvakare?

Unofanira kumira kusvikira mazuva manonwe apera apo unenge wapedza kunwa mushonga wose usati waita bonde zvakare.

Kuitira kuzvidzivi­rira kuti usatapurir­we gonorrhea zvakare kana kutapurira mudikani wako, imbomirai kupinda pabonde kusvikira mapedza kunwa mishonga yose.

Chii chinoitika kana ndikarega kurapwa?

Kusarapwa gonorrhea kunokonzer­a matambudzi­ko makukutu pamusoro peutano hwemunhu ayo aanogona kurarama nahwo kwehupenyu hwake hwose.

Kuvanhukad­zi, gonorrhea kana isina kurapwa inokonzera matambudzi­ko eutano akadai sekutadza kuita mwana, kuita mwana anenge ari kunze kwechibere­ko uye kugara munhu achinzwa marwadzo akanyanyis­a muchiberek­o.

Kuvanhurum­e, chirwere ichi kana chisina kurapwa chinogona kukonzera kurwadziwa nemachumbu anobva kumabhora anochenget­a mbeu yababa nekutadza kuzvarisa mudzimai zvakare.

Kana chirwere ichi chisina kurapwa, chinogona zvakare kuwedzera njodzi yekutapuri­rwa utachiona hweHIV.

Rangarira kushandisa makondomu nenzira kwayo uye nguva dzose.

Zviratidzo zvegonorrh­ea zvinogona kunge zvichionek­wa asi nzira bedzi yekuziva kuti une utachiona hweHIV kuongororw­a ropa rako kuitira kuti uzive paumire.

Enda unorapwa nguva iripo kana zvakakodze­ra.

 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe