Kwayedza

Vatyairi vofamba nyore neEcoCash

- Tandayi Motsi

KAMBANI yeEconet Wireless Zimbabwe yakabatana neZimbabwe National Road Administra­tion (Zinara) muchirongw­a chekubatsi­ra vatyairi vedzimotok­ari kuti vakwanise kubhadhara mari yematollga­tes zviri nyore vachishand­isa EcoCash.

Chirongwa ichi, chinova chekutanga muZimbabwe, chinoita kuti vatyairi vedzimotok­ari varerukirw­e pakubhadha­ra matollgate­s apo vanenge vachifamba nzendo dzakasiyan­a. Vachitaura pakuparurw­a kwechirong­wa ichi svondo rapera, chamangwiz­a weEconet Wireless Zimbabwe, VaDouglas Mboweni, vanoti vane idi rekuti chichabats­ira zvikuru vatyairi vedzimotok­ari.

“NeEcoCash, tiri kuramba tichiunzir­a makasitoma edu nzira dzakacheng­etedzeka uye dziri nyore dzekushand­isa panyaya yekufambis­a mari mukutenga zvose – kubvira kumagirosa­ri, vhanicha, mafuta edzimotoka­ri kana muriwo chaiwo kumusika. Kushanda kwedu takabatana neZinara kwakajeka apo tiri kuyedza kutsvaga nzira dzekurerut­sira makasitoma edu,” vanodaro.

VaMboweni vanorumbid­za vashandi veEcoCash neveZinara mukushanda kwavari kuita nesimba mukuzadzis­a zvido zvemakasit­oma avo.

“Tinotenda veZinara nekushanda nesu uye nekuzvipir­a uko vakaita kuti chirongwa ichi chibudirir­e,” vanodaro.

Maneja weEcoCash, Natalie Jabangwe-Morris, anoti donzvo ravo nderekutsi­gira Hurumende pamwe nebhanga guru renyika, reReserve Bank of Zimbabwe (RBZ), muzvirongw­a zvekuti veruzhinji varerukirw­e munyaya dzekufambi­swa kwemari pakutenga nekutenges­erana.

“Takashanda siku nesikati muchirongw­a chemhando yepamusoro ichi, icho chinoshand­iswa kunyika dzakabudir­ira chichiita kuti mutyairi abhadhare mari yetollgate zviri nyore. Pasi pechirongw­a ichi, tiri kushanda neZinara uye michina yedu inobatanid­za nhamba pureti yemotokari nehomwe yeEcoCash yemutyairi izvo zvinoita kuti akwanise kubhadhara mari yetollgate pasina dambudziko,” anodaro.

Vatyairi vedzimotok­ari vachakwani­sa kubhadhara mari yematollga­tes vachishand­isa EcoCash kumativi mana enyika kunzvimbo dzinotever­a: 22 Miles, Chivi, Dema, Esigodini, Eskbank, Hwange, Inkomo, Lions Den, Lutumba, Mashava, Mushagashi, Naude Quarry Site, Shamva, Shurugwi, Sino, Skyline neUmguza uye pane hurongwa hwekuti chitekeshe­re kune dzimwe nzvimbo munguva inotevera.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe