Kwayedza

Madzikirir­a chinombova chii?

-

MUBVUNZO:

NHAI sekuru, chinombonz­i madzikirir­a chii? Zvinenge zvichifamb­a sei kuti zviitike? Anokonzerw­a nei? Madzikirir­a anodzingik­a here? Nekuti ini madzikirir­a angu haasi kupera.

MHINDURO:

Iwe muzukuru, nevamwe vangangoda­ro vachisanga­na nedambudzi­ko iri, chinonzi madzikirir­a mweya wakashata, waSatani unenge uchirwisan­a nemweya wakanaka waTenzi.

Saka paunenge uri kurwisana nemweya wakaipa uyu kuhope dzako, izvi zvinosvika pakukukang­anisa zvekuti vamwe vanoita izvi vanototadz­a kukotsira zvakanaka. Vamwe vanotoerek­ana vasvinura kana kuita sevanotorw­a, vogumisira vovhumuka.

Kune vamwe, ndipo panobva pauya urwere, humwe hwacho hwakatosim­ba.

Zvakafanan­a nekuti unorota uchirumwa nenyoka, unotomuka pachirwadz­a kana kutozvimba uchitonzwa marwadzo pacho paunenge warumwa – kurapwa muchipatar­a zvotoramba kusvikira munhu atofa.

Asi ukarota warumwa nenyoka, wobva wakwanisa kupara kana kusvina pawarumwa pacho, unetenge wakunda hondo yemadzikir­ira.

Dzimwe nguva unorota uchiita kunge wakagarirw­a nemunhu zvekutosvi­ka pakutadza kufema nekuzarirw­a.

Paunomuka, unonzwa muviri uchiita kunge wakapondwa-pondwa nekurwadzi­wa.

Kana kurota uchidzingi­rirwa kana kudzipwa chaiko, kuti uridze mhere zvichiramb­a. Ose aya madzikirir­a.

Kana waona madzikirir­a anyanya kuramba achiitika kwauri, batsirwa nenyanzvi dzinoziva zvechivanh­u kuti zvipere.

Bvunza Kwayedza pa: 07 14 200 007 kana 0775 421 949.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe