Kwayedza

Ndiripowo pamamonya ipapo: DJ Kevie

- Malven Mugadzikwa

SHASHA yemusambo weHip Hop neRnB, Calvin ‘DJ Kevie’ Makanyaire, anoti haazi kuzodzoker­a kumashure zvichiteve­ra kufarirwa kuri kuitwa maRiddim aanobika nemazera akasiyana evanhu.

DJ Kevie - uyo anoshandir­a ari kuSouth Africa, achangobva mukubura Riddim idzva rinonzi Best 5 Riddim.

“Riddim idzva iri ndinovimba kuti richawana vaimbi vakawanda nekuti ndakawedze­ra mutakunanz­va kubva pane andakagadz­ira kumashure uko.

“Ndiri kubatana nevaimbi vakawanda, kunyanya vari muZimbabwe kuti varishandi­se riwane mbiri,” anodaro.

Anoenderer­a mberi achiti, “Basa rekugadzir­a maRiddim iri ndakaritan­ga muna 2010 kuSouth Africa apo ndakavhura studio yangu ndikatanga kushanda nevaimbi vemuZimbab­we. Vaimbi nevateerer­i vechidiki ndivo vanonyanya kunakirwa nemaRiddim andinobika.”

Muchinda uyu anoti Riddim rake idzva iri akarigadzi­ra nenzira yekuti rifadze vateereri pasi rose.

“Ndinovimba kuti richandisa­ndura basa rangu, kukwirawo kuenda pachidanho chepamusor­o.

“Ndinodaro nekuti rine dingindira rerudo uye chishuviro changu kuti richashand­iswa nevaimbi vazhinji panziyo dzerudo nekuti ndidzo dzinofarir­wa nevaimbi nevateerer­i vechidiki. Vaimbi vandakambo­shanda navo vanosangan­isira Chartsman naMafcat,” anodaro.

Anoti anofara zvikuru nekusimuki­ra kuti kuita vaimbi vemunyika ino.

“Vaimbi vemuZimbab­we vava kunzikwa kunyika dzakasiyan­a-siyana nekuda kwekuvandu­dzwa kuri kuitwa maridzirwo nemaimbiro avanoita,” anodaro Dj Kevie.

 ??  ??
 ??  ?? Calvin ‘ DJ Kevie’ Makanyaire
Calvin ‘ DJ Kevie’ Makanyaire

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe