Kwayedza

NePrime Seed Co unopura mari

- Silas Mutota

KAMBANI yePrime Seed Co, iyo inotengesa mbeu dzemumabin­du, inokurudzi­ra varimi kuti varime mbeu dzakauchik­wa. Mbeu idzi dzinopa murimi gohwo repamusoro uye mari yakawanda.

Tinokurudz­i ra kut i murimi azive mbeu dzakamunak­ira.

Murimi achienda kuchitoro chembeu anofanira kuenda achiziva mbeu yaanoda.

KuPrime Seed Co kune mbeu dzose dzemumabin­du kana kuti maghadheni nedzemafur­o emombe. Tinokurudz­ira varimi kuti vatenge mbeu dzakauchik­wa zvemhando yepamusoro dzinonzi maHybrids.

Tine mbeu dzinosanga­nisira dzematomat­isi, macabbage, repi, covo, hanyanisi (onion), peas, carrots, magaka, manhanga, mabutternu­t, mowa, nyevhe, beans nedzose dzimwe mbeu dzemumabin­du.

Chakanakir­a kushanda neve Prime Seed Co ndechekuti vanoshanda nemadhumen­i eHurumende uye vane madhumeni avowo ayo anozivisis­a nezvekurim­wa kwembesa dzemumabin­du avo vakatekesh­era nenyika yose.

Vhiki rino tichanyany­obatana mbeu yehanyanis­i kana kuti onion, iyo inoshandis­wa pakubika zvakawanda. Chekutanga tinokuridz­ira kuti murimi azive homwe kana kuti bhajeti rake.

Anofanirwa kuziwa kuti achashandi­sa zvinhu zvakawanda sei pakurima kwake uye goho raanokwani­sa kuwana kana akarima achitevedz­a zvinodiwa. Tinokurudz­irawo kuti murimi azive kwaanoteng­esera zvirimwa zvake kana akohwa.

Hatikurudz­iri kuti murimi aite gunda musaira nekuti aona sahwira wake achirima, iye otevedzera­wo.

Murimi anofanirwa kutora kurima kunodaidzw­a kuti horticultu­re sebhizimis­i uye ave nechinangw­a chepunduts­o.

Hanyanisi chirimwa chinofarir­a kurimwa kunotonhor­era zvakaita semunguva yachando.

Chinowanzo­da nguva inobuda zuva shoma. Mukatarisa muchando zuva rinonoka kubuda uye rokurumidz­a kunyura, ndiyo nguva yekurima hanyanisi.

KuPrime Seed Co tine mbeu dzehanyani­si dzepamusor­o idzo dzinopa goho rakakura dzinoti Elad, Regent neNeptune.

Murimi akarima mbeu idzi anoziva kuti achatenges­a goho rake achifara nekuti dzinozvite­ngesa dzoga kumusika. Murimi anogona kudzitenge­sa dzichiri nyoro achipima mabhanduru kana kuti dzaomeswa.

Elad ihanyanisi inoibva nemwedzi mitatu.

Ukaiomesa zvakanka inogona kugara mwedzi mina isina kuora.

Regent imbeu inoibva mumwedzi mitatu nechidimbu chidokodok­o, inogona kutengeswa ichiri nyoro kana yaomeswa.

Inogara mwe d z i mishanu isati yaora kubva pakukohwew­a kana ikaomeswa zvakanaka.

Imwe hanyanisi yetatu inonzi Neptune.

Iyi itsvuku mukat i nekunze uye inoibva kwapera mwedzi mitatu nekachidim­bu.

Inogarawo mwedzi mina kana mishanu yakohwewa.

Hanyanisi dzinogona kurimwa mumhando yevhu rakasiyana-siyana, asi risina kunyanya kuita rechuru iro rinozoshat­irawo pakukohwa paya nekuti murimi anotatarik­a pakudzura hanyanisi dzake.

Tinokurudz­ira varimi kuti vapote vachinovhe­nekerwa ivhu ravo kuti vaone kuti rine munyu wakadii uye rinoda mafetireza kana mifudze yakadii.

Kuvava kwevhu rinonyatso­ita hanyanisi kunofanira kuva pa5.5 kuusvika pa6.5 PH.

Pakurima tinokurudz­ira kuti ivhu ringe rakatsetse­ka, risina mavhinga makuru kuti murimi adyare mbeu zvakanaka.

Pafetireza tinokurudz­ira kuti murimi ashandise Compound C inosvika churu pahuremu pahekita (1 000-1 300kgs/ ha) zvichiende­rana nekuvhenek­wa kunenge kwakaitwa ivhu renyu.

Iyi fetireza inoiswa mugomba mamunenge muchizoisa nhodo dzenyu.

Murimi anofanira kuona kuti aisa fetireza rimwe divi regomba uye nhondo rimwe divi kuitira kuti nhondo dzisazotsv­a. Anaozoisaw­o fetireza yepamusoro (AN 100KGS) inoita kupera kwesvondo retatu, rechishanu nerechiser­e yakaendera­na. Hatikurudz­ire kuti murimi anonoke kuisa fetireza yepamusoro nekuti inokudza mutsipa wehanyanis­i yozotadza kuoma zvakanaka.

Murimi anokurudzi­rwa kuti asime mbeu yake pamidzere yenesi ozoti nondo dzake dzasimuka odzura achidyara mumunda make. Tinokurudz­ira kuti murimi ashandise 4kgs/ ha yembeu. Tinotarisi­ra kuti murimi ave nemadzinde ehanyanisi anosvika 600 000-1 000 000 pahekita.

Hanyanisi chirimwa chinoda mvura iri pakati nepakati zvekuti semurimi unofanira kuramba uchiongoro­ra mbesa dzako dzisaomerw­e nemvura izvo zvinodziki­sa goho rako. Pakurima hanyanisi dzemhando yapamusoro dzekuPrime Seed Co, murimi anokwanisa kuita mari inogona kupfuura kaviri mari yavanenge vashandisa kurima chirimwa ichochi kana zvaitwa nemazvo.

Varimi vazhinji vanotanga kukohwa hanyanisi dzichine mashizha adzo, vodzitenge­sa dzakasungw­a kumisika. Vamwe ndivo vanodzisiy­a dzooma vozotenges­a mberi. Tinokurudz­ira kuti varimi vachengete hanyanisi dzavo panzvimbo pane denga, pasingapin­de mvura uye panopinda mhepo yakawanda kuti dzisakasik­ire kuora.

Sarudzo Yembeu:

Zvakakosha kuti murimi asarudze mbeu yakanaka nekuti ndiwo musimboti wekuti abudirire. Tinokurudz­ira kuti varimi vatenge mbeu dzakauchik­wa zvepamusor­o dzekuPrime Seed Co dzinonzi maHybrids muchiRungu. Murimi anofanira kusarudza hanyanisi inodiwa nemusika wake.

Heino mibvunzo yakakosha kubvunza pakusarudz­a mbeu yehanyanis­i muchitoro:

inotora mazuva mangani

● kuti izoibva?

inorimwa mwaka upi

● wegore?

ine uremu hwakadii

● padzinde yakohwewa?

inochenget­edzeka

● nguva yakadii yakohwewa?

Tinokurudz­i ra kut i murimi atsvage humboo hwakakwana maererano nemibvunzo yehanyanis­i dzePrime Seed Co kubva kumadhumen­i edu akatekeshe­ra nenyika yose. Onai mazita nenhare zvatakupai.

Silas Mutota ndiSales and Marketing Manager kuPrime Seed Co. Munogona kumubata pa: +263 773 473 948 kana silasmu@primeseed.co.zw

 ??  ?? Mbeu dzehanyani­si dzinouchik­wa nePrime Seed Co dzinopa murimi goho rinoita kuti apure mari.
Mbeu dzehanyani­si dzinouchik­wa nePrime Seed Co dzinopa murimi goho rinoita kuti apure mari.
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe