JAYA ROPFEKERA DHONGI CONDOM
‘Hameno chinondigara’ ‘Mwana andinetsa uyu’
MUKOMANA jaya wekwaMusana, kuBindura anoti haatomboziva chinomugara — zvichida ishavi — zvekusvika pakudanana nedhongi, iro raanopengesana naro murudo, achiita rekupfekera makondomu sezvinonzi imhandara.
Muchinda wemubhuku rekwaSikero, kwaSadunhu Chikosha uyu anototenga makondomu muzvitoro zviri pedyo nemusha wavo paMusiiwa, ayo aanoshandisa pakushinha nerimwe remadhongi asekeru vake.
Masvondo maviri adarika, jaya iri, Takudzwa Tandi (21) akawanikidzwa mambakwedza — kuma3 dzekunze kwoyedza — achishinha nedhongi iri mudanga, akatopfeka kondomu.
Takudzwa anobvuma kuti anopisa rudo nedhongi, tsika yaanoti haazive kuti chii chinomudariso.
“Ichokwadi, ndakazviita. Ndakabatwa ndichishinha nedhongi rasekuru.
“Kwaive kuma3 dzekuseni, hameno kuti muridzi waro akazviziva sei, ndakazongoona asvika ini ndiri pakati . . .
“Asi zvinotondinetsawo, kuti chii chinondiita kuti ndidaro. Kubva pandakabatwa, ndave kutoenda kuchechi. Pandakawanikidzwa ndaive ndisina kudhakwa, handinwe doro,” Takudzwa anoudza Kwayedza.
Kana amai vaTakudzwa, Mai Evis Motsi (53), vanoti zvinoitwa nemwana wavo mumwe chete bedzi uyu zvatovatenderedza musoro.
“Munoda kuti ndiitewo sei nhai veduwee? Dai zvangu ndisina kuzvara mwana uyu zvaive nani, maiweee kani, amaaai!” vakadaro amai ava vachibongomora kuchema nezwi rainge remunhu afirwa apo vakasvikirwa neKwayedza vari mubindu ravo remuriwo, ndokubvunzwa nezve katsika kemwanakomana wavo kekudanana nedhongi achisiya vasikana. Takudzwa anoti musi waazobatikidzwa achishereketa nedhongi uyu, ainge ashaya musikana wake, uyo waakangodoma saLisa.
Kana dai zvazvo mukomana uyu achiti aka ndekekutanga Mangombe kuzviita, vari kuziva nezvenyaya iyi vane fungidziro yekuti katsika kake — anogona kunge agara achizviita.
VaSilas Madhudhu Dongo (37), avo vanogara mumusha mumwe chete naTakudzwa, ndivo muridzi wedhongi gadzi — Mifananidzo: Memory iri uye ndivo vakabatikidza muzukuru wavo uyu achiita mashura aya. Takudzwa akagumira chikoro muForm 1 mushure mekushairwa mari.
Musi waazobatikdzwa, anonzi ainge akasunga chipfuyo ichi mbiradzakondo, akaripunzira pasi.
Kondomu raakashandisa rakawanikwa nemuridzi wedhongi, zvose neveruzhinji.
Vachitaura neKwayedza, VaDongo vanoti musi uyu vakamuka kunze kwave kuedza apo vaida kupfura zizi raivaitira ruzha richichema mumiti iri pamusha pavo — asi ndokuzosangana nezvakakura kudarika zvavaida.
“Ndakamuka ndiine rekeni ndichida kupfura zizi raitinyaudza. Ndadzinga zizi iri, ndakaenda muchimbuzi ndokubva ndabudamo apo ndakazoona Takudzwa achishereketa nedhongi rangu. Kwaiva nemwedzi izvo zvakaita kuti ndimuzive,” vanodaro. Vanoti Takudzwa akamboedza kutiza apo akaziva kuti abatikidzwa. “Ndakamusikiza nerekeni apo akazozhamba achiti, ‘Sekuru ndiregerereiwo’,” vanodaro VaDongo. Vanoti panzvimbo yaaiva nedhongi iri, vakazowana kondomu raive rashandiswa.
VaDongo vanotizve vakazoenda kunomutsa muvakidzani wavo, VaPartison Chigande, avo vavakazivisa nezvenyaya iyi. “Takaenda tose tikanoona panzvimbo yaiva nedhongi rangu ndokuzonomutsawo vamwe sekuru vemukomana uyu, VaAmos Motsi, avo vakatiudza kuti tiende kuna amai vake,” vanodaro.
Vanoti vakanosvika kuna amai vaTakudzwa vakavazivisa nezvechiitiko ichi ndokuzodarikira kwasabhuku wemusha, VaElias Sikhala.
“Sabhuku vakatiti tiende kwaSadunhu Chikosha, izvo takaita. Sadunhu vakati pamutemo wechivanhu, mukomana uyu aifanirwa kubhadhara mombe yekusvibisa dunhu nemakunakuna asi ndokutiti tipfuurire nenyaya iyi kwaMambo Musana. “Zvisinei, vakazotiti chidzokerai munotaurirana apo takazowirirana kuti andikanyire zvidhinha 15 000 sechirango pakushereketa kwaakaita nedhongi rangu. Takazomunzwira tsitsi ndokumuti achingochera ivhu rekukanya zvidhinha bedzi, iro ndichakanya ndoga,” vanodaro VaDongo.
Vanoti vakanzwira tsitsi Takudzwa nekuda kwaamai
◆