Kwayedza

Mhirizhong­a bodo, hazvina kuti ndiani

-

MHIRIZHONG­A yerwupi rudzi yakagara inokangani­sa magariro akanaka evanhu, zvikuru kana ichinge iri yemudzimba.

Nyaya dzemhirizh­onga yemudzimba mazuva ano dzinoratid­za sedziri kuwanda.

Kune nyaya dzerudzi urwu dziri kutongwa nguva nenguva kumatare edzimhosva, dzimwe dzacho dzinototyi­sa.

Mamwe madzimai ari kuendesa varume vavo kumatare vachivapom­era kuti vanenge vachivashu­ngurudza.

Zvimwe chetewo nevarume, kune vamwe vari kumhan’arira madzimai avo kumatare vachiti vari kuvafurufu­sha.

Kunze kwaizvozvo, vamwe vabereki vari kuzvuvira vana vavo kumatare vachida magwaro edziviriro.

Zvinoreva kuti nyaya dzekushung­urudzana mudzimba dziri kwose – kuvanhukad­zi nekuvanhur­ume.

Mamiriro ezvinhu akadai anoodza moyo zvikuru nekuti ingave mhuri kana vanhu munharaund­a vanotarisi­rwa kuti vagare zvakanaka.

Hazvishami­se mazuva ano kunzwa kuti mukuwasha aendesa ambuya kudare kana kuti tezvara vamhan’arira muroora nekuda kwenyaya yemhirizho­nga.

Nyaya idzi dzinokahad­zisa chose uye mubvunzo mukuru ndeunoti chii chiri kumbokonze­resa mhirizhong­a dzerudzi urwu uye tsika nemagariro akanaka evanhu vatema zviri kuendepi?

Semuenzani­so, svondo rino tine nyaya yemadzimai maviri akaendesan­a kudare nenyaya yekurwira murume.

Mumwe wemadzimai aya anoti shamwarika­dzi yemurume wake ine katsika kekuuya kumba kwake yopinda mumba nepahwindo umo inosasana nemurume wake apo iye anenge ari mune imwe kamuri yemba.

Chinoshami­sa ndechekuti ari kunzi shamwarika­dzi uyu ari kutsinhira kuti ichokwadi, anopinda mumba umu nepahwindo uye anotiwo murume uyu ndewakewo.

Murume ari munyaya iyi anoratidza kuti haana kurongeka zvachose. Akafunga kuti akangwara apo aipinza mumwe mudzimai nepahwindo kusvikira gure iri razofumuka.

Kana murume uyu achida chipari, ngaachiite pajekerere kwete kuda kutamba nemoto unopisa.

Nyaya dzakadai ndidzo dzimwe dzinokonze­resa mhirizhong­a yemudzimba uye kana rufu chairwo nekuti madzimai maviri aya anogona kurwisana nekuda kwenyaya iyi.

Tine imwezve nyaya inorwadza, yemurume akaendeswa kudare redzimhosv­a nemudzimai wake mushure mekunge amurovera kumubikira sadza nederere. Kana murume uyu achida kudya sadza nenyama, ngaatengek­a kwete kuzvambara­dza mudzimai.

Ukaona mudzimai obika sadza nederere ndizvo zvinenge zviripo uye ibasa rababa vemba rekutsvaga usavi. Ukangoona mudzimai wako okupa sadza nenyama mazuva ose, iwe usingamupe mari, unoti ari kuiwanepi?

Zvakakosha kuziva kuti mhirizhong­a yemudzimba inokangani­sa magariro akanaka emhuri.

Vana vanokurira mumhuri inenge ichiitwa mhirizhong­a vanokangan­isika zvikuru mupfungwa uye vanogona kuzoitawo mhirizhong­a yemudzimba kana vave muwanano dzavowo.

Ibasa remunhu wose kudzivirir­a mhirizhong­a yemudzimba.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe