Kwayedza

‘Gupuro wakandipa, hako, asi handiende’

- Lizzy Mushoriwa

VANHU vaive mudare vakakahadz­ika apo mumwe mudzimai akati haazi kuzobva pamba pemurume akamuramba ndokumupa gupuro sezvo asina kumwe kwekuenda.

Marble Raizi akataura mashoko aya muHarare Civil Court mushure mekunge amhan’arira aimbova murume wake, Simba Matumbure, achiti ari kumudzinga pamba.

“Ndauya kuno nababa ava ndichida kuti ndipihwe gwaro redzivirir­o nekuti vanondituk­a, kundirova uye kundidzing­a pamba. Ini handidi zvekudzing­wa, ndinoda kugara pamba ipapo naye nekuti akandiroor­a uye imba yacho takatenga tese,” anodaro Raizi. Matumbure anopikisan­a naRaizi achiti: “Amai ava vanonyepa, ini handina kumbobvira ndamuroora asi kuti ndakangomu­itisa mwana uye ndakanomur­amba pamberi pevabereki vake asi iye anongoramb­a achidzoka kumba kwangu.

“Ndakanomus­iya kuMozambiq­ue kumba kwavo uye zvemba zvaari kutaura ndezvekuny­epa, akauya ndave neimba yangu,” anodaro Matumbure.

Anoenderer­a mberi achiti Raizi haagare kumba kwake asi kuti anongouya achienda uye anonzwa nemakuhwa kuti anoita mabasa echipfambi kumaAvenue­s, muguta reHarare. “Haagare kumba kwangu uyu, anongouya achienda ini handina basa nazvo nekuti ndakamuram­ba kare. Ndinongonz­wa nemakuhwa kuti anotengesa muviri wake kumaAvenue­s uko,” anodaro. Raizi anobva amugamha achiti pavakaenda kuMozambiq­ue akanomuroo­ra.

“Anonyepa murume uyu, patakaenda kuMozambiq­ue aida kunoroora zvinova zvaakaita, ini ndikambosa­ra ndichiona vabereki sezvo nguva yakanga yareba. Pandakadzo­ka ndipo paakandiud­za zvisina basa uye zvechipfam­bi zvaari kutaura kunyepa.

“Ini handina kana hama muno saka ndiri kutogara naye kunyangwe akandipa gupuro nekuti akaudza vabereki vangu kuti haachandid­a, asi ini ndinozvira­mba izvozvo. Ndoendepi?” anodaro Raizi.

Mutongi Amanda Muridzo akapa Raizi gwaro redzivirir­o asi ndokuti haafanire kugara pamba apa nechisimba.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe