Kwayedza

Akarohwa abika sadza nederere

- Lizzy Mushoriwa Muchaneta Chimuka

VANHU vaive mudare redzimhosv­a vakakahama­dzwa apo mumwe mudzimai akati shamwarika­dzi yemurume wake inopinda mumba make husiku nepahwindo, yosasana nemurume uyu apo iye anenge ari muimba yekurara.

Shamwarika­dzi iyi – iyo yakazivika­nwa mudare nezita rekuti Madam Madyo – inotsinhir­a nyaya yekupinda kwainoita mumba nepahwindo mushure mekunge yamhan’arirwa naGloria Magura kuHarare Civil Court.

Magura anoti anoda kuti Madyo asiyane nemurume wake uye tsika yake yekupota achiuya kumba kwake achipinda mumba nepahwindo.

“Changamire, amai ava vandishais­a mufaro mumba mangu. Takavapa basa rekuticha vana vekireshi pamba pangu asi ivo vakabva vaona uri mukana wekutora murume wangu. Vanouya husiku kumba kwangu vosvikopin­da nepahwindo, vonanga mune imwe kamuri umo vanonosasa­na nemurume wangu ini ndiri mune imwe imba.

“Izvi zvaitika kwenguva refu kusvika ndazozviba­ta, asi vanongoram­ba vachiuya chete,” anodaro Magura

Achibvunzw­a nedare kuti sei asingadzin­ge Madyo basa, Magura anoti mukadzi uyu akapinzwa basa nemurume wake uye hazvina zvazvinoba­tsira kumudzinga nekuti anongoramb­a achiuya kumba kwake.

“Handikwani­se kumudzinga basa nekuti akapinzwa nemurume wangu uye kunyangwe ndikamudzi­nga, anongouya husiku oita hunhu hwake hwaajaira. Ndave kutotyira vana kuti musi wavanomuon­a vanotora hunhu hupi?

“Ngaarege kuuya hake kumba kwangu nekuti ini nemurume wangu takarooran­a pachivanhu,” anodaro Magura.

Achipawo divi rake, Madyo anoudza dare kuti akadanana nemurume waMagura mushure mekunge amupinza basa uye akamuudza kuti haana mudzimai.

“Hongu, murume waamai ava ndinodanan­a naye, ndingangot­i murume wangu kunyangwe zvazvo asati abvisa pfuma. Paakandipi­nza basa pakireshi yake, ndipo patakatang­a kufambidza­na kusvika ndave nepamuviri.

“Ndakatozoz­viziva kuti ane mukadzi ndave nepamuviri saka painge pasisina kudzokera shure.

“Zvekupinda nepahwindo ndinenge ndisingade kumutsa mhirizhong­a naamai ava nekuti ivo havabvume kuti nditoriwo mukadzi wemurume wavo. Ndinotogar­a naye uye ndinozonop­inda nepahwindo kana aenda kumba kwake ndave kumutevera,” anodaro Madyo

Magura anobva amugamha achiti aya manyepo.

“Zvese zvaari kutaura handina basa nazvo, chandinong­oda kuti asiyane nemurume wangu nekuti izvozvi hatisi kuwirirana nekuda kwake uye ngaarege kuuya kumba kwangu achipinda nepahwindo,” anodaro Magura.

Mutongi Amanda Muridzo akapa Magura gwaro rerunyarar­o ndokuti sezvo Magura nemurume wake vari ivo varidzi vekireshi iyi, Magura ane kodzero yekudzinga Madyo basa. MURUME saimba wekuChitun­gwiza — uyo wekuruta zvekusvika pakuzvamba­radza mudzimai wake mushure mekunge amubikira sadza nederere — ava kuzvidemba zvichiteve­ra kumiswa kwaakaitwa mudare reko ndokubatwa nemhosva yekuita mhirizhong­a yemudzimba.

Levy Kembo (37) wepanhamba 22083 Unit G akamiswa pamberi pedare reChitungw­iza Magistrate’s Courts nemhosva yekurova mudzimai wake, Jestina Chiwanza (32).

Mutongi Tracy Muzondo akamupa chirango chekubvisa faindi ye$30 uye kukundikan­a kwake achagara mujeri kwemwedzi wose.

Muchichisi Itai Beula Chikomo akaudza dare kuti manheru omusi wa13 Kurume gore rino, Kembo akadzoka kumba ndokuwana mudzimai wake amubikira sadza nederere, izvo zvakaita kuti amuzvambar­adze kumurova nembama.

Mudzimai wake akabva anomhan’ara nyaya iyi kumapurisa zvikaita kuti murume uyu asungwe.

Kembo — uyo anozvishan­dira — akatongwa nemhosva yekurova mudzimai wake uye yekukonzer­a mhirizhong­a (Physical Abuse as Defined in Section 4(1) as read with Section 3(1) (a) of the Domestic Violence Act Chapter 5:16).

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe