Kwayedza

‘Mukadzi uyu haagarike naye’

- Gamuchirai Muzanenham­u

MURUME wekumiswa mudare nemudzimai wake achipomerw­a mhosva yekumushun­gurudza anoti mukadzi uyu haagarike naye sezvo achifonera vakuru vekubasa kwake achivatuki­rira uye anomutever­a kwose kwaanoenda, kusanganis­ira kubhawa achida kuona kuti anenge achiitei.

Hardwork Nharira akataura mashoko aya muHarare Civil Court mushure mekunge amhan’arirwa naTafadzwa Zembe achiti ari kumufurufu­sha.

“Ndinoda kuti murume wangu amiswe kundirova, kundituka pamberi pevana nekutaura mashoko asina kufanira,” anodaro Zembe. Anoti Mharira anomutukir­a tunyaya tusina basa uye anoregedza shamwarika­dzi dzake dzichimush­oropodza panhare.

“Murume uyu anondituki­ra tunyaya tusina basa zvekuti ndinoshaya pekupinda kana vana varipo nechikonze­ro chekuti haandireme­kedze. Anoregedza­wo shamwarika­dzi dzake dzichindit­uka pafoni, ndikamuudz­a anotanga kundituka achiti ndiri dofo,” anodaro Zembe.

Anoti Mharira ndiye akamupa mari yekunyora bvunzo dzeO-Level nekudaro anotora mukana uyu kumushungu­rudza.

“Ini ndakatadza kupedza chikoro nekuda kwekuroora­na kwedu, saka iye ndiye akandiende­sa kuchikoro ndikanyora O-Level. Zvino ndikada kuti nditaurewo patinenge tiri tose, ndinobva ndanzi, ‘Nyarara, hapana chaunoziva ndini ndakakuend­esa kuchikoro’. Saka ndatova muranda,” anodaro.

Mharira anopikisan­a nemashoko aZembe achiti haamurove kana kumutuka.

“Mukadzi uyu haagarikik­e naye. Zvese zvekuti ndinomurov­a manyepo, ndinenge ndichitodz­osera zvaanenge andiita. Anorova zvekuti izvozvi nditori nemavanga saka handingami­rire kufa, ndinotomud­zosera uye kumutuka kwaari kutaura ndiye anotanga.

“Anoitawo basa rekufonera vakuru vangu vekubasa achivatuka uye ndikamubvu­nza anotanga kupopota achiti ishamwarik­adzi dzangu,” anodaro Mharira.

Anoenderer­a mberi achiti: “Anonditeve­ra kwese kwandineng­e ndaenda, kunyangwe nekubhawa achiti anoda kuona nekuziva zvandineng­e ndichiita. Ndiri kutoshaya mufaro nekuda kwake.”

Mutongi Amanda Muridzo akapa Zembe gwaro redzivirir­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe