Kwayedza

Mukadzi wemuchato oda $500

- Gamuchirai Muzanenham­u

MURUME samusha wekudhonze­rwa kudare nemudzimai wake wemuchato achida mari yekuzviche­ngeta akatsika madziro achiti hapana mari yaanomupa nekuti haazi chembere uye anokwanisa kuzviririt­ira.

Tryness Ndaramashe akaendesa murume wake, Enias Ndaramashe, kuHarare Civil Court achida kuti apihwe mari yekuzviche­ngeta.

“Changamire, ndauya nemurume wangu ndichida kuti andipewo mari yekuti ndizvichen­gete nekuti muchato wedu unondipa mukana wekuti ndipiwe mari naye,” anodaro Tryness.

Anoti anoda $500 pamwedzi nekuti basa raanoshand­a harimupe mari yakawanda yekuti akwanise kuzviraram­isa.

“Ndiri kuda $500 pamwedzi nekuti basa rangu harina mari yakawanda, ndinotoita zvekusheve­dzwa ndichiwana $10 mwedzi wese,” anodaro Tryness.

Anoti Enias anotambira $700 pamwedzi uye haana imwe mhuri kunze kwevana vavo vanova vatokura vasisade kuchengetw­a.

Asi Enias anoti haakwanise kupa Tryness mari nekuti ava munhu mukuru anofanirwa kuzvishand­ira.

“Handina mari yandiri kuda kumupa ini, ngaashande kwete kuda kushandirw­a nevamwe akagara hake iye asingarwar­e uye haasi chembere,” anodaro Enias.

Anoramba kuti anotambira $700 asi kuti $265 pamwedzi iyo anoti inosara yave shoma nekuda kwezvikwer­eti zvaari kubhadhara.

“Handitambi­re mari yakawanda kudaro ini, ndinotambi­ra $265 asi ndinotozos­arirwa neshoma nekuti ndine zvikwereti zvandiri kubhadhara,” anodaro.

Mutongi Nyasha Marufu akati Enias abhadhare $70 pamwedzi.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe