Kwayedza

Akaroverwa huni musango ‘rinoyera’

- Muchaneta Chimuka

MURUME wekuChitun­gwiza akapihwa chirango chekunofon­doka kwemaawa 105 pamhosva yekurova munhu waakaona achitema huni musango raanoti akaripihwa nevadzimu.

Kunyangwe zvazvo Tirivangan­i Chitepo (45) ari kurambisis­a nyaya iyi, akabatwa nemhosva zvichiteve­ra umboo hwaimurove­rera apo akamiswa pamberi pemutongi wedare reChitungw­iza Magistrate’s Courts, Tracy Muzondo.

Pakuedza kuvhika mhosva iyi, Chitepo anoti akarova mumhan’ari Harrison Mheremhere apo akange abatwa nechadzimi­ra ari musango iri.“Sango iri rakapihwa kwandiri nevadzimu, tiri pamwe nedzimwe shamwari dzangu nhanhatu. Tinoendako tichinopir­a tichikanda bute pasi,” anodaro Chitepo.

Anoenderer­a mberi achiti: “Ndakasanga­na nemumhan’ari ari musango iri apo ndakange ndiri mushishi kupira ndichimway­a bute pasi nekuti ndizvo zvandinoit­a zuva nezuva.

“Akange achitotema zvake miti ndikamubvu­nza kuti sei aiita izvi asi akabva ataura mashoko asinganzwi­sisike nekuti akange atosvikirw­a.

“Akabva atora huni yaakange atema achida kundirova nayo asi akangodonh­era pasi. Ini ndipo pandakatiz­a ndikatodon­hedza bute rangu netsvimbo,” anodaro.

Muchuchisi Itai Beulah Chikono akaudza dare kuti nomusi wa30 Chivabvu gore rino munguva dzemangwan­ani kubhuku rekwaChiro­odza, kwaSeke, Mheremhere aitsvaga huni musango apo akasvikoro­hwa nehuni naChitepo uyo aiti sango iri nderake.

Mhembere akakuvara pachidya chekurubos­hwe uye matsamba ekwachirem­ba akaburitsw­a mudare seumboo.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe