Kwayedza

Satani ave kuno, kuGehena akatama IMBWA HAIHUKURE SADZA

-

NDINOFUNGA kuti munonzwisi­sa kuti sei dzimwe nguva ndichozomb­oti Mwari misai nyika ndiburuke! Misoro yenhau dziri kuitika munyika inondikonz­era kuwondomok­era mukati setsime. Zvimwe zvinhu zvinoita kunge zvakaitika kune imwe nyika iri kure kwazvo, kure kudarika kure kwemungano.

Imiwo munoti kudii nababa vanobata mwanasikan­a wavo chibharo kakawanda, vosungwa, vopika jeri, voburitswa, vodzoka vosimudzir­a zvakare kusvikira vapa mwanasikan­a pamuviri.

Pamuviri paye pave kuda kuzvarwa, ivo vobva vaita ndivo nyamukuta pakusunung­uka kwake. Kumwe kutadza kunoita kuti ufunge kuti Satani akatama kuGehena, uye ave kugara muvamwe vanhu pano panyika chokwadi.

Tabva panyaya yababa vakaita zvivi zvekuvakir­a danga ava, tinonzwa nyaya yemukomana ane makore 22 akabatwa aine musoro wemunhu mubhegi. Mukomana anonzi Honest Moyo uyu akacheka musoro nesikarudz­i dzemumwewo munhu uyo asina hama dzinozivik­anwa.

Ini mukomana uyu ndakamuona paTV achiratidz­a mapurisa paakanga aviga mutumbi wemurume waakauraya uyu. Nyangwe zvazvo tikati haana kumuuraya, tomboti sekutaura kwake akamuwana akafa, chivindi chekucheka musoro wemunhu sekunonzi uri kucheka huku chivindi chaSatani chete.

Munhu akasikwa nemufanani­dzo waMwari, uye ane mweya waMwari, uye Mwari vakapa murayiro wekuti munhu asauraye mumwe munhu.

Hama dzangu, ndiri kutsvaga munhu ainzi munhu kare, munhu aitya kutadza, munhu aitya kupara mhosva.

Kuda mari kwauraya zvakawanda muhupenyu hwedu. Honest Moyo akanga avimbiswa mari, $25 000,00. Asi Mwari vakaramba kuti munhu wavo wavakasika atengeswe ne$25 000,00.

Kaini paakanga auraya Abheri, Mwari vakati, “Waiteiko? Inzwa! Ropa remunin’ina wako riri kudanidzir­a kwandiri richibva muvhu.” Ropa remunhu rakasiyana neropa rehuku. Ropa remunhu rinoyera, ndicho chikonzero chakaita kuti ropa raJesu rive ndiro ropa rakakwanis­a kutsiva ropa remombe, hwai nembudzi sechipiris­o.

Honest paakatakur­a “nyama” yaakanga auraya akaenda nayo kumba kwaamai vake akanoisa mumba yekubikira. Ndine shungu yekuda kuziva kuti amai ava vakasekere­ra mimba yembwa seinokamwa mukaka kuti zviite sei?

Ine nhamo nenhunzi mombe isina muswe! Uye Bhaibheri roti, “Baba vebenzi havana mufaro.” Vane nhamo avo vagere murima zvekuti nepfungwa dzavo dzave rima gobvu rekuti unotogona kusendeka bhasikoro rikasadonh­a.

Ndinotya kujairira nhamo zvekuti musi wandinobud­irira ndinotadza kuziva kuti ndapinda machena, ndapinda murugare.

Hapana chinhu chinotyisa sekunzwa kuti vanhu vari kushereket­wa navo nenyoka yavasingao­ne vave “kutozvifar­ira.” Chinofarir­wa chinhu chiri pachena, kwete chechivere­vere. Ndizvo zvinoita kuti vanhu vedu vati chinovanzw­a huroyi, uhurudza hauvigwe.

Saka kana vanhu vachiti nyoka inoda zvinhu, asi tozonzwazv­e kuti naivo vave kutozvifar­irawo – vasiyana chii nenyoka dzacho dzinovapin­da?

Haisi nyoka chete inoda zvinhu, asi nevanhu vanonyarar­a vachidya huroyi vanodawo zvinhu. Havadi zvinhu zvenyoka chete, asi kuti naivo vatovewo nyoka dzevanhu nekuti munhu haafanire kuve nehukama nemhuka yesango. Iri dambudziko ratokomba pamwe chete nekukomber­edza vanhu zvekuti Satani aswaradza, ave kutorara pamubhedha yavo akapfeka hovhorosi nemagambhu­tsu ane tsvina.

Mubvunzo wangu unoti, saka mucharamba muchipindi­rwa nenyoka iyoyo kusvika riinhi? Kusvika mazvara vana venyoka here? Asika, Johani Mubhabhati­dzi muBhaibher­i akagara ati tiri vana venyoka nekuti akanga aona kuti tiri hama dzaAdam naEve vakateerer­a nyoka tichirega kuteerera Mwari.

Vanhu ityai, tsvagai rubatsiro pazvinhu zvisina chiyedza izvi musati matengesa mweya yenyu kuna Satani.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe