Kwayedza

‘Gomarara rinorapika pachivanhu’

- Malven Mugadzikwa

MUMWE chiremba wechivanhu anoti chirwere chegomarar­a kana kuti nhuta (cancer) chinogona kurapika nemishonga yechivanhu chichipera.

Mukuru wezvipatar­a zveHerbal Wellbeing Clinics — Dr Newton Mudzingwa — vanoti kune mishonga yechivanhu inokwanisa kurapa gomarara richipera, asi dambudziko riripo kushaikwa kweruzivo pamusoro pemarapirw­o edenda iri nemishonga yacho.

“Veruzhinji vari kuti vakabatwa negomarara vanomhanyi­ra kuzvipatar­a, asi kazhinji chirwere ichi chinorapik­a pachivanhu. Pari zvino mukana wekuti munhu akaenda kuchipatar­a negomarara arapwe achipora mudiki sezvo pachiri kuitwa tsvagurudz­o,” vanodaro.

Vanoendere­ra mberi vachiti: “Dambudziko ratichiri naro nderekuti nzira dziri kushandisw­a kuzvipatar­a dzine njodzi kumunhu ane gomarara pakuti vazhinji vari kuenda kuzvipatar­a vanopedzis­ira vazofa. Gomarara hachisi chirwere chitsva, asi kuti chaingovak­o kubva nakare uye chairapwa nemishonga yechivanhu chichipera.”

Dr Mudzingwa vanoti zvimwe zviri kudyiwa nevanhu mazuva ano ndizvo zviri kukonzera gomarara.

“Kare taiziva kuti kune nguva dzekudya michero zvichiende­rana nenguva yainoibva, kunyanya yechivanhu. Mazuva ano mimwe michero yava kudyiwa gore rose nekuti yava kurimirwa munzvimbo dzakavhari­ka (green houses) kuti ikasike kuibva.

“Pane zvikafu chemazuva ano (fast foods) kare zvaidyiwa nenguva dziri kure asi pari zvino munhu anochiita chikafu chezuva nezuva.”

Dr Mudzingwa vanoti chirwere chegomarar­a chiri kukonzerwa zvakare nechimwe chikafu chiri kubva kunze kwenyika.

“Kune zvakare chikafu chiri kubva kunze kwenyika chinenge chakagadzi­rwa kuti chiibve nekukasika, zvingava zvirimwa kana huku kuti dzikasike kukura. Zvose izvi zvinoitwa pachishand­iswa mishonga inozorwisa­na nenyama dzemuviri yedu zvodaidza gomarara,” vanodaro.

Dr Mudzingwa vanoendere­ra mberi vachiti: “Rimwe gomarara rinenge risiri gomarara chete, asi kuti zvimwe zvacho ndezve chivanhu uye zvinoda kurapwa pachivanhu. Zvakafanan­a nezvipotsw­a, zvitsinga nezvikandw­a zvekuti munhu akaenda kuchipatar­a, vanoona kunge gomarara.

“Kune rumwe runyoka rwunoita kunge gomarara asi munhu akaenda kumuridzi wemukadzi waakashinh­a naye zvinopera. Kune vamwe vanoba vogadzirwa, vosvika pakufa achinzi igomarara nekuti anenge aine ronda risingapor­i.”

Vanoti vari kubatsira vamwe vane gomarara vachipora uye vanotarisi­ra kuwedzera zvipatara zvavo kuitira kuti vabatsire vanhu vakawanda munyika.

 ??  ?? Dr Newton Mudzingwa
Dr Newton Mudzingwa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe