Kwayedza

Vanhukadzi vobatsirwa

- Muchaneta Chimuka

HURUMENDE yakabatana nesangano reUNFPA nereUnited Nations Central Emergency Response Fund (CERF) mukubatsir­a vanhukadzi vari munzvimbo dzakasanga­na nemafasham­u emvura nezvekusha­ndisa zvinokosha US$198 000 muutano hwavo, zvikuru panguva yekusunung­uka.

Zvekushand­isa izvi — izvo zvinosanga­nisira mazambiya, zvipfeko zvemukati, sipo nemishonga inoshandis­wa pakusunung­utsa — zvakapihwa kumuzinda mukuru unochenget­erwa mishonga muno, weNatPharm.

Vachitenda rubatsiro urwu, Dr George Washaya, avo vanove sachigaro weNatPharm, vanoti rubatsiro urwu rwuchayamu­ra mukuderedz­a ndufu dzevana nemadzimai panguva yekusunung­uka pamwe nekudzorer­edza chiremerer­a mavari.

“Ndinofara kut i mazambiya aya akatakura dzidziso yakanyorwa paari mukurwisa ny a ya dzem h i r i z hon g a kuvanhukad­zi. Anony’omba nyaya dzekupinda muwanano nepwere, anokurudzi­ra dzidzo uye kuumba ruremekedz­o kumadzimai.

“Pamishonga, tinotenda nekuti zvinhu zvinorwadz­a kuti munhu anoenda kuchipatar­a kunorapwa, osvikonyor­erwa mishonga nemachirem­ba asi achizoisha­ya mumafamasi kana muzvipatar­a,” vanodaro.

Mukuru anoona nezvekudzi­virirwa kwezvirwer­e kubazi rezveutano nekurerwa kwevana ( Director, Epidemiolo­gy and Disease Control) Dr Portia Manangazir­a vanoti madzimai anofanira kusimudzir­wa kuti vazive zvakavanak­ira maringe neutano hwavo.

“Kuti tive nebudiriro inoendeka, madzimai anofanira kusimudzir­wa muutano hwavo. Madzimai mazhinji, zvikuru vekumaruwa, vanokundik­ana kuwana zvekushand­isa panguva yekutevera vachigumis­ira vashandisa machira zvinova zvisina utsanana,” vanodaro.

Vanoti zvichiteve­ra kunaya kwakaita mvura yakawanda mwaka uno, kuchine dzimwe nzvimbo dzisina migwagwa kana mazambuko, izvo zvinoita kuti vakundikan­e kuwana rubatsiro mune zveutano nenguva.

Mai Abigail Msemburi, avo anova Assistant Representa­tive kusangano reUNFPA vanoti kana kukaita mafashanu, madzimai anotambudz­wa pane zveutano kudarika varume.

Mai Anne Musiwa, avo vanove National Child Rights Coordinato­r-National Programme Action for Children kubazi rezveutano nekurerwa kwevana, vanotiwo utano hwemadzima­i nevana hunofanira kukosheswa.

“Kune vamwe vanasikana v a nok u nd i k a na kuend a kuchikoro nepamusaka pekuti vanenge vasina zvekushand­isa panguva yekutevera.

“Mafashamu anoita kut i zvikoro zviparadzw­e, vana vagumisira vodzidzira pachena zvichizoka­nganisa utano hwavo,” vanodaro.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe