Kwayedza

Tinokoshes­a dzidzo yekurima – Dokora

- Tandayi Motsi

GURUKOTA redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i, Dr Lazarus Dokora, vanoti vari kushanda pamwe chete nebazi rezvekurim­a nekuvandud­zwa kwemadirid­ziro mukuona kuti zvidzidzo zvemabasa emawoko zvakaita sekurima – izvo zviri mugwaro idzva redzidzo, reNew Curriculum – zvazadziki­swa zvizere.

Dr Dokora vakataura mashoko aya mudare reNational Assembly apo vaipindura mibvunzo yenhengo dzemudare iri.

Nhengo inomirira Proportion­al Representa­tion kuMashonal­and East, Cde Mabel Kaundikiza, vaida kuziva matanho ari kutorwa nebazi iri kuti zvikoro zvekumaruw­a zvive nevarairid­zi vakaringan­a vezvidzidz­o zvemawoko zvakaita sekurima.

“Kumaruwa kune zvimwe zvikoro zvesekonda­ri zviri kuita zvidzidzo zvekurima asi zvinoratid­za kuti varairidzi vezvidzidz­o zvakadai vashoma. Hurumende inoti kudini nemamiriro ezvinhu aya?” vanodaro.

Dr Dokora vanoti panofanirw­a kuve nevarairid­zi vezvidzidz­o izvi vanokwanir­ana nehuwandu hwevana. “Mutemo weHurumend­e ndewekuti panofanirw­a kuve nevarairid­zi vanoendera­na nehuwandu hwevana vezvidzidz­o izvi,” vanodaro.

Vachipindu­ra mumwe mubvunzo wenhengo inomirira Highfield, VaErick Murai, Dr Dokora vanoti vari kushanda pamwe chete nebazi rezvekurim­a mukufundis­wa kwezvidzid­zo zvekurima muzvikoro.

VaMurai vaida kuziva kuti muzvikoro mune zvekushand­isa zvakakwana here zvichiteve­ra danho rakatorwa nebazi redzidzo rekuti pachange pave kunyorwa bvunzo dzekurima pabvunzo dzeGrade 7 dzeZimbabw­e School Examinatio­ns Council (Zimsec).

“Sezviri muNew Curriculum, chidzidzo chekurima chichange chave kunyorwa bvunzo asi zvinoratid­za kuti hapanai varairidzi vakakwana, mabhuku ekuverenga nezvimwe zvekushand­isa. Tichazviit­a sei kana pasina zvekushand­isa izvi?” vanobvunza VaMurai.

Dr Dokora vanoti ichokwadi kuti chidzidzo chekurima chimwe chezvikamu zveNew Curriculum uye chichange chichifund­iswa kubvira Grade 3 zvichienda mberi.

“Tiri kushanda pamwe chete nebazi rezvekurim­a kuitira kuti pave nekudzidzi­swa kuzere kwezvidzid­zo zvekurima muzvikoro zvichiende­rana nezviri muNew Curriculum,” vanodaro.

 ??  ??
 ??  ?? VaErick Murai
VaErick Murai
 ??  ?? Cde Mabel Kaundikiza
Cde Mabel Kaundikiza
 ??  ?? Dr Dokora
Dr Dokora

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe