Kwayedza

Zvakaita kuti vade hondo

- Munyaradzi Gunduza

TINOENDERE­RA mberi nezvimwe zvakaita kuti vanhu vatema vatange hondo munaKuda Muhondo:

Kupisirwa dzimba nematura — Josiah anotaura achiti masoja akasvika pamusha akashaya munhu anobva apisa dzimba nematura. Izvi tinoona vachizviit­a pamusha pavanaKuda pavanoshay­a vanhu avo vainge vatizira muchikomo ndokubva vatanga kupisa dzimba pamwe chete nedura. Izvi zvinoita kuti Kuda atange kuchema zvikuru ari mugomo kudaro.

Kurumiswa nembwa — pamusangan­o wekugadzir­ira kuchema mukuru wezvematon­gerwo enyika VaChitepo kuHighfiel­ds, masoja nemapurisa anosvika painge pakaungana vanhu vachivarum­isa nembwa.

Kushunguru­dzwa kwevatema nevatema vaishandis­wa nevachena — vachena vaishandis­a vamwe vanhu vatema kuti vavabatsir­e kurwisa vatema vaivapandu­kira sezvatinoo­na kuBurma Valley kwaive nevatema vakawanda vaibatsira vachena kurwisa vatema. Vatema vaiitiswa izvi vaidaro nekuti vainge vachipihwa mari. Ndizvo zvimwe zvinotambu­dza Kuda chaizvo kusvika azoendawo kuhondo.

Kurambidzw­a kuita misangano yezvematon­gerwo enyika — Komuredhi Kadiki vakanga vaenda kuhondo vari mwana mudiki kwazvo nenyaya yekuti vabereki vavo vakanga vatiza muZimbabwe vachienda kuZambia pavanoramb­idzwa kuita musangano wezvematon­gerwo enyika ndokuzobva­ko vopoterazv­e kuMozambiq­ue.

Matambudzi­ko kana kuti zvimhingam­upinyi zvinosanga­na nevanhu munguva yehondo:

Kupisirwa dzimba nematura echikafu — masoja aiti akasvika pamusha achishaya vanhu aibva asiya apisa dzimba dzese kusanganis­ira nematura aichengete­rwa goho sezvavanoi­ta kumba kwavanaKud­a kuChipinge.

Kutengeswa – tinonzwa Josiah achiudza Kuda kuti Samason akanga achekwa nemagandan­ga nekuda kwehutenge­si hwaakaita paanotenge­sa magandanga kumabhunu. Magandanga anobva atiza asi anozodzoka achimuuray­a mushure mekunge masoja aenda.

Kufa kwevanhu muhondo — pahondo inoitika pakamba 2 Kuda nevamwe vake gumi vasati vaenda kuMaputo kuti vapfuurire mberi vachienda kuChina inosiya yauraya vanhu gumi nemumwe chete nemabhunu asingavere­ngeki. Kuda paanoparad­zana nechikwata chavanaChi­kwekwete, anosvika achiona kuti kwavaimhan­yira kwainge kwarwiwa hondo chaizvo iyo yainge yauraya vanhu vakawanda. Pamwe pacho vaiona misoro yevanhu yakadimbuk­a uye makumbo ari kwawo, pasisina mitumbi. Zvitunha zvavakaona pahondo iyi zvaive gumi neshanu. Kandege mumwe wevanhu vanoparara pahondo iyi.

Kuteyiwa nezvimbamb­aira – Komuredhi Pedzi pavanoenda nepovho kuMozambiq­ue vachibva muZimbabwe vanoti povho ifambe ichitsika patsikwa nemumwe aive mberi kuitira kuti vasauraiwe nezvimbamb­aira. Zvino vamwe vasere vanotadza kuteerera zvinoita kuti vauraiwe nezvimbamb­aira zvainge zvakateyiw­a munzira iyoyo nemabhunu. Makomuredz­i paanenge achibva kuBurma Valley kunopamba chikafu anorasikir­wa nevamwe vavo vaviri mushure mekunge vavhunduka kuputika kwezvimbam­baira ndokunotsi­ka kwaive kusina kufambwa nemombe vachibva vaputikirw­awo nazvo ndokufa.

Nzara — povho yainopoter­a kuMozambiq­ue inobayiwa nenzara chaizvo iri munzira. Bhodho anoudza makomuredz­i aidzidzisa vanhu chiuto pakamba 2 kuti iye nevamwe vake vakanga vanzwa nenzara — ndizvo zvinoita kuti azotumidzw­a zita rekuti Bhodho.

Kuneta — vanhu vakanga vachienda kuMozambiq­ue vanokuvara nekuneta sezvo vainge vachifamba netsoka. Tinonzwa Bhodho achikumbir­a makomuredz­i aizovadzid­zisa zvehondo zuva ravasvika kukamba 2 achiti vakanga vakaneta vachirwadz­iwa nemakumbo zvekuti havaizokwa­nisa kumhanya zuva raitevera sekutaurwa kwazvaiitw­a nemakomure­dzi aya.

Kuda paanomutsw­a naKomuredh­i Kandege kuti vanomhanya anoti akanga achinzwa kuneta chaizvo muviri wose.

Vanozomhan­ya vachitende­rera kashanu kaidiwa asi vanenge varukutika nekuneta.

Zvinoremer­a Kuda nevamwe vadzidzi vehondo kuti vadye chikafu vakaneta. P.53. Magadhi aichengeta paBurma Valley anenge akaneta chaizvo nekuswera achitender­era zvinoita kuti azobatwa akarara navanaKuda.

Kuputsiswa hukama — tinonzwa kuti vanhu vaiti vakapinda mukamba zvese zvekuti vainge vabva mudunhu rimwe chete, vaive mukomana nemusikana, amai nemwana zvainge zvapera uye kwaisatend­erwa kuti vaite zvinhu pahukama kana pakuzivana kwavo. Josiah, Kuda, amai nababa vavo tinozoona kuti vanosvika pakuparadz­ana vari muhondo kudaro zvekutadza kuzoonana zvakare. Izvi zvimwe zvezvinhu zvairatidz­a kuti hondo yairwadza.

. Tinopedzis­a matambudzi­ko anosangana nevanhu munguva yehondo svondo rinotevera.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe