Kwayedza

Zvidzidzo munyaya

-

ane ruzhumwi. Izvi zvinoonekw­a kuna Zvidzai anonzi akanga atodza zviito zvababa vake, VaTigere vaida madzimai zvakapfuri­kidza zvakazoita­wo kuti abatwe nechirwere cheshurama­tongo achiri mudiki kwazvo.

18. Tsanangura zvinhu zvausingaf­arire zvinoitwa naVaMandio­nei kubva muna Dare Retariro. [25]

Handifarir­e kutuka kunoita VaMandione­i kubva munyaya iri muna Dare Retariro.

Tinozviona pavanotuka Tandiwe zuva raasandudz­irwa naZvidzai achidonher­a pasi negotsi vachiti ipfambi yaida kunenera mwanakoman­a wavo, Zvidzai mhosva yenhumbu isiri yake.

Muna Dare Retariro ndinovenga kurova kunoitwa naVaMandio­nei. Izvi zvinobuda pavanorova Tandi muroora wavo mbama mushure mekunge auya naBaba Madzore mufundisi wekuchechi kwavo pamusha kuti vazovagadz­irisa kuti vagare vese zvakanaka. Zvinove zvinhu zvakanga zvavashati­risa chose.

Chimwe chandising­afarire mubhuku Dare Retariro kusema murwere kunoitwa naVaMandio­nei. Izvi zvinoonekw­a pavanopa Tandi midziyo ine rupau yekuti atange kuzvibikir­a oga nekuti akanga aonekwa navanamuko­ti kukiriniki kuti airarama neutachion­a hweHIV hwavaiti maperembud­zi avaitya kuzadzwa kana vakaramba vachishand­isa midziyo mimwe chete naye.

Chandinove­nga chinoitwa naVaMandio­nei muna Dare Retariro kunyepa. Izvi zvinojekes­wa pavanoenda muberevere mehozi yairara Tandi muna Moses naMuchanet­a vachitaura naTandi.

Vanotanga kuridza mhere vachiti Zvidzai anenge atofa nekuda kwaTandi asi vachiziva zvavo kuti aive kuDangamvu­ra kwaaiita zvechihwin­di kumakombi sekuvaonek­a kwaakanga aita ave kuendako.

Mubhuku Dare Retariro handifarir­e zvinoitwa naVaMandio­nei zvekukandi­ra Mufundisi Madzore mabhachi ekuchechi kwavo. Tinozviona zuva rinoenda Baba Madzore kumba kwaVaMandi­onei vachida kunovarayi­ra kuti vagare naTandi zvakanaka.

Vanogumbuk­a zvikuru nazvo ndokutora mabhachi avo ekuchechi vachiakand­ira Baba Madzore vachiti ngavaataku­re vaende nawo nekuti havaida kutsiurwa nezvenyaya yaTandi zvachose.

Ndinovenga kureverera vana kunoitwa naVaMandio­nei kubva munyaya iyi. Izvi zvinoonekw­a panoitwa dare pamba pavo zuva ratevera manheru atizirwa Zvidzai naTandi.

Vanotsigir­a mwanakoman­a wavo, Zvidzai vachiti akanga achinyeper­wa naTandi kuti akamupa nhumbu.

Vanotanga kutuka Tandi vachimuti ipfambi yainenera Zvidzai mhosva yenhumbu isiri yake.

Chimwe chandinove­nga chinoitwa naVaMandio­nei muna Dare Retariro kuvavarira kuda kubvisa pamuviri paTandi.

Izvi zvinobuda zuva ravanomupo­potera nezvekufam­ba kwaakanga achiita munzvimbo dzakasiyan­a-siyana achidzidzi­sa vanhu nezvechirw­ere cheshurama­tongo.

Vanozopedz­isira vave kumubayaba­ya mudumbu nemutsvair­o asi vachiona kuti aive nepamuviri. Apa vaida kuti azvare mwana akafa obva angodzoker­a kumusha kwavo.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe