Zvidzidzo munyaya
ane ruzhumwi. Izvi zvinoonekwa kuna Zvidzai anonzi akanga atodza zviito zvababa vake, VaTigere vaida madzimai zvakapfurikidza zvakazoitawo kuti abatwe nechirwere cheshuramatongo achiri mudiki kwazvo.
18. Tsanangura zvinhu zvausingafarire zvinoitwa naVaMandionei kubva muna Dare Retariro. [25]
Handifarire kutuka kunoita VaMandionei kubva munyaya iri muna Dare Retariro.
Tinozviona pavanotuka Tandiwe zuva raasandudzirwa naZvidzai achidonhera pasi negotsi vachiti ipfambi yaida kunenera mwanakomana wavo, Zvidzai mhosva yenhumbu isiri yake.
Muna Dare Retariro ndinovenga kurova kunoitwa naVaMandionei. Izvi zvinobuda pavanorova Tandi muroora wavo mbama mushure mekunge auya naBaba Madzore mufundisi wekuchechi kwavo pamusha kuti vazovagadzirisa kuti vagare vese zvakanaka. Zvinove zvinhu zvakanga zvavashatirisa chose.
Chimwe chandisingafarire mubhuku Dare Retariro kusema murwere kunoitwa naVaMandionei. Izvi zvinoonekwa pavanopa Tandi midziyo ine rupau yekuti atange kuzvibikira oga nekuti akanga aonekwa navanamukoti kukiriniki kuti airarama neutachiona hweHIV hwavaiti maperembudzi avaitya kuzadzwa kana vakaramba vachishandisa midziyo mimwe chete naye.
Chandinovenga chinoitwa naVaMandionei muna Dare Retariro kunyepa. Izvi zvinojekeswa pavanoenda muberevere mehozi yairara Tandi muna Moses naMuchaneta vachitaura naTandi.
Vanotanga kuridza mhere vachiti Zvidzai anenge atofa nekuda kwaTandi asi vachiziva zvavo kuti aive kuDangamvura kwaaiita zvechihwindi kumakombi sekuvaoneka kwaakanga aita ave kuendako.
Mubhuku Dare Retariro handifarire zvinoitwa naVaMandionei zvekukandira Mufundisi Madzore mabhachi ekuchechi kwavo. Tinozviona zuva rinoenda Baba Madzore kumba kwaVaMandionei vachida kunovarayira kuti vagare naTandi zvakanaka.
Vanogumbuka zvikuru nazvo ndokutora mabhachi avo ekuchechi vachiakandira Baba Madzore vachiti ngavaatakure vaende nawo nekuti havaida kutsiurwa nezvenyaya yaTandi zvachose.
Ndinovenga kureverera vana kunoitwa naVaMandionei kubva munyaya iyi. Izvi zvinoonekwa panoitwa dare pamba pavo zuva ratevera manheru atizirwa Zvidzai naTandi.
Vanotsigira mwanakomana wavo, Zvidzai vachiti akanga achinyeperwa naTandi kuti akamupa nhumbu.
Vanotanga kutuka Tandi vachimuti ipfambi yainenera Zvidzai mhosva yenhumbu isiri yake.
Chimwe chandinovenga chinoitwa naVaMandionei muna Dare Retariro kuvavarira kuda kubvisa pamuviri paTandi.
Izvi zvinobuda zuva ravanomupopotera nezvekufamba kwaakanga achiita munzvimbo dzakasiyana-siyana achidzidzisa vanhu nezvechirwere cheshuramatongo.
Vanozopedzisira vave kumubayabaya mudumbu nemutsvairo asi vachiona kuti aive nepamuviri. Apa vaida kuti azvare mwana akafa obva angodzokera kumusha kwavo.