Kwayedza

MUKUWASHA AKAPOND AMBUYA NEMBWA DZAV

- Blessings Chidakwa ari kuGWERU

MURUME wekuKwekwe anonzi akaponda ambuya vake — amai vemudzimai wake — avo vaigara kuSogwala, kuLower Gweru, ndokuvadzu­ra zino rimwe chete iro raanoti ndiro ravaishand­isa mukuroya.

Pamusoro pezvo, mukuwasha uyu akasiya auraya imbwa nhatu dzaambuya ava, ndokucheka nzeve, idzo akaenda nadzo.

Svondo rino, Lawrence Moyo (26) akamiswa pamberi pemutongi Pathekile Msipa wedare reGweru Magistrate­s Courts achipomerw­a mhosva yekuuraya amai vemudzimai wake, Inna Ncube (53).

Mushure mekupfupfu­ridza ambuya vake, Moyo anonzi akazouraya­wo imbwa dzavo nhatu ndokucheka nzeve dzacho, idzo akatakura kuenda nadzo.

Achitaura pakumira kwaakaita mudare, Moyo anoti aigaroudzw­a nemudzimai wake kuti amai vake vane zino ravanoshan­disa mukuroya. Anoti musi waanonzi akazoponda ambuya vake uyu, akange avashanyir­a pamusha pavo aine mhuri yake.

“Ndakabva kuKwekwe kwandinoga­ra nemhuri yangu huri husiku tati regai tishanyire ambuya kuLower Gweru. Asi takati tavata, ndipo pandakanzw­a pamweya kuti pane mweya yetsvina yainge yondishung­urudza,” anodaro.

Moyo anoenderer­a mberi kuudza dare achiti: “Ndakabva ndamutsa mudzimai wangu natsano kuti tibatsiran­e kudzura zino ramai — iro rainzi ndiro ravanoshan­disa kuroya. Takabva tatanga kunamata vamwe vakandibat­sira kubata huro nemawoko avo.

“Ndakatanga kudzura zino raamai, iro randakakwa­nisa kubvisa tichibva taenda kunovata. Takazomuka mangwanani ndokuona amai vakatonhor­a. Asi chiri kundishami­sa pari zvino ndechekuti mapurisa vakabata ini ndoga vachisiya tsano nemudzimai wangu, asi taive tose pakubata basa iri.”

Zita remudzimai waMoyo neratsano vake avo vaanoti vakamubats­ira paakadzura zino raambuya vake haana kudurwa mudare.

Mutongi Msipa aka fanirwa kumbovhari­rw kusvikira musi wa11 Ch rino apo nyaya yake ine rorwa.

Muchuchisi munyaya Gwaenda.

 ??  ?? Imbwa dzakafa
Imbwa dzakafa
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe