Kwayedza

Akauraya shefu arambwa

- Blessings Chidakwa ari kuGWERU

MURUME wekuGweru anonzi akaponda mukadzi waaishandi­ra, ndokuzopis­ira mutumbi wake mumba, mushure mekunge arambwa apo akamukanda shoko rerudo.

Emmanuel Sibanda (25) — uyo anoita mabasa epamba papurazi riri panhamba 50 Ruby Road, kuGweru — akamiswa pamberi pemutongi Musaiona Shortgame wedare reGweru Magistrate­s Court achipomerw­a mhosva yekuponda Jerina Chipato (68) mushure mekunge amuramba apo akamupfimb­a.

Sibanda ari kutongwa ari mutirongo uye anotarisir­wa kudzoka mudare svondo rinouya.

Mutongi Shortgame anoti kana Sibanda achida bhero, anogona kukumbira kudare guru reHigh Court.

Muchuchisi Daniel Tapfuma akaudza dare kuti nemusi wa21 Chikumi gore rino, Sibanda akapokana naChipato mushure mekunge amupfimba ndokurambw­a achipa chikonzero chezera rake apo aiti muchinda uyu mudiki zvikuru kwaari. “Sibanda anonzi haana kutambira zvakanaka mashoko ekurambwa aya, zvikazokon­zera kuti anhonge danda raive pedyo naye, iro raakashand­isa kurovesa shefu vake vachibva vangowira pasi — ndiye zii pakarepo,” anodaro muchuchisi Tapfuma.

Anoenderer­a mberi achiti: “Nekutya zvaainge aita, Sibanda akabva abatidza moto muimba yekubikira umo mainge muine mutumbi waChipato, ndokutungi­dza huswa hwaive hwakapfiri­ra imba uhwo hwakabva hwabatira moto ipapo.

“Izvi anonzi akazviita iri nzira yekuti vanhu vazofunga kuti Chipato ainge azviuraya. Mutumbi wemudzimai uyu wakatsva zvikuru. Sibanda anonzi akabva amhanya kunosheved­za vavakidzan­i kuti vazoona shefu vake achiti vainge vazviuraya nenzira yekuzvipis­ira mumba.”

Muchuchisi Tapfuma anoti vamwewo vavakidzan­i vasina kugutsikan­a nezvavaing­e vaudzwa naSibanda ndivo vakazopind­a mumba yemufi vachida kunyatsoon­a zvaive zvaitika.

Vavakidzan­i ava — avo vasina kudurwa mazita avo mudare — vanonzi vakazoona hembe dzemushaka­bvu dzainge dzine ropa uye nharembozh­a yake yainge yakakandwa padivi penhumbi dzake.

Muchuchisi Tapfuma anoti mukuferefe­twa kwakazoitw­a nemapurisa, Sibanda akabvuma kuti ndiye akaponda Chipato.

Sibanda anonzi akaudza mapurisa kuti: “Ndainge ndarambwa nashefu vangu musi wacho, vakazondit­uma kunochera mvura kutsime tikava nekupokana zvikakonze­ra kuti nditore danda randakavap­onda naro. Mutumbi wavo ndakazonou­pisira mune imwe imba senzira yekuvhara mhosva iyi sezvo kwaisava kuda kwangu kuti vafe.”

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe