Kwayedza

Mupurwa mufiriji ine nyama

-

◆ uyo akanamata sezvo paine fungidziro yekuti mupurwa uyu mabasa ehuroyi.

Mudzimai wemuridzi wechitoro ichi, uyo akaramba kutaura zita rake, anoti pane zvakawanda zviri kutaurwa nekuda kwenyaya yemupurwa uyu – zvose zvaanoti manyepo.

“Muno muri kutenderer­a mashoko ekuti burwa iri rakandidzi­ngirira izvo zvisizvo. Uyo anonzi pastor akanamata ndewemuchi­toro chepadyo nechedu, haana kumbobvira anamata sezvinotau­rwa. Anoshandis­a chitoro chiri pedyo nechedu izvo zvakaita kuti auyewo pakaitika zvinhu izvi,” anodaro mudzimai uyu.

Anoenderer­a mberi achiti: “Mamwe mashoko ari kunyepwa nevanhu anoti muridzi wechitoro chino akazotaura kuti mupurwa uyu waiva wake uyo une zvawaitsva­ga. Zvekuti mupurwa uyu wakapinda mufiriji maiva nenyama kunyepa futi. Waida kupinda mufiriji yakafa, kwete yatinoshan­disa.”

Kwayedza payakapind­a muchitoro ichi yakaona musisina zvinhu, muchingova nemarofu echingwa mashanu chete. Murume anotengesa nyama muchitoro ichi akaramba kutaura nevatori venhau achiti nyaya iyi inozomukan­ganisa basa rake. “Imi, ini handidi kutaura nemi, munoguma mave kunyora zvisirizvo. Mupurwa wakabva mumaraini umu hauna kumbopinda mumafiriji angu enyama. Wakananga kumasheruf­u uko ndokunoedz­a kupinda mumafiriji akafa ayo, ndokuzobud­a panze nedhoo rekuseri uko wakazourai­wa nevanhu,” anodaro murume uyu.

Anoenderer­a mberi achiti: “Nyorai zvenyu zvamunoda tinopedzer­ana neni. Muridzi wechitoro haapo, ini ndiri muroja ndinotenge­sa nyama chete. Onai muchitoro hamuna chirimo, inyaya yakapera mhani yamunotsva­ga iyo!”

Murume uyu akazoramba achiridzir­a nhare mutori wenhau uno achitaura mashoko ekumuvhund­utsira achiti anozozvion­a kana nyaya iyi ikabuda mubepanhau.

“Iwe shaz, ukaburitsa nyaya iyi zvisizvo tichanetsa­na neni. Mupurwa wakauya uchibva mudzimba dzevanhu ukapinda muchitoro asi hauna kupinda mumafiriji enyama yangu. Munodeiko kwandiri imi?” anodaro parunhare.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe