Mupurwa mufiriji ine nyama
◆ uyo akanamata sezvo paine fungidziro yekuti mupurwa uyu mabasa ehuroyi.
Mudzimai wemuridzi wechitoro ichi, uyo akaramba kutaura zita rake, anoti pane zvakawanda zviri kutaurwa nekuda kwenyaya yemupurwa uyu – zvose zvaanoti manyepo.
“Muno muri kutenderera mashoko ekuti burwa iri rakandidzingirira izvo zvisizvo. Uyo anonzi pastor akanamata ndewemuchitoro chepadyo nechedu, haana kumbobvira anamata sezvinotaurwa. Anoshandisa chitoro chiri pedyo nechedu izvo zvakaita kuti auyewo pakaitika zvinhu izvi,” anodaro mudzimai uyu.
Anoenderera mberi achiti: “Mamwe mashoko ari kunyepwa nevanhu anoti muridzi wechitoro chino akazotaura kuti mupurwa uyu waiva wake uyo une zvawaitsvaga. Zvekuti mupurwa uyu wakapinda mufiriji maiva nenyama kunyepa futi. Waida kupinda mufiriji yakafa, kwete yatinoshandisa.”
Kwayedza payakapinda muchitoro ichi yakaona musisina zvinhu, muchingova nemarofu echingwa mashanu chete. Murume anotengesa nyama muchitoro ichi akaramba kutaura nevatori venhau achiti nyaya iyi inozomukanganisa basa rake. “Imi, ini handidi kutaura nemi, munoguma mave kunyora zvisirizvo. Mupurwa wakabva mumaraini umu hauna kumbopinda mumafiriji angu enyama. Wakananga kumasherufu uko ndokunoedza kupinda mumafiriji akafa ayo, ndokuzobuda panze nedhoo rekuseri uko wakazouraiwa nevanhu,” anodaro murume uyu.
Anoenderera mberi achiti: “Nyorai zvenyu zvamunoda tinopedzerana neni. Muridzi wechitoro haapo, ini ndiri muroja ndinotengesa nyama chete. Onai muchitoro hamuna chirimo, inyaya yakapera mhani yamunotsvaga iyo!”
Murume uyu akazoramba achiridzira nhare mutori wenhau uno achitaura mashoko ekumuvhundutsira achiti anozozviona kana nyaya iyi ikabuda mubepanhau.
“Iwe shaz, ukaburitsa nyaya iyi zvisizvo tichanetsana neni. Mupurwa wakauya uchibva mudzimba dzevanhu ukapinda muchitoro asi hauna kupinda mumafiriji enyama yangu. Munodeiko kwandiri imi?” anodaro parunhare.