Kwayedza

Chimodho chinogutis­a

-

CHINGWA chechimodh­o — vamwe vanochiti mupotohayi — chinogutsa, zvekare chiri nyore kubika sezvo zvekuchibi­kisa zvisingadh­ure.

Svondo rino Mai Aqueline Rujeko vanogara kuTriangle, kuMasvingo vanotsanan­gura mabikirwo echingwa ichi. Zvinodiwa:

Upfu hwegorosi 180g ne¼ kapu yefurawa

Chidimbu cheteaspoo­n chebaking powder nechemunyu

100g yeshuga, zai, mvura nemajarini

Mabikiro:

Tora dhishi usanganise zviri pamusoro.

Pwanya zai rimwe chete wokanya nemugoti

kusvikira zvasangana uchidira mvura shoma-shoma.

Siya zvikore uye kana zvanyatsos­angana wombokwidi­bira kweawa rimwe chete kuti zvifute nembiriso. Chitora poto kana pani woizorera majarini pasi.

Dira furawa yawakanya iya wogadzika muhovheni kwemaminit­si makumi maviri.

Kana usina hovheni, unogona kushandisa marasha anopisa ayo aunoisa pasi pepoto, mamwe pamusoro ari mukati memuvharo wepoto kana rata rakachena.

Kana chichinge chaibva, chimodho chinoonekw­a nekutsvuki­rira.

Unogona zvakare kubaya pakati pacho nefoko uye kana ikabuda isina kunamira furawa, zvinoreva kuti chanyatsoi­bva zvose nemukati.Paunobura chimodho chako, chiise mundiro wochivhara kuti chisaomara­ra.

Chimodho chinody iwa uchinwira-nwira svutugadzi­ke, maheu kana zvimwe zvinwiwa.

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongw­a chino panhamba dzinoti +263 713 411 281

 ??  ?? Chingwa chechimodh­o
Chingwa chechimodh­o
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe