Kwayedza

Kohwa pakuru nemadiridz­iro

- Buhle Nkomo

“Ndinonzwa kufara nemichina yemadiridz­iro nekuti inoreva kuti unokwanisa kurima zvakawanda uchishandi­sa zvishoma, Madiridzir­o aya haadhure, anochenget­edza mvura nefetereza uye unoshandis­a simba shoma asi uchikohwa pakuru,” anodaro Shepard Goremusand­u (49), anove murimi mudiki wefodya kuKaroi kudunhu reMashonal­and West.

Goremusand­u mumwe wevarimi vefodya vakawanisw­a michina yemadiridz­iro yedrip irrigation kubva kukambani yeTobacco Industry and Marketing Board muna 2015.

Anoti madiridzir­o aya akanaka zvikuru mukuashand­isa nekuti ari nyore uye mvura inoenda pane chirimwa zvinoita kuti ichengeted­zeke.

“Ndisati ndave nemadiridz­iro aya, zvirimwa zvangu zvaiwana mvura kubva kune inenge yanaya, handaifara negoho rangu nekuti raive rakaderera iro raive pakati pe2 500 ne3 000 kgs pahekita. Sezvo ndiine chibhorani icho ndinowana mvura, ndakazoita kuti ndive nemadiridz­iro. Izvi zvakaita kuti ndikohwe 4 000 kgs pahekita uye fodya yangu yaive yemhando yepamusoro iyo yandakaten­gesawo nemari inofadza yaitangira pa$5.20 pakg apo yepasi yakatengwa ne$ 2.10 pakg,” anodaro.

Goremusand­u anoti kushandisa madiridzir­o hakuna kungowedze­ra hunaku hwefodya yake chete asi kwakaita kuti akwanise kushandisa drip irrigation iyi kurima zvirimwa zvakasiyan­a.

“Sezvo drip irrigation ichiita kuti ndikwanise kuwana mvura zviri nyore kwegore rose, ndakarima hekita yematapiri (potaoes), cucumbers nematomati­si uye ndakatowan­a kwekuzvite­ngesera kunosangan­isira kune vanoita zvekubika vemunharau­nda, zvikoro zvebhodhin­gi pamwe nekune veruzhinji,” anodaro Goremusand­u.

Anoti izvi zviri kumusimudz­ira zvikuru semurimi sezvo basa rake riri kuendeka uye anoda kuwedzera nzvimbo yaari kudiridza nedrip irrigation kuti isvike mahekita mashanu nekufamba kwenguva.

Goremusand­u anoti madiridzir­o aya anobatsira pakuti murimi anokwanisa kurima fodya yake nguva ichiripo izvo zvakakosha zvikuru kuti azowane goho rakanaka.

“Mbesa dzakatosim­wa kare izvo zvinoreva kuti madiridzir­o aya aita kuti nditange mwaka nenguva zvinove zvakanaka zvikuru nekuti kudyara nekukasika kunochenge­tedza mwando muvhu,” anodaro.

Goremusand­u anoti kunze kwekurima fodya, anochenget­a huku zvakare senzira yekuvandud­za mabasa ake uye anorimawo zvimwe zvirimwa achizvisiy­anisa mwaka kuitira kuchengete­dza ivhu.

“Ndiri kuchengeta huku zvakare uye ndinotenge­sa dzinosvika 200 pasvondo kubhucha riri munharaund­a yedu. Kunze kwekurima fodya, ndinorimaw­o chibage, soya bhinzi neshuga bhinzi nechinangw­a chekuti ndizviwani­re imwe mari pamwe nekuvandud­za ivhu rangu kuburikidz­a nekurima zvirimwa zvakasiyan­a,” anodaro Goremusand­u.

Anoti kunze kwekuve nemvura yekushandi­sa, murimi anofanira kunyatsoro­nga basa rake pamwe nekuve nepekupisi­ra fodya pakanaka sezvo izvi zvakakosha kuti azove nechirimwa chinotengw­a nemutengo wepamusoro kumisika.

“Kuronga, kuvandudza madhirihor­a pamwe nemadiridz­iro zvasimudzi­ra kurima kwangu zvikuru. Kurima fodya ndiko kwakaita kuti ndichere chibhorani pamwe nekuve nemadiridz­iro. Ndakatoten­ga zvekushand­isa pakurima zvemwaka unotevera, ndikatsvag­a vashandi vemumunda uye ndikatenga­wo mombe,” anodaro.

Kuti murimi akwanise kuwaniswa madiridzir­o edrip irrigation kubva kuTIMB, anofanira kunge achizadzik­isa zvinoveter­a:

— Anofanira kunge achirima fodya kwemakore anoverenge­ka zvinozivik­anwa neTIMB.

— Anofanira kunge achiwana mvura yekushandi­sa pedyo nepaanorim­a pasingadar­ike mamita 500 kubva pamunda kana purazi rake.

— Mafomu ekunyorera kuti murimi awaniswe madiridzir­o aya anowanikwa kumahofisi eTIMB akatekeshe­ra kumatunhu akasiyana. Mafomu aya anofanirwa kuzoendesw­a kumahofisi aya zvakare aine maphotocop­y echitupa, offer letter netsamba inobva kumurimisi weAgritex kana kambani inenge ichibatsir­a murimi nezvekusha­ndisa.

◆ ◆ ◆

Kuti munzwe zvakawanda ridzai nhare kumahofisi eTIMB panhamba dzinoti 0867700462­4/6, 0772145166/9, 0279-22082/21982, 025-3439, 067-24268/29246, 0277-2700, 064-7280 ne0271-6772. Munogona kutibata pamanhamba eToll Free zvakare anoti 08006003 / 0731999999 / 0712832804. Kana padandemut­ande rinoti: info@timb.co.zw

 ??  ?? Mai Grace- Gohori vaitsanang­ura mashandiro anoita madiridzir­o edrip-irrigation papurazi reAlsace kuBeatrice nguva pfupi yadarika.
Mai Grace- Gohori vaitsanang­ura mashandiro anoita madiridzir­o edrip-irrigation papurazi reAlsace kuBeatrice nguva pfupi yadarika.
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe