Kwayedza

. . . kuenda kwangu kuSA hakuna basa

- Abel Ndooka

MUTUNGAMIR­I wesangano reZimbabwe Football Associatio­n (Zifa) neCosafa, Phillip ‘Fidza’ Chiyangwa, anoti veruzhinji havafanire kunetseka apo anenge asina kuenda kunotsigir­a maWarriors mumitambo yawo sezvo iye asingatamb­e bhora uye chakakosha kuti chikwata chenyika ichi chihwinhe mitambo yacho.

MaWarriors parizvino ari kuSouth Africa kumitambo yeCosafa Castle Cup uye yange iri tarisiro yeveruzhin­ji kuti Chiyangwa achange arikowo achitsigir­a chikwata chenyika ichi asi haana kuenda.

Kutanga kwegore rino, pakamboita mutauro zvakare zvichiteve­ra kutadza kuenda kwaChiyang­wa kuGabon kunotsigir­a maWarriors apo aikwikwidz­a kumitambo yeAfrica Cup of Nations.

Muhurukuro neKwayedza svondo rino, Chiyangwa anoti hazvina basa kuti aende kunotsgira maWarriors mumitambo yawo sezvo achikwanis­a kuona mitambo iyi paterevhiz­heni ari kumba kwake.

“Aaaah iwe zvine basa rei? Ipapo tese tiri kungomaona mabhora aya tiri kwatinenge tiri uye chikuru ndechekuti maWarriors ari kuhwina. Kuona hakusi kutamba nhabvu uye isu tisu chikwata chiri kutamba nhabvu inonakidza. Tisu chikwata, zvimwe zvese zviri kuedza kurwisa kuti zvitikunde. Vanhu vangade kuziva kuti ndaenda ikoko, handitambe bhora ka ini,” anodaro Chiyangwa.

Anoti kunyangwe vanhu vataure zvakadii mitambo yeCosafa Castle iyi ndeyake.

“Mitambo iyi ndeyangu uye ndiri panyanga, ndini ndiri kutotonga. Ini zvangu mwana wepaZvimba apa akakurira kuChegutu iye zvino ave kugara kuHarare. Ndini ndakavhura mitambo iyi uye ndiri kuenda nemusi weChishanu kunoivhara zvakare. Zvose zvatovepo, tikiti rendege ndakatenge­rwa uye ndikatorit­umirwa,” anodaro Chiyangwa.

Chiyangwa anoti haana kuenda kunotsigir­a maWarriors kumutambo weAfrica Cup of Nations muna Ndira kuGabon nekuti aisada kuonana naIssa Hayatou uyo aimbove mutungamir­i weCAF.

“Shuwa maida kuti ndiende kuAfcon ndigoonana naHayatou inini, zvinoita here izvozvo? Ndotoonekw­a ndakagara parutivi pake, kwete,” anodaro.

Zvakadai, maWarriors ari kutamba nhabvu inonwisa mvura kumitambo yeCosafa Castle Cup kuSouth Africa izvo zvaona achikunda Mozambique 4-0, ndokuita mangange 0-0 neMadagasc­ar uye ndokurakas­ha zvakare Seychelles 6-0 neSwazilan­d 2-1.

 ??  ?? Phillip ‘Fidza’ Chiyangwa
Phillip ‘Fidza’ Chiyangwa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe