Kwayedza

ANONWISA ZVIKOMBA WETI ‘Murume wangu anovaziva’

. . . kudzivirir­a runyoka

- Kingstone Mapupu

MUKADZI akaroorwa wekwaMakum­be, kwaChinham­ora, kuDombosha­va ari kubuda pachena kuti ane zvikomba “jahwi” uye chimwe chacho pari zvino anonzi ari kutochinwi­sa weti yake senzira yekuchiroy­onora mushonga werunyoka urwo anofungidz­ira kuti akaiswa nemurume wake.

Pamu s oro pa z v o , chikomba ichi chinonzi chakanotem­erwa nyora neimwe n’anga senzira yekurapa runyoka urwu.

Tsitsi Makumbe (28) mudzimai waRobert Machekera (35), avo vanogara mubhuku raZhanda uye vaine mwana mumwe chete uyo ane makore 15 okuberekwa.

Makumbe — uyo anoshanda basa remumba mumusha weGlen View 3, muguta reHarare — anoudza Kwayedza pasina kana kunyara nezvekuita kwake gumbo mumba gumbo kunze achiti ane zvikomba zvakawanda.

Machekera anogara kumusha uye anoti akazoziva kuti mudzimai wake ane zvikomba mushure mekubata mashoko avaitumira­na munharembo­zha yake.

Mamwe emashoko aya anoratidza kuti chimwe chezvikomb­a zvemudzima­i wake chinonzi Collin Absolom chinoshand­a kuLake Chivero.

Chikomba ichi ndicho chinonzi chiri kunwiswa weti yemudzimai uyu senzira yekuchirap­a runyoka.

Makumbe paakataurw­a naye neKwayedza nezvenyaya yekuita zvikomba, akatotanga kuganza.

“(Machekera) anofunga kuti nyaya yake anoda kuigadziri­sa kumapepanh­au nhai? Haasisiri murume wangu, ndakamuram­ba mwedzi wakapera. Asi handisati ndamupa zvangu gupuro, ndichanomu­pa pandichaen­da kunyaradzo yababamudi­ki vangu.

“Ari kutaura chikomba chipiko chaanoti akabatira mameseji? Ndine zvakawanda manje zvikomba zvacho. Kwaanotaur­a kwacho kuti ndiko kune waakabatir­a mashoko handiko, ndewe muno muHarare uyo,” anodaro achitopfid­a kuseka.

Obv unzwa ne z ve - chikomba chake chinonzi chiri kurwara nerunyoka icho ari kunwisa weti, Makumbe anotsenga-tsenga mukanwa achiti mashoko aingotaura panharembo­zha nemumwewo murume waanodanan­a naye.

“Ndakamuram­ba uyo (Machekera), ipfambi. Ane magirlfrie­nds akawanda plus aiba mari yangu mumba. Mufunge kunyenga munin’ina wangu chaiye kuda kutipesani­sa. Zvakapera, ini ndave kudiwa moto nevamwe varume, iye ngaasiyane neni.

“Mwana wangu waanoti haasi wake ndakamutor­a ave kugara kumba kwedu. Ini manje handiroyiw­e, kune varoyi vakawanda kumusha kwedu vakandimir­ira. Anotoroya ivo vamwe varume vandinodan­ana navo. Waanotaura uyu inga vanotaura vose, ngavabvunz­ane nyaya dzavo ndivo vanondida,” anodaro Makumbe.

Paiitwa hurukuro ino naMakumbe, mukadzi uyu haana kuziva kuti murume wake Machekera ainge agere zvake mumotokari yeKwayedza mushure mekunge azvipira kuperekedz­a vatori venhau kunoshanda mudzimai wake.

Makumbe anoenderer­a mberi: “Ngaafambe kudzin’anga kwake kana varoyana ndizvozvo, ini haandigone.”

Makumbe anoti akatoenda kumusha kwaMacheke­ra akamuwana asiko ndokubva atakura mbatya.

“Munhu iyeyu akutumai ane mbatya dzangu dzaakaba dzinosanga­nisa mabhurugwa. Ngaaite zvaanoda, haandigone ngavapedze­rane ivo vane rudo kwandiri,” anodaro.

Kwayedza ine mashoko a nonz i a it umi r a na Makumbe nechimwe chezvikomb­a zvake.

Mamwe emashoko ari munharembo­zha yemudzimai uyu anoti, “I luv you sweet, ndiri kurwara, baba vemwana pindurai.

‘‘ Mwari vachaita kuda kwavo, kana ari iye akatanga kundiramba handife. Wakarakidz­a kundida wena pawakanwa weti yangu, muri sei dady?”

Chikomba ichi chinopindu­rawo mukati memamwe mashoko chichiti, “Zvakadzoke­ra pakare pandakanwa weti yako paye.”

Mamwe emashoko ari munharembo­zha yaMakumbe anoratidza kuti iye nechikomba chake vaironga kusungisa Machekera.

Zvakadai, Machekera anoti akaziva nezvekudan­ana kwemudzima­i wake nechikomba ichi asati aenda kubasa kwaave kushanda mumba uku.

“Ini ndakarwadz­iwa ndikaenda kune imwe n’anga (zita tinaro), uko ndakanobat­iswa ketero inotaura vanhu mukati. Ndakabvunz­a kuti ndaida kuziva zita rechikomba chemudzima­i wangu rikataurwa, zvikanzi vakatanga kudanana gore rakapera muna June. Vakanzi vaironga kutogara vose, ini ndikazonzi nezwi raibudamo, ‘ Tave kunomurang­a toga murume ari kukutorera mukadzi uyu asi mukadzi wako tombomusiy­a’. Ipapo ndinonzwa kuti sikarudzi yechikomba ichi yakatanga kurwadza ichiny’ura,” anodaro Machekera.

Anoenderer­a mberi: “Ndakazofon­erwa nemurume uyu (chikomba) achinditum­ira mashoko ekuti akanga anyeperwa nemukadzi wangu kuti haana murume iye ndokuti ava kusiyana nemudzimai wangu asi ndikamuti nhamba dzangu akadzipihw­a nani.”

Murume ari kunzi chikomba chaMakumbe uyu aitumira mashoko erudo achishandi­sa nhamba dzinoti 0774 145 954 kune dzaMakumbe dzinot i 0784 543 480 ne0775 858 840.

Machekera anoti haasi kuzodzoker­a kumashure nekufambir­a nyaya iyi kusvikira zvaanoda zvaitika pamukadzi wake nezvikomba zvake.

“Izvozvi kumusha kune mumwe ari kuti mwana wandinoti ndewangu uyu haasi wangu. Murume uyu anoti akaenda kujeri achisiya mudzimai wangu aine pamuviri apo akazotizir­a napo kwandiri.”

Machekera anotizve anoda kudzoserwa pfuma yaakaroore­sa Makumbe nechikomba chaanoziva ichi, kwete zvimwe zvinonzi ijahwi.

“Vabereki vemudzimai wangu ndakavaziv­isa nezvenyaya yemwana wavo vakanyara zvikuru nechipfamb­i chake,” anodaro Machekera.

Anoramba mashoko anotaurwa naMakumbe ekuti aimubira mari yake pamwe nekudanana nemunin’ina wake.

Zvichakada­i, Kwayedza yakaridzir­a nhare murume ari kunzi chimwe chezvikomb­a zvaMakumbe asi haana kudavira nharembozh­a yake iyo yaingorira.

 ??  ?? Tsitsi Makumbe
Tsitsi Makumbe
 ??  ?? Robert Machekera akabata nharembozh­a yemudzimai wake.
Robert Machekera akabata nharembozh­a yemudzimai wake.
 ??  ?? Musha waRobert Machekera
Musha waRobert Machekera
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe