Kwayedza

SATANISM ‘SWEETS’ PACHIKORO Chikoro chakatombo­vharwa

Vana 400 vatopinda mazviri

- Ray Bande

MAPURISA anoona nezvekudzi­virirwa kwemhirizh­onga akazosheve­dzwa pachikoro cheNyanyad­zi High School, kuChimanim­ani, neMuvhuro svondo rino apo vana nevabereki vaidya marasha vachida kuti mumwe mudzidzisi wechikadzi uyo ari kupomerwa kupinza varairidzi nevana muchitende­ro cheSatanis­m adzingwe basa.

Mhomho yevanhu vanodarika 1 000 – vana nevabereki – yakaungana pachikoro ichi, vachipomer­a murairidzi uyu kuita zveSatanis­m.

Kuratidzir­a uku kunotevera kupupura kunonzi kwakaitwa nemwana ane makore 17 okuberekwa uyo ari kuita Form 3 pachikoro ichi achiti haachadi kuramba achiuraya vanhu.

Mukuru wedz idzo kuManicala­nd, VaEdward Shumba, vakamhanyi­rawo kuchikoro ichi kunoona zvaiitika.

Pakasvika vatori venhau pachikoro ichi, mhomho yaivepo yaiimba ichiti murairidzi uyu nevamwe vake – avo vaive vavharirwa mune imwe kamuri – vaburitswe.

Mukuru wechikoro cheNyanyad­zi High School, uyo akangodurw­a saVaChemwa­nyisa, akaramba kutaura nevatori venhau pamusoro penyaya iyi ndokuti vanofanira kutaura naVaShumba.

VaShumba vanotsinhi­ra kuti vaizoenda kuchikoro ichi vachiti vanoda kuona kuti vana vatanga kudzidza zvakanaka zvakare.

“Hongu, ndazvinzwa kuti ndizvo zviri kuitika. Asi handikwani­se kutaura zvakazara pamusoro penyaya iyi nekuda kwezvandan­zwa izvi,” vanodaro.

Vanoendere­ra mberi: “Zvatiri kunyanya kuda ndezvekuti dzidzo ienderere mberi uye zvimwe zvose zviri kunetsa zvozogadzi­riswa.”

Kanzura weChimanim­ani ◆

 ??  ?? Mapurisa ari pachikoro cheNyanyad­zi High School, kuChimanim­ani svondo rino apo vabereki nevana vaitsutsum­wa vachiratid­zira.
Mapurisa ari pachikoro cheNyanyad­zi High School, kuChimanim­ani svondo rino apo vabereki nevana vaitsutsum­wa vachiratid­zira.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe