SATANISM ‘SWEETS’ PACHIKORO Chikoro chakatombovharwa
Vana 400 vatopinda mazviri
MAPURISA anoona nezvekudzivirirwa kwemhirizhonga akazoshevedzwa pachikoro cheNyanyadzi High School, kuChimanimani, neMuvhuro svondo rino apo vana nevabereki vaidya marasha vachida kuti mumwe mudzidzisi wechikadzi uyo ari kupomerwa kupinza varairidzi nevana muchitendero cheSatanism adzingwe basa.
Mhomho yevanhu vanodarika 1 000 – vana nevabereki – yakaungana pachikoro ichi, vachipomera murairidzi uyu kuita zveSatanism.
Kuratidzira uku kunotevera kupupura kunonzi kwakaitwa nemwana ane makore 17 okuberekwa uyo ari kuita Form 3 pachikoro ichi achiti haachadi kuramba achiuraya vanhu.
Mukuru wedz idzo kuManicaland, VaEdward Shumba, vakamhanyirawo kuchikoro ichi kunoona zvaiitika.
Pakasvika vatori venhau pachikoro ichi, mhomho yaivepo yaiimba ichiti murairidzi uyu nevamwe vake – avo vaive vavharirwa mune imwe kamuri – vaburitswe.
Mukuru wechikoro cheNyanyadzi High School, uyo akangodurwa saVaChemwanyisa, akaramba kutaura nevatori venhau pamusoro penyaya iyi ndokuti vanofanira kutaura naVaShumba.
VaShumba vanotsinhira kuti vaizoenda kuchikoro ichi vachiti vanoda kuona kuti vana vatanga kudzidza zvakanaka zvakare.
“Hongu, ndazvinzwa kuti ndizvo zviri kuitika. Asi handikwanise kutaura zvakazara pamusoro penyaya iyi nekuda kwezvandanzwa izvi,” vanodaro.
Vanoenderera mberi: “Zvatiri kunyanya kuda ndezvekuti dzidzo ienderere mberi uye zvimwe zvose zviri kunetsa zvozogadziriswa.”
Kanzura weChimanimani ◆