Kwayedza

‘Handina vana vanochenge­twa kumaraini’

- Gamuchirai Muzanenham­u

MURUME wekudhonze­rwa kudare nemudzimai wake achinzi anogara achimurova pamwe nekumutuki­dzira anoti chinomurwa­dza ndechekuti mudzimai uyu akaendesa vana vake kumusha kuti vanogara nevabereki vake zvisina mvumo yake.

Taka Gumbo akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court mushure mekunge amhan’arirwa naRumbidza­i Ziwawa.

Ziwawa anoudza dare kuti haana rugare nekugara achirohwa nekutukwa naGumbo.

“Ndinoda kuti murume wangu amiswe kundirova nekundituk­a pasina zvandaita uye ngaaregedz­e kuudza muridzi wepamba patinogara zvose zvinenge zvanetsa. Tikangonet­sana chete kunyangwe nekuda kwechinhu chidiki, anomhanya kunoudza muridzi wemba. Zvino ndava kushaya chimiro pane vamwe vakadzi ndichinzi handigone kuchengeta murume wangu,” anodaro Ziwawa.

Gumbo achibvunzw­a namutongi Amanda Muridzo kuti anopokana here nechikumbi­ro chemudzima­i wake, anoti haaone paine chakaipa asi kuti iye anenge achida vana vake vari kumusha kwaZiwawa kwavanogar­a naamai vake.

“Chikumbiro chaunzwa kudare handipokan­e nacho asi ndinenge ndichida kugara nevana vangu, ndikati nditaure izvozvo ndipo panobva patanga bopoto.

“Vana vangu vari kugara kumusha kwake vachicheng­etwa naamai vake asi ini ndiripo. Ndakamboti asaende navo asi haaterere, apa anoti akanovasiy­a ikoko zvinova zvinhu zvandisang­ade,” anodaro Gumbo.

Anoenderer­a mberi achiti chaanoda kuti Ziwawa abvise vana vake kumusha kwaakavaen­desa vauye kuzogara kumba kwake.

“Akangounza vana vangu kumba chete hatimbonet­sane, handina vana vanochenge­twa kumaraini ini ndiripo,” anodaro.

Achipindur­awo, Ziwawa anoti magariro avo ndiwo anoita kuti aendese vana vavo vaviri kumusha nekuti vakura uye vanoshandi­sa kamuri yemba imwe chete mudhorobha mavanogara.

“Magariro atakaita ndiwo anoita kuti ndisiye vana naamai vangu nekuti tinoshandi­sa imba imwe chete apa vana vacho vakura, mumwe ane 13 uye mumwe aine 5. Saka pekurara hapana uye tese tinoswera kubasa nekudaro vakadzoka kubva kuchikoro vanosvika pasina munhu zvinova zvinhu zvinondity­isa,” anodaro.

Mutongi Muridzo akapa Ziwawa gwaro redzivirir­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe