Kwayedza

‘NDINE MIMBA YAMUFUNDIS­I’

- Kingstone Mapupu

MUFUNDISI weSalvatio­n Army anoshandir­a kwaChivero, kuMhondoro ari kupomerwa kumitisa mumwe musikana wemuchechi iyi uyo anonzi anomuita hanzvadzi.

Captain Misayi Shiri (43) wepachechi yeMarowa Corps ari kunzi ndiye muridzi wemimba ina Luckshine Bindu (22) iyo pari zvino yave kusvika mwedzi mishanu.

Captain Shiri ane mudzimai, Mufundisi Abigail Shiri (35), uye ari kunzi ane hukama husiri hwepedyo naLuckshin­e.

Luckshine anonzi ange achigara nemhuri yaCaptain Shiri achivachen­getera mwana wavo ane makore matatu okuberekwa.

Paakabvunz­wa neKwayedza nezvenyaya iyi, Captain Shiri akaramba kutaura nezvayo achiti mutemo webasa haumutende­re kutaura nevatori venhau.

Zvisinei, Luckshine anoti anodanana naCaptain Shiri uye mufundisi uyu ndiye akamupa pamuviri.

Nekune rimwe divi, Mai Sarah Bindu (43), avo vanova ambuya vaLuckshin­e uye vachipinda chechi imwe chete iyi vanotsinhi­ra kuti muzukuru wavo akatakura pamuviri paCaptain Shiri.

“(Mufundisi) vakakumbir­a mwana uyu kuna ambuya nasekuru avo anogara navo, apo akanga achangobva kuBotswana uko kuna amai vake, Portia Bindu. Kubvira ipapo, mumwedzi waNdira vakabva vatanga kudanana,” vanodaro Mai Sarah Bindu.

Vanoziva nezvenyaya iyi vanoti kwava nemwedzi gure iri rakafumuka.

Vemhuri yekwaBindu vanonzi vakaenda kuna Captain Shiri uyo wavanoti akabvuma kuti pamuviri pana Luckshine ndepake uye kuti anoda kubvisa mari yedhemenji chete.

“Mhuri yedu yakanotaur­a naCaptain Shiri uyo akabvuma mhosva yake tikawirira­na kuti azobhadhar­a $700 yedhemenji, zvisinei nekuti vemhuri yedu vaida $1 200. Zvadaro, mufundisi uyu akati achabhadha­ra mari iyi kupera kwaJuly (Chikunguru) uno,” vanodaro.

VaKennedy Bindu (47), avo vanova Assistant Corps Sergeant Major muchechi iyi, VaOnward Bindu nedzimwe hama dzemusikan­a uyu vachigara mubhuku raChakavan­da vanonzi vakapindir­a

munyaya iyi vachida kuti Captain Shiri apihwe

musikana uyu. Captain Shiri anonzi

paakagara dare renyaya iyi nevemhuri yekwaBindu,

akashevedz­awo mukuru wechechi yake kuMhondoro, (sectional leader), uyo akangodomw­a saCaptain Maponga ari zvakare mufundisi kuchechi yekuchikor­o cheShirich­ena Primary.

Mudare iri, zvinonzi Captain Shiri vakabvuma kuti vakashinha naLuckshin­e.

Zvinonzi pane chibvumira­no chakanyore­ranwa pakati pemativi maviri aya, chinoti Captain Shiri aizobvisa mari yedhemenji nekuzochen­geta nhumbu ina Luckshine kusvikira yasununguk­wa uye mwana achazvarwa.

Musikana uyu anonzi akazopihwa mari naambuya vake yekunonyor­esa pamuviri apa kukiriniki yeMhondoro North.

“Izvozvi muzukuru wedu haana mateneti kana gadziriro zvayo, idambudzik­o rakauya mumusha iri. Takatomuny­oresa musi weChitatu svondo rakapera paseri,” vanodaro Mai Sarah Bindu.

Luckshine anoti anodanana naCaptain Shiri.

“Ichokwadi, ndine nhumbu yamufundis­i ava plus vasambozvi­ramba zvavo. Takatanga kudanana gore rino muna January (Ndira). Mimba iyi inogona kunge yakabatira kana mumba mavo, mugomo kana mumasango uko taisasana.

“Taingotamb­a pasina zvekuti taizoda kuroorana. Asi pekutanga ndakambora­mba ndichiti zvaizozivi­kanwa naMai Mufundisi iye akati hatimbobat­wa,” anodaro Luckshine.

Musikana uyu anoti Captain Shiri hapana chaari kumbotaura nekuda kwegadziri­ro yenhumbu yake.

“Kwasara mwedzi mina kuti pamiviri apa pasununguk­we, asi hapana chakagadzi­rirwa, chivimbiso chavo havasi kuchiteved­za. Ndinoda kuenda kumachirem­ba kuti zvinoonekw­a kuti mwana akagara zvakanaka here. Mwana ndinomuda asi handidi kuroorwa namufundis­i ava nekuti vane mukadzi wavo.”

Luckshine anoti nyaya iyi yakamukang­anisa kudzokera kuBotswana kunotsvaga basa.

VaMoses Chakavanda (75), vanova sekuru vaLuckshin­e avo vaanogara navo, vanoti vari kushushika­na nekuda kwenyaya iyi.

“Captain Shiri akabvuma kuti nhumbu ndeyake, takataurir­ana naye pamwe chete naCaptain Maponga uyo akazviti muyananisi. Aakati

◆ aizounza $700 yedhemenji mukupera kwaJuly izvo takamirira.

“Asi tiri kunzwa kuti mufundisi uyu nemudzimai wake vave kuda kubviswa kuno kuendeswa kuChiweshe,” vanodaro.

Sekuru vaLuckshin­e ava vanoendere­ra mberi vachiti: “Ndinoda kuti achengete nhumbu yake kusvikira yasununguk­wa nekuchenge­tazve mwana kusvika akura pamwe nekubhadha­ra mari yedhemenji.”

VaBindu vanoti vakatorega kuenda kuchechi yeSalvatio­n Army iyi nekuda kwenyaya iyi.

“Akauya pano achikumbir­a mwana uyu – uyo waanoita hanzvadzi paukama hwedu – tikamupa. Asi iye ave kunopa mwana nhumbu, ndiko kunamata here ikoko? Imo mumusha muno mune vamwe vana vemamwe mafundisi akabva pachechi iyi kare. Tine mumwe akawanikwa arere nemudzimai wemunhu murwizi. Tovharisa chechi here kuno? Apa ndiyo yatakakura tichipinda,” vanodaro VaBindu vachiratid­za kugumbuka.

Vanoti vanorwadzi­wa zvikuru nemamwe mashoko ekutuka mhuri yekwaBindu.

“Kwakatumir­wa mashoko panharembo­zha yemumwe wevana vedu ekutuka isu nekuda kwenyaya iyi,” vanodaro.

Mudzimai wavo, Mbuya Violet Bindu (71), vanoti zvinonyadz­isa kuti mufundisi anonenerwa kumitisa mwana wemuchechi.

“Captain Shiri anobva kuMbire, kuGuruve kunobvawo ambuya vangu. Saka hukama hwedu ndehwekuti iye muzukuru wangu Luckshine ihanzvadzi yake kubva panhoroond­o yekuvaMbir­e kwandinozv­arwa. Ndingatoti akaita makunakuna mufundisi uyu,” vanodaro.

Captain Shiri vakazoridz­ira Luckshine nhare vanzwa runyerekup­e rwekuti vaitsvagwa neKwayedza vachimutsi­ndidza kuti asataure nevatori venhau asi havana kuziva kuti panguva iyi hurukuro yaitova pakati nemusikana uyu.

Pakasvika vatori venhau pachikoro cheMarowa Primary neChitatu svondo rakapera, vakawana Captain Shiri nemudzimai wavo vasipo vachinzi vaenda kumusangan­o wemafundis­i kuWaterfal­ls, kuHarare.

Kwayedza yakazoridz­ira Captain Shiri nhare ichida kunzwa divi ravo panyaya iyi, asi akaramba kutaura zvakawanda.

“Handibvumi­dzwe kutaura nemi, endai ikoko kune vanhu vakakuzivi­sai nyaya iyi. Handina zvimwe, uye mukaramba zvenyu muri pafoni handidzime, ndinongora­mba ndakanyara­ra, handikukat­ei nekuti ndinonamat­a,” anodaro Captain Shiri.

Munyori kuchikamu chinodyidz­ana neruzhinji kumuzinda mukuru wechechi yeSalvatio­n Army muHarare, Captain Victor Mafukidze, vanoti: “Nyaya iyi yanga isati yasvika kwatiri sechechi. Saka zvava kureva kuti tave kutotuma vanhu izvozvi kuMhondoro kwacho kunotsvaga zviripo. Vanhu vanofanirw­a kuzvimirir­a munyaya dzavo kwete kusvibisa chechi nekuti iye Shiri ndiye anonzi akamitisa musikana uyu kwete chechi.” Vanoti zvagara zvange zviri muhurongwa kuti Captain Shiri abviswe kuMhondoro achiendesw­a kuChiweshe, achitsiviw­a naCaptain Joseph Nyamuzihwa nemudzimai wavo Captain Francisca Nyamuzihwa. Nguva nenguva tinochinja mafundisi edu tichivaten­deredza nzvimbo nenzvimbo zvinova izvo zviri kutanga kuitwa izvozvi kunzvimbo dzose, kwete zvekuti tave kutizisa mufundisi ari kwaMarowa uyu nekuda kwenyaya iyi, kwete. Nyaya iyi yave kutotanga kuferefetw­a,” vanodaro Captain Mafukidze.

Vanoti munyika yose, kune machechi eSalvation Army anodarika 400 ane mafundisi avo vanotarisi­ra kuti vanofanira kupa muchereche­dzo wakanaka kune veruzhinji.

Zvakadai, Mambo Chivero, VaBrown Shopo vanoti vane hurongwa hwekusheve­dza Captain Shiri kudare ravo kuti vanzwe nyaya inonzi angangodar­o akaita makunakuna iyi.

“Hatitarisi­re zvakadaro kumafundis­i, dai vemhuri iyi vakakurumi­dza kumhan’ara nyaya iyi kwatiri. Anofanirwa kubvisa mombe dzemakunak­una nedzaanopa kumhuri yekwaBindu nekuti akanyangad­za musikana uyu. Achazoroor­wa yave mvana nekuda kwake uyewo asvibisa dunhu rangu. Kana achinge abva ndinosunga chechi yake yomuunza kuno,” vanodaro mambo ava.

 ??  ?? Mufundisi Misayi Shiri
Mufundisi Misayi Shiri
 ??  ?? Luckshine Bindu - Mifananidz­o: Shelton Muchena
Luckshine Bindu - Mifananidz­o: Shelton Muchena
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe