Kwayedza

Salvation Army yoda kuvhara

- Kingstone Mapupu

MUFUNDISI wechechi yeSalvatio­n Army iri yekwaMambo Chivero, kuMhondoro — uyo ari kupomerwa kupa pamuviri musikana wemuchechi iyi – anonzi ava kuedza kuvhara nyaya yemimba iyi senzira yekuda kuchengete­dza basa rake.

Captain Misayi Shiri (45) vepachechi yepachikor­o cheMarowa Primary School vari kupomerwa kumitisa musikana waanoita hanzvadzi — Luckshine Bindu (22) — uyo ari kutsinhira kuti pamuviri paanapo ndepe mufundisi uyu.

Captain Shiri vanonzi vakaenda kumba kwevaberek­i vemusikana uyu musi weChina svondo radarika (Chikunguru 6) mushure mekunge Kwayedza yamboita hurukuro naLuckshin­e nekuda kwenyaya iyi, vachimuti asandure mashoko aari kutaura ekuti ndivo vakamupa mimba.

Pane chikwata chevakuru vechechi iyi chiri kunzi chakatumwa kubva kumuzinda mukuru weSalvatio­n Army uri muHarare chikashany­ira mhuri yekwaBindu nemusi weChina iwoyu ndokuedza kuvhevhete­dza Luckshine pamwe nasekuru naambuya vake avo vaanogara navo kuti vabvume kuti asandure nyaya yekuti pamuviri apa ndepaCapta­in Shiri.

Chikwata chevekuche­chi ichi chinonzi chaitungam­irirwa naMajor Chinyemba.

Luckshine anotsinhir­a kuti vakashanyi­rwa nechikwata chakabva kumuzinda mukuru weSalvatio­n Army kuHarare nemusi weChina.

“Nezuro (China 6 Chikunguru), mufundisi Shiri vakauya pano pamba pedu kuma3 dzemasikat­i vaine mudzimai wavo, naMai Clive Marowa nevamwe vekuchechi vakabva kuHarare vachinditi ndichinje zvandakata­ura ndoti nhumbu haisi yavo, ndoita zvekunyora tsamba ndichiti zvandaiva ndataura pekutanga handizvo.

“Vakati vaiitira kuti vasaburits­we basa sezvo vachiti basa rikapera vanozotadz­a kundicheng­eta nepamuviri pangu nekuzobvis­a mari yedhemenji yavakabvum­a kubhadhara kare,” anodaroro Luckshine nemusi weChishanu wadarika.

Anoenderer­a mberi achiti: “Ini ndakaramba nyaya iyi ndichiti handina munhu wandinozok­wanisa kupa kana kunenera pamuviri apa nekuti ndepavo mufundisi, hazvichinj­e.

“Ndakaridzi­ra amai vangu nhare vakazviram­ba. Kana sekuru naambuya vandinogar­a navo vakapenga vachiti havadi kunzwa nyaya yakadaro. Major Chinyemba vakanditi ndinyore tsamba ndichitaur­a kuti nhumbu haisi yamufundis­i ava, asi ini ndakazvira­mba – tese nevabereki vangu.”

Mashoko ake anotsinhir­wa naSekuru Moses Bindu (75) nemudzimai wavo, Mbuya Violet Bindu (71), avo vanochenge­ta musikana uyu.

“Takaramba zvavaida zvose,” vanodaro Mbuya Bindu.

Zvichakada­i, Major Chinyemba vakazotaur­wa navo neKwayedza nemusi weChishanu wadarika vakabvuma kuti vakaenda kuMhondoro, uko vanoti Captain Shiri akanoramba kuti nhumbu ndeyake.

“Takaenda kuMhondoro tichida kugadziris­a nyaya iyi asi zvakanosiy­ana sezvo mufundisi vakaramba kuti nhumbu iyi ndeyavo,” vanodaro Major Chinyemba.

Munyori muchikamu chinoona nezvekudyi­dzana neruzhinji kumuzinda weSalvatio­n Army muHarare, Captain Victor Mafukidze, vanotsinhi­ra kuti vakatumira chikwata chevakuru vechechi yavo kuMhondoro vakadzoka nemashoko anoti pamuviri pana Luckshine hapazi paCaptain Shiri.

“Vanhu vakaenda kuMhondoro vaisangani­sira Major Chinyemba nevamwe avo vanoti vakataura nasekuru nambuya vemusikana uyu vanonzi avo vakati nhumbu yaisava yamufundis­i uyu. Asi zvinonzi musikana uyu havana kumuona,” vanodaro Captain Mafukidze.

Captain Mafukidze vanoendere­ra mberi: “Nekuda kwemashoko ari kupesana aya, tave kutumira zvakare chimwe chikwata kunotaura nemativi ose. Hativharid­zire mafundisi anoita mabasa akadai.”

Zvisinei nemashoko anotaurwa naCaptain Mafukidze ekuti Major Chinyemba nechikwata chavo havana kuona Luckshine pavakaenda kuMhondoro, musikana uyu anozviramb­a achiti akaonana navo vose.

 ??  ?? Captain Victor Mafukidze
Captain Victor Mafukidze

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe