Kwayedza

Zim yosimudzir­a kurongwa kwemhuri

- Munyori weKwayedza

ZIMBABWE imwe yenyika dzekutanga kuzadzikis­a zvinangwa zvekuti chikamu che68 percent chevanhu chiwane nzira dzekushand­isa mukuronga mhuri apo kwasara makore maviri nechidimbu kusvika gore ra2030.

Nyika ino yakawedzer­a kushandisw­a kwenzira dzekuronga mhuri dzakanaka kusvika pa59 percent parizvino.

Zvisinei, pachine zvimwe zvinoda kuitwa kuitira kuti vanhukadzi, zvikuru vechidiki, vanogara kunzvimbo dzakasarir­ira munyaya dze- budiriro vange vachiwanis­wa nzira dzekuronga mhuri nadzo pamwe neruzivo zviri nyore.

Musi weChishanu svondo rino ( 7 Chikunguru), bazi reutano nekurerwa kwakanaka kwevana richaita musangano wezvekuron­ga mhuri muguta reHarare pamusoro pezvingait­we kusimudzir­a nyaya dzerudzi urwu.

Sangano reZimbabwe National Family Planning Council riri kushanda nes imba ra kabat ana nemamwe masangano mukusimudz­ira nyaya dzekuronga mhuri munyika.

Zvinangwa zvikuru zveZNFP ndezvekuwe­dzera mikana yekuwanikw­a kwezvekush­andisa mukuronga mhuri kubva pa59 percent kusvika 68 percent pamwe nekudzikis­a kubata pamuviri kwevanasik­ana kubva pa24 percent kuenda pa12 percent panosvika gore ra2030.

Sangano iri riri pakati pemamwe ari kubudirira zvikuru muzvirongw­a zvekuronga mhuri mudunhu reAfrica.

Zvakadai, musangano wekuronga mhuri weFamily Planning Summit uyo waive kuLondon, kuUnited Kingdom svondo rino nemusi weChipiri wakaitwa pazuva rimwe chete remhembere­ro dzeWorld Population Day idzo dzaive nedingindi­ra rinoti “Kuronga mhuri: Kupa simba kuvanhu nekusimudz­ira nyika”.

Donzvo riripo nderekuti vanhukadzi vanosvika 120 miriyoni pasi rose vange vave kuwana nzira dzekuronga mhuri nadzo dzakanaka panosvika gore ra2030.

 ??  ?? Memory (16) achiwanisw­a nzira yekuronga mhuri yeJa   delle kuUnited Bulawayo Hospital nguva pfupi yadarika.
Memory (16) achiwanisw­a nzira yekuronga mhuri yeJa delle kuUnited Bulawayo Hospital nguva pfupi yadarika.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe