Kwayedza

Zvakakoshe­ra World Population Day

- Munyori weKwayedza

ZUVA guru reWorld Population Day rinove rekucherec­hedza huwandu hwevanhu pasi rose zvichiende­rana nebudiriro rinokoshes­wa zvikuru nesangano reUnited Nations.

Zuva iri rakatanga kuchereche­dzwa musi wa11 Chikunguru 1987 apo huwandu hwevanhu pasi rose hwakasvika pa5 bhiriyoni.

Sangano reUnited Nations Population Fund (UNFPA) rakaita kuti zuva iri rivepo nechinangw­a chekuti pave nekucherec­hedzwa huwandu hwevanhu zvichifamb­irana nehurongwa hwebudirir­o.

Gore roga-roga UNFPA inosarudza dingindira rakakodzer­a rekucherec­hedza naro zuva iri uye regore rino rinoti: “Kuronga mhuri: Kupa simba kuvanhu nekusimudz­ira nyika.”

Ikodzero yemunhu wose kuti ange achiwana mukana wekuronga mhuri.

Kuronga mhuri kuri pamwongo wekuenzani­swa kwemikana pakati pevanhurum­e nevanhukad­zi pamwe nekupa masimba kuvanhukad­zi.

Asi, munyika dzichiri kusimukira vanhukadzi vanosvika 242 miriyoni vanoda kudzivirir­a kubata pamuviri, havazi kushandisa nzira dzinotaris­irwa dzisina njodzi uye dzinoshand­a nemazvo.

Izvi zviri kukonzerwa nezvakasiy­ana zvinosanga­nisira kushaya ruzivo kana kushaikwa kwezvavane­nge vachifanir­wa kushandisa mukudzivir­ira kubata pamuviri.

Mamiriro ezvinhu akadai aya anoita kuti vatadze kuronga ramangwana ravo, remhuri dzavo pamwe neremunhar­aunda yavanogara.

Kushandisa nzira dzekuronga mhuri kwakakosha mukudzivir­ira kubata pamuviri pasina kurongeka, kudzikisa nyaya dzekubvisa pamuviri pamwe nendufu kuvanhukad­zi.

Kudai vanhukadzi vose vari munyika dzichiri kusimukira vanoda zvekuronga mhuri vachikwani­sa kushandisa nzira dzechizvin­ozvino, izvi zvaiita kuti pave nekudzivir­irwa kwekubvisw­a nhumbu dzisina kurongeka dzinosvika 35 miriyoni uye nendufu dzevanhuka­dzi 76 000 gore roga-roga.

Makondomu echirume neechidzim­ai, kana akashandis­wa nemazvo, anodziviri­ra pamuviri pasina kurongeka pamwe nekutapuri­rwa zvirwere zvepabonde, kusanganis­ira uatchiona hweHIV.

Pasi rose, zvigozhero zvine chekuita nekuve nepamuviri pamwe nepakusunu­nguka zviri pamberi mukukonzer­a ndufu kuvasikana vane makore 15 - 19 okuberekwa.

Vana vanoberekw­a nevasikana ava vakatarisa­na nenjodzi huru yekufa kana zvichienza­niswa nevanozvar­wa nemadzimai akura.

Asi zvakadaro, vanasikana ava vanosangan­a nematambud­ziko makukutu kuti vange vachiwana ruzivo pamusoro penzira dzekuronga mhuri.

Nyaya dzenhumbu kuvanasika­na ava dzine chekuita zvakare nebudiriro.

Pane zvakajeka uye zvinobatik­a zvinoburwa panyaya dzehupfumi zvinobva pakusimudz­ira nyaya dzekuronga mhuri.

Dhora rimwe chete rinoshandi­swa muzvirongw­a zvekuronga mhuri rinobatsir­a hurumende kuti ichengeted­ze mari iri pakati pe$2 ne$6. Nyaya dzekuronga mhuri dzinoita zvakare kuti nyika dzisimukir­e mune zvehupfumi kuburikidz­a nevanhu vakawanda vanenge vachishand­a mabasa akasiyana.

Zvimwe zvezvikonz­ero zvinoita kuti vanhukadzi vasangane nematambuz­iko ekushaya nzira dzekuronge­sa mhuri zvinosanga­nisira kufamba nzendo ndefu kunotora zvakaita semapirits­i avanoshand­isa.

Zvimwe zvikonzero ndezvinoti kurambidzw­a nevadikani vavo pamwe nekushaya ruzivo rwakakwana.

Sangano reUNFPA riri kubatana nemamwe masangano, machechi nemapoka akasiyana mukushanda nesimba kuit ira kut i vanhukadzi vawane nzira dzekuronga nadzo mhuri zviri nyore.

 ??  ?? Mudzimai wechidiki achiwanisa nzira yekuronga mhuri nayo yemhando yeImplant
Mudzimai wechidiki achiwanisa nzira yekuronga mhuri nayo yemhando yeImplant
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe