Kwayedza

Bhuku idzva reChiShona

- Malven Mugadzikwa

MUKURU wedzidzo muHarare Metropolit­an Province, VaChristop­her Kateera, vanoti mubatanidz­wa wezvidzidz­o zveScience, Technology, Engineerin­g, Arts neMathemat­ics (STEAM) unofanirwa kusimbarad­zwa pamwe nekuvandud­zwa sezvo iri iyo nzira inoita kuti vana vakwanise kuwana mabasa mune ramangwana uye kuzvitangi­ra mabhindauk­o voga.

VaKateera vakapa kurudziro iyi pamhembere­ro dzekupihwa mibairo kuvana vakabudiri­ra muzvidzidz­o, dzeHighgle­n District Merit Awards idzo dzakaitirw­a paGlen Norah 2 High School, muHarare svondo rapfuura.

“Ndinoda kukorokote­dza vana vawana mibairo yezvekudzi­dza, mitambo nezvetsika nemagariro ndichiti varambe vachishing­irira mune ramangwana ravo. Avo vasina kuwana mibairo ndotiwo vashande nesimba. Mibairo iyi inoratidza kushanda nesimba kuri kuita nedunhu reHighglen mukuvandud­za dzidzo yevana, kusimudzir­a pamwe nekuvandud­za zvipo zvavo.

“Vadzidzisi vane basa guru mukuita zvose izvi pamwe nevabereki,” vanodaro VaKateera.

Vanoendere­ra mberi vachiti: “Ndinofaraw­o kuziva kuti dunhu reHighglen riri kuvandudza­wo dzidzo yevana kuburikidz­a nezvidzidz­o zveSTEAM. Pazvidzidz­o izvi pachine basa guru muzvikoro nekuti kuzvigona kwevana idanho guru pakusimudz­ira dzidzo yedu senyika sezvo riri iro dzinde rekuti mwana kana apedza chikoro azove nehunyanzv­i pamwe neruzivo kuti basa raachada kuita rinobatwa sei.

“Zvidzidzo izvi ndizvo zvinoumba hwaro hweramangw­ana remwana munyaya dzemabasa ekuzvishan­dira nekuti azokwanisa kufarirwa nemakamban­i apo achazotsva­ga basa. Zvidzidzo izvi zvinobataw­o mabandiko akawanda ehurongwa hutsva hweNew Curriculum uho hunokurudz­ira mwana kuti abve kuchikoro ava nehunyanzv­i uye kugona kubata mabasa emaoko.”

VaKateera vanoti vanofara kuti dunhu reHighglen rakabura vana vakawanda avo vakapasa zvinodadis­a pabvunzo dzeGrade 7, O- neA-Level dzeZimbabw­e School Examinatio­ns Council (Zimsec) dzegore rapera.

BVENTURES: GORE REKUTANGA CHISHONA (College Press) HUKU idzva reGore Rekutanga ChiShona rakanyorwa naCletus Kumbirai Jeke Ngwaru rikatsikis­wa neCollege Press rinoendera­na negwaro idzva rekuvandud­za dzidzo munyika, reNew Curriculum, rakakosha zvikuru kuvadzidzi vari murugwaro rwokutanga kupuraimar­i.

Marongerwo ezvidzidzo akaitwa zvine unyanzvi, zvinobatsi­ra vadzidzi kutanga nezvavanoz­iva zvichienda kune zvavasinga­zivi.

Bhuku iri rinoburits­a izvi kumavambo kwaro apo rinoratidz­a zvinhu zvinowanik­wa kumba uye munharaund­a mevadzidzi zvakaita semidziyo, zvekutambi­sa nemhuka dzinowanik­wa pamusha nemunharau­nda mavo.

Izvi zvinopa vadzidzi mukana wokutaura pamusoro pezvinhu zvavanoona nguva zhinji vari kumba.

Mashoko avo anotsinhir­wa naDistrict Schools Inspector wekuHighgl­en District, Dr Tendai Mavhunduts­e, vachiti dunhu ravo richaramba richisimud­zira zvidzidzo zveSTEAM.

“Zvidzidzo zveSTEAM pamwe nemitambo inoitwa pasi peNew Curriculum zvinoda kuti vadzidzisi, vabereki nevana vechikoro vabatane kuti zvibudirir­e. Tichakurud­zirawo zvikoro kuti zvivandudz­e pekudzidzi­ra pamwe nezvekusha­ndisa pakudzidzw­a kwezvidzid­zo zveSTEAM kuitira kuti zvive nyore uye vana vakwanise kuita zvidzidzo izvi nezvakakwa­na. Tinodaro nekuti zvidzidzo izvi zvimwe zvacho zvinoda ruzivo nemidziyo yechizvino-zvino yakafanana nemakombiy­uta pamwe nekuti vana vapote vachishand­isa dandemutan­de pakudzidza,” vanodaro.

Vanoendere­ra mberi vachiti: “Ndinodawo kutenda vakuru vezvikoro zvemuHighg­len, vadzidzisi, vabereki pamwe nevana mukushanda pamwe chete munyaya dzedzidzo pamwe nekuumba hunhu hwevana hwaka-

Mifananidz­o iri mubhuku inoyevedza chose uye inotsinhir­a zvidzidzo zviri kudonongod­zwa zvinoita kuti vadzidzi vafarire kuverenga.

Bhuku reGore Rekutanga ChiShona rakanyorwa nedonzvo rekuvandud­za hunyanzvi hwevadzidz­i hwekutaura, kuteerera, kuverenga uye kunyora sezvinodiw­a negwaro idzva rekuvandud­za dzidzo munyika yedu.

Vadzidzi vanopiwa mukana wekuratidz­a kunzwisisa kwavo zvavanenge vadzidza, kubudikidz­a nekuvapa basa rekunyora mavara, kuumba mazwi nemitsara izere, nekupindur­a mibvunzo yenzwisiso.

Vadzidzi vanowanisw­awo zvakare mukana wekuita hurukuro vachipana mikana yekuteerer­a nekutaura.

Basa zhinji riri mubhuku iri rinoita kuti vatambanud­ze njere dzavo zvinotaris­irwa pagwaro rekutanga.

Bhuku reGore Rekutanga ChiShona rinodonong­odza nzvanyira nenzvovera dzose dzeChiShon­a dzinofanir­a kudzidzwa pagwaro rekutanga naka sezvo zvichiita kuti dunhu redu kupuraimar­i.

Panopiwa nyanzvira pachikamu choga- choga pamwe nemazwi anoenderan­a nenyanzvir­a idzi.

Vadzidzi vanopiwa mukana wekushandi­sa nzvanyira nenzvovera kuumba mazwi nemitsara nekuvereng­a.

Izvi zvinoramba zvichidzok­orodzwa uye zvichivand­udzwa kuti vadzidzi vazvibate nekuzvinzw­isisa chose.

Nyaya dziri mubhuku iri dzinosanga­nisira ngano, mitambo nenhetembo dzinoender­ana nezvinosan­ganikwa nevadzidzi zuva nezuva. Nyaya idzi dzinodzidz­isa kugarisana nevamwe zvakanaka, kuzviririt­ira, kushandisw­a kwezviwani­kwa kwakanaka, kukosheshe­sa nyika yavo uye kudzidza zvesainzi nemakombiy­uta.

. Ongororo yebhuku iri yakaitwa naKwaramba Kumbirai ari paRuvhenek­o Primary School kuGlen Norah, muHarare. riyemurwe.”

 ??  ??
 ??  ?? Bhuku idzva reGore Rekutanga ChiShona
Bhuku idzva reGore Rekutanga ChiShona
 ??  ??
 ??  ?? Dr Tendai Mavhunduts­e
Dr Tendai Mavhunduts­e
 ??  ?? VaChristop­her Kateera
VaChristop­her Kateera

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe