Musoro werungano
1. Musoro wekuti Museve Usingapotse unowirirana zvakadii nezviitiko zviri murungano? Tsigira mhinduro yako zvizere nezviitiko zvishanu. [25]
Museve usingapotse zvinoreva museve chaiwo unoita zvinenge zvichidiwa nemukandi wawo kungave kuuraya kana kuvhundutsa mhuka nevanhu. Museve ukaita zvinenge zvichidikanwa nemukandi wawo tinoti haupotse nekuti unenge wazadzisa chishuwo chemukandi.
Musoro wekuti Museve Usingapotse unotsigirwa nekuuraiwa kwerovambira naMarizani. Izvi zvinoonekwa paanenge ari musango ave kudzokera kumusha kwake kwaMambo Mupambi achibva kunosora dunhu raMambo Chakaingesu.
Anokunga museve achishuva kuti asapotsa rovambira yakanga yauraya mumwe wake Kunjerekunjere. Anobva angoibaya paziso nemuseve ndokuipedzisa nemumwe museve wepiri wakazoibvarura padumbu ichibva yafa.
Musoro werungano urwu unowirirana nekuuraiwa kwaMarizani nemuseve naMambo Chakaingesu. Tinozviona Mambo Chakaingesu pavanobuda muninga yairadzikwa madzimambodi b avo vachinorwisanahi i nevarwi vehondo yaMambo Mupambi vakanga vakokwa naPondai kuti vazovapamba. Vanosvika vachibaya Marizani nemuseve kugotsi kamwe chete achibva afa.
Kuti Museve Usingapotse kunoenderana nekuuraiwa kwaGutsa nemuseve naMambo Chakaingesu.
Izvi tinozviona panobuda Mambo Chakaingesu muninga yairadzikwa madzimambo avo vachirwisana nevarwi vehondo yaMambo Mupambi vaida kupamba dunhu ravo, pavanoona kuti Marizani afa, vanopotsera mumwe museve zvine simba kuna Gutsa ndokumubaya uchibuda nekuseri kwemutsipa achibva afa.
Musoro webhuku unofambirana nekuuraiwa kwaMambo Chakaingesu naPondai.
Tinozvijekeserwa Mambo Chakaingesu pavanobva kuninga vachimhanyira kumuzinda wavo kunorwisana nemauto aMambo Mupambi aida kupamba musha wavo.
Vanosangana naPondai jinda ravo guru pamuzinda ndokufara vachiti vawana mubatsiri asi anovafuta ndokuvabaya nemuseve pabendekete nemimwe gumi vachibva vafa.
2. Tsanangura madingindira anowanikwa murungano Museve Usingapotse. [25]
Muna Museve Usingapotse mune dingindira rechitendero chevadzimu. Rinozadziswa naMamboM b ChakaingesuChk i vanoenda nemwanakomana wavo, Karinge kuninga yairadzikwa madzimambo vachinomudzidzisa kudeketera midzimu yavo kuti asazonetseka kutaurirana nayo ave mambo.
Izvi zvinoita kuti vazopandukirwa naPondai achinotsvaga hondo yekuvapamba umambo nekuti aisada kuti Karinge adzidziswe zveumambo sezvo ari iye aida kuhusiirwa.
Mubhuku umu mune dingindira reupambi. Dingindira iri rinozadziswa naMambo Mupambi vaipamba mamwe madzimambo vachitora pfuma. Izvi zvinobuda pavanopamba madzimai nemombe kwaMambo Mushoshoma uye hanzvadzi dzaKaringe.
Nyaya yeu p amb i inojekeswawo naPondai uyo anopamba umambo hwaMambo Chakaingesu mushure mekukoka hondo yaMambo Mupambi kuti izovarwisa. Anorongawo kuti mwanakomana wake, Tafirenyika auraye Karinge vaenda kunovhima kuitira kuti asare achipamba umambo hwababa vake, VaChakaingesu.
Murungano urwu mune dingindira rehondo. Rinozadziswa nehondo inorwiwa naMambo Chakaingesu nevarwi vaMambo Mupambi. Izvi zvinobuda Pondai paanonokoka hondo yaMambo Mupambi yakazotanga kurwisana nevarwi vaMambo Chakaingesu ki zvinokonzeraik kuuraiwak i kwaMhosva, Gutsa naMarizani naMambo Chakaingesu, ivo vachizouraiwawo naPondai. Dingindira rehondo rinozadziswazve naKaringe anorwisana naMambo Tineshungu achivavarira kudzora hanzvadzi dzake dzavakanga vatapa zvakakonzera rufu rwavo.
Rimwe dingindira ratinowana mubhuku iri nderetsividzo. Dingindira iri rinozadziswa naPondai akatsvagira Mambo Chakaingesu hondo yaMambo Mupambi kuti ivaparadze kutsividza kuramba kwavakanga vaita kumusiira umambo vachida kuhupa Karinge.
Nyaya yetsividzo inozadziswa naKaringe anouraya Pondai naMambo Mupambi nekuti vakanga vatapa hanzvadzi dzake, kuuraya nekupamba umambo hwababa vake, VaChakaingesu.
Rungano urwu rwune dingindira reushingi.
Rinozadziswa naKaringe akashinga kurwisana negarwe kusvika arikurira.
Izvi zvinobuda paanopotera kwaMambo Tineshungu achida kunodzidziswa kurwa hondo ndokusvika achikandwa muchidziva chaigara garwe ramambo naChivhere zvinoita kuti arwisane naro kusvika ariuraya.
Ushingi hunojekeswa naKaringe anorwisana nembada ari ega mazuva aaivhima neshamwari dzake musango kusvika aiuraya nemuseve payakanga yave kumusvetukira. TINOFAMBIRA mberi nematambudziko anosangana nevanhu munguva yehondo. Kufenda — chikwata chaidzidziswa hondo kukamba 2 chiri pamwe chete naKuda tinoona chine vamwe vanhu vanofenda mushure mekunge vamhanyiswa vachitenderera kashanu. Vamwe vanofenda vachiri kutenderera kechitatu sezvakaitwa naBhodho. Josiah anove munin’ina waKuda anowanikwawo achifenda pakumhanya uku.
Kudzvanyirirana — Komuredhi Kadiki anoudza Kuda kuti aifanira kunyepa kuti akanga adzidza kusvika mugeredhi repasi nekuti vakuru vaitungamirira hondo pakamba apa vakazviziva vaizomutsikirira kuti aende kunorwa hondo asina hunyanzvi hwakakwana ourayiwa. Izvi vaizviita nekuti ivo vainge vasina kudzidza saka vaitya kutorerwa zvinzvimbo zvavo nevakadzidza.
Kudzidziswa hondo nenzira dzinorwadza — Kuda nevamwe vake tinoona vachidzidziswa hondo nenzira dzaiita kuti vange vachirwadziwa zvakanyanyisa. Tinonzwa achitaura ega kuti pamwe pacho vaikambaira nemumvura, nemuminzwa, kana kumhanya vachipinda nemumoto waibvira. Kurezvwa nezvinhu zvinokuvadza — tinonzwa zvichinzi, “Yaiva tsika yamabhunu kusiya chimwe chinhu chavaiziva kuti chinoita kuti vanhu vaungane vachitarisa. Vaiisa mabhomba imomo aiti kana munhu akachibata, choputika. Mawairesi, fodya, magaba ebhifi, chitunha chemunhu, zvese izvi zvaisevenzeswa kuteya vanhu. Muzvinhu zvekudya vaiisa chepfu inouraya.” P.77. Zvinhu zvese izvi zvakanga zvauraya vanhu vakawanda chaizvo munguva yehondo.
Kukuvara muhondo — hondo inotsva pakamba 2 inosiya vanhu vashanu vakuvara zvakanyanyisa zvekuti kupona kwavo kwaisazivikanwa. Bhodho anokuvara muhondo iyi zvekuti akanga asingachakwanise kurwa. Kuda anokuvadzwa muhondo pagumbo ndokuzoribviswa achiiswa rechimuti.
Kufamba nzendo refu netsoka — povho inobva kuZimbabwe tinoiona ichipinda muMozambique netsoka. Magandanga anoenda kunopamba chikafu kuBurma Valley anoenda netsoka panove pakanga paine mufambo murefu zvikuru. Magandanga ese aienda kunorwa hondo ari munzvimbo yeBuhera anobva kuMozambique netsoka dakara asvika kuBuhera.
Kurohwa — masoja ane nguva yaaipinda mumisha yevanhu vachirova povho zvakaomarara.
Nzira dzinoshandiswa nevarwi vehondo yeChimurenga kuti vange vachikunda vachena:
Vatema vanotora nzira dzakasiyana-siyana kuti vange vachikurira vachena muhondo yavairwa. Dzimwe dzacho ndeidzi: Kupotera kunze kwenyika — tinoona povho ichibva muChipinge ichitungamirirwa naKomuredhi Pedzi kuenda kuMozambique uko vainopotera; ukuwo vamwe vachidzidziswa kurwa hondo. Kusarudza vakomana vakasimba kuti vanodzidziswa kurwa hondo — vanaKuda, Bhodho, Josiah nevamwe vanosarudzwa kubva kukamba 1 kwavanosvikira kuti vaende kukamba 2 kwavainodzidziswa kurwa hondo. Kushandisa masirogani kuti vazivane — makomuredzi pese paaisangana vaizivana kuburikidza nemasirogani. Izvi zvaiita kuti vazive aive neaisave muvengi wavo. Kudzidziswa kurwa hondo nezvematongerwo enyika — vanhu vaienda kukamba 2 vachinodzidziswa kurwa hondo kuburikidza nenzira dzakaoma sezvinoitwa vanaKuda, Josiah, Bhodho nevamwewo. Panguva imwe chete iyi vaiiswawo mumapoka mapoka mavaizodzidziswa nezvegwara remusangano weZanu.
Kutsvaga rubatsiro kubva kupovho – magandanga aitsvaga rubatsiro rwechikafu kubva kupovho kunove kwavaipihwa zvekudya vari kumabhesi kwavo. Tinoona kuti povho yaibatsirawo magandanga kutakura zvombo kubva kuMozambique kupinda nazvo muZimbabwe.
Kutuma vanamujibha kuti vawane ruzivo rwemafambiro aiita masoja – vanamujibha vainge vachitumwa navanamukoma kuti vafambe vachitsvaga kwaive nemasoja, zvaaiita nezvaaironga. Ruzivo urwu rwaibatsira magandanga zvikuru pakurwisa masoja. Levi anotuma vanamujibha nemamwe magamba kuti vanosecha zvitunha zvemasoja pamwe chete nekuvatorera pfuti. P.131.