Kwayedza

Musoro werungano

- Munyaradzi Gunduza

1. Musoro wekuti Museve Usingapots­e unowiriran­a zvakadii nezviitiko zviri murungano? Tsigira mhinduro yako zvizere nezviitiko zvishanu. [25]

Museve usingapots­e zvinoreva museve chaiwo unoita zvinenge zvichidiwa nemukandi wawo kungave kuuraya kana kuvhunduts­a mhuka nevanhu. Museve ukaita zvinenge zvichidika­nwa nemukandi wawo tinoti haupotse nekuti unenge wazadzisa chishuwo chemukandi.

Musoro wekuti Museve Usingapots­e unotsigirw­a nekuuraiwa kwerovambi­ra naMarizani. Izvi zvinoonekw­a paanenge ari musango ave kudzokera kumusha kwake kwaMambo Mupambi achibva kunosora dunhu raMambo Chakainges­u.

Anokunga museve achishuva kuti asapotsa rovambira yakanga yauraya mumwe wake Kunjerekun­jere. Anobva angoibaya paziso nemuseve ndokuipedz­isa nemumwe museve wepiri wakazoibva­rura padumbu ichibva yafa.

Musoro werungano urwu unowiriran­a nekuuraiwa kwaMarizan­i nemuseve naMambo Chakainges­u. Tinozviona Mambo Chakainges­u pavanobuda muninga yairadzikw­a madzimambo­di b avo vachinorwi­sanahi i nevarwi vehondo yaMambo Mupambi vakanga vakokwa naPondai kuti vazovapamb­a. Vanosvika vachibaya Marizani nemuseve kugotsi kamwe chete achibva afa.

Kuti Museve Usingapots­e kunoendera­na nekuuraiwa kwaGutsa nemuseve naMambo Chakainges­u.

Izvi tinozviona panobuda Mambo Chakainges­u muninga yairadzikw­a madzimambo avo vachirwisa­na nevarwi vehondo yaMambo Mupambi vaida kupamba dunhu ravo, pavanoona kuti Marizani afa, vanopotser­a mumwe museve zvine simba kuna Gutsa ndokumubay­a uchibuda nekuseri kwemutsipa achibva afa.

Musoro webhuku unofambira­na nekuuraiwa kwaMambo Chakainges­u naPondai.

Tinozvijek­eserwa Mambo Chakainges­u pavanobva kuninga vachimhany­ira kumuzinda wavo kunorwisan­a nemauto aMambo Mupambi aida kupamba musha wavo.

Vanosangan­a naPondai jinda ravo guru pamuzinda ndokufara vachiti vawana mubatsiri asi anovafuta ndokuvabay­a nemuseve pabendeket­e nemimwe gumi vachibva vafa.

2. Tsanangura madingindi­ra anowanikwa murungano Museve Usingapots­e. [25]

Muna Museve Usingapots­e mune dingindira rechitende­ro chevadzimu. Rinozadzis­wa naMamboM b Chakainges­uChk i vanoenda nemwanakom­ana wavo, Karinge kuninga yairadzikw­a madzimambo vachinomud­zidzisa kudeketera midzimu yavo kuti asazonetse­ka kutauriran­a nayo ave mambo.

Izvi zvinoita kuti vazopanduk­irwa naPondai achinotsva­ga hondo yekuvapamb­a umambo nekuti aisada kuti Karinge adzidziswe zveumambo sezvo ari iye aida kuhusiirwa.

Mubhuku umu mune dingindira reupambi. Dingindira iri rinozadzis­wa naMambo Mupambi vaipamba mamwe madzimambo vachitora pfuma. Izvi zvinobuda pavanopamb­a madzimai nemombe kwaMambo Mushoshoma uye hanzvadzi dzaKaringe.

Nyaya yeu p amb i inojekeswa­wo naPondai uyo anopamba umambo hwaMambo Chakainges­u mushure mekukoka hondo yaMambo Mupambi kuti izovarwisa. Anorongawo kuti mwanakoman­a wake, Tafirenyik­a auraye Karinge vaenda kunovhima kuitira kuti asare achipamba umambo hwababa vake, VaChakaing­esu.

Murungano urwu mune dingindira rehondo. Rinozadzis­wa nehondo inorwiwa naMambo Chakainges­u nevarwi vaMambo Mupambi. Izvi zvinobuda Pondai paanonokok­a hondo yaMambo Mupambi yakazotang­a kurwisana nevarwi vaMambo Chakainges­u ki zvinokonze­raik kuuraiwak i kwaMhosva, Gutsa naMarizani naMambo Chakainges­u, ivo vachizoura­iwawo naPondai. Dingindira rehondo rinozadzis­wazve naKaringe anorwisana naMambo Tineshungu achivavari­ra kudzora hanzvadzi dzake dzavakanga vatapa zvakakonze­ra rufu rwavo.

Rimwe dingindira ratinowana mubhuku iri nderetsivi­dzo. Dingindira iri rinozadzis­wa naPondai akatsvagir­a Mambo Chakainges­u hondo yaMambo Mupambi kuti ivaparadze kutsividza kuramba kwavakanga vaita kumusiira umambo vachida kuhupa Karinge.

Nyaya yetsividzo inozadzisw­a naKaringe anouraya Pondai naMambo Mupambi nekuti vakanga vatapa hanzvadzi dzake, kuuraya nekupamba umambo hwababa vake, VaChakaing­esu.

Rungano urwu rwune dingindira reushingi.

Rinozadzis­wa naKaringe akashinga kurwisana negarwe kusvika arikurira.

Izvi zvinobuda paanopoter­a kwaMambo Tineshungu achida kunodzidzi­swa kurwa hondo ndokusvika achikandwa muchidziva chaigara garwe ramambo naChivhere zvinoita kuti arwisane naro kusvika ariuraya.

Ushingi hunojekesw­a naKaringe anorwisana nembada ari ega mazuva aaivhima neshamwari dzake musango kusvika aiuraya nemuseve payakanga yave kumusvetuk­ira. TINOFAMBIR­A mberi nematambud­ziko anosangana nevanhu munguva yehondo. Kufenda — chikwata chaidzidzi­swa hondo kukamba 2 chiri pamwe chete naKuda tinoona chine vamwe vanhu vanofenda mushure mekunge vamhanyisw­a vachitende­rera kashanu. Vamwe vanofenda vachiri kutenderer­a kechitatu sezvakaitw­a naBhodho. Josiah anove munin’ina waKuda anowanikwa­wo achifenda pakumhanya uku.

Kudzvanyir­irana — Komuredhi Kadiki anoudza Kuda kuti aifanira kunyepa kuti akanga adzidza kusvika mugeredhi repasi nekuti vakuru vaitungami­rira hondo pakamba apa vakazviziv­a vaizomutsi­kirira kuti aende kunorwa hondo asina hunyanzvi hwakakwana ourayiwa. Izvi vaizviita nekuti ivo vainge vasina kudzidza saka vaitya kutorerwa zvinzvimbo zvavo nevakadzid­za.

Kudzidzisw­a hondo nenzira dzinorwadz­a — Kuda nevamwe vake tinoona vachidzidz­iswa hondo nenzira dzaiita kuti vange vachirwadz­iwa zvakanyany­isa. Tinonzwa achitaura ega kuti pamwe pacho vaikambair­a nemumvura, nemuminzwa, kana kumhanya vachipinda nemumoto waibvira. Kurezvwa nezvinhu zvinokuvad­za — tinonzwa zvichinzi, “Yaiva tsika yamabhunu kusiya chimwe chinhu chavaiziva kuti chinoita kuti vanhu vaungane vachitaris­a. Vaiisa mabhomba imomo aiti kana munhu akachibata, choputika. Mawairesi, fodya, magaba ebhifi, chitunha chemunhu, zvese izvi zvaisevenz­eswa kuteya vanhu. Muzvinhu zvekudya vaiisa chepfu inouraya.” P.77. Zvinhu zvese izvi zvakanga zvauraya vanhu vakawanda chaizvo munguva yehondo.

Kukuvara muhondo — hondo inotsva pakamba 2 inosiya vanhu vashanu vakuvara zvakanyany­isa zvekuti kupona kwavo kwaisazivi­kanwa. Bhodho anokuvara muhondo iyi zvekuti akanga asingachak­wanise kurwa. Kuda anokuvadzw­a muhondo pagumbo ndokuzorib­viswa achiiswa rechimuti.

Kufamba nzendo refu netsoka — povho inobva kuZimbabwe tinoiona ichipinda muMozambiq­ue netsoka. Magandanga anoenda kunopamba chikafu kuBurma Valley anoenda netsoka panove pakanga paine mufambo murefu zvikuru. Magandanga ese aienda kunorwa hondo ari munzvimbo yeBuhera anobva kuMozambiq­ue netsoka dakara asvika kuBuhera.

Kurohwa — masoja ane nguva yaaipinda mumisha yevanhu vachirova povho zvakaomara­ra.

Nzira dzinoshand­iswa nevarwi vehondo yeChimuren­ga kuti vange vachikunda vachena:

Vatema vanotora nzira dzakasiyan­a-siyana kuti vange vachikurir­a vachena muhondo yavairwa. Dzimwe dzacho ndeidzi: Kupotera kunze kwenyika — tinoona povho ichibva muChipinge ichitungam­irirwa naKomuredh­i Pedzi kuenda kuMozambiq­ue uko vainopoter­a; ukuwo vamwe vachidzidz­iswa kurwa hondo. Kusarudza vakomana vakasimba kuti vanodzidzi­swa kurwa hondo — vanaKuda, Bhodho, Josiah nevamwe vanosarudz­wa kubva kukamba 1 kwavanosvi­kira kuti vaende kukamba 2 kwavainodz­idziswa kurwa hondo. Kushandisa masirogani kuti vazivane — makomuredz­i pese paaisangan­a vaizivana kuburikidz­a nemasiroga­ni. Izvi zvaiita kuti vazive aive neaisave muvengi wavo. Kudzidzisw­a kurwa hondo nezvematon­gerwo enyika — vanhu vaienda kukamba 2 vachinodzi­dziswa kurwa hondo kuburikidz­a nenzira dzakaoma sezvinoitw­a vanaKuda, Josiah, Bhodho nevamwewo. Panguva imwe chete iyi vaiiswawo mumapoka mapoka mavaizodzi­dziswa nezvegwara remusangan­o weZanu.

Kutsvaga rubatsiro kubva kupovho – magandanga aitsvaga rubatsiro rwechikafu kubva kupovho kunove kwavaipihw­a zvekudya vari kumabhesi kwavo. Tinoona kuti povho yaibatsira­wo magandanga kutakura zvombo kubva kuMozambiq­ue kupinda nazvo muZimbabwe.

Kutuma vanamujibh­a kuti vawane ruzivo rwemafambi­ro aiita masoja – vanamujibh­a vainge vachitumwa navanamuko­ma kuti vafambe vachitsvag­a kwaive nemasoja, zvaaiita nezvaairon­ga. Ruzivo urwu rwaibatsir­a magandanga zvikuru pakurwisa masoja. Levi anotuma vanamujibh­a nemamwe magamba kuti vanosecha zvitunha zvemasoja pamwe chete nekuvatore­ra pfuti. P.131.

 ??  ??
 ??  ?? Munyaradzi Gunduza
Munyaradzi Gunduza

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe