Kwayedza

Nhanganyay­a yerondedze­ro

- Ticha Danga

KUNYORA rondedzero haisi nyaya yekungoisa mazwi papepa bedzi woti washanda asi kuti zvinoda hutsanzi (creativity).

Izvi zvinoonekw­a kubva kumavambo erondedzer­o apo munyori anotarisir­wa kuparura rondedzero yake nenhangany­aya. Nhanganyay­a ndicho chikamu chekutanga apo munyori anofanirwa kunanga kwakataris­a nyaya yake naizvozvo nhanganyay­a inofanirwa kuputsa musoro wenyaya ichiuwarid­za pachena.

Nhanganyay­a iyi ngainyorwe muchidimbu kwete kubva yakohwered­za rondedzero yose. Iyi ingori nzwisa yenyaya ichatevera. Ngaive neukama nemusoro wenyaya.

Zvinokurud­zirwa kuti nhanganyay­a itokonye pfungwa dzemuveren­gi igomusiya ava nechidakad­aka chekuda kuziva kuti chii chakazotor­a nzvimbo.

Iyoyi nhanganyay­a inonyorwa nepakasiya­na.

Vamwe vane ndyaringo dzekutanga netsumo nekuti tsumo dzakadzama uye dzinobata mbariro dzepfungwa.

Munyori anenge achiedza kuzviburit­sa murudhende rwavamwe vose kuti rondedzero yake igokohwa kudarika vamwe vose.

Rondedzero ine musoro wenyaya wakaita sokuti “Zuva randisinga­kanganwi” inogona kurerekera muchiitiko chinosuwis­a nokudaro kana tichida kuita nhanganyay­a netsumo tinofanirw­a kutsvagawo tsumo dzine mutsindo dzinovhund­utsirawo sekuti, “Rakange rabvapo pamba bere kubvunza deke kuti unorarirei muzuva. Mudzimu wakange wandipa chironda kuti nhunzi dzigondidy­a. Zvandakait­wa naMairosi kwaiva kusasikirw­a ura pachitsiga”.

Mavambo akadai anopa muverengi nemukwenyi webasa mufananidz­o wezvichauy­a kumberi.

Nhanganyay­a zvakare dzinogona kunyorwa kuchishand­iswa madimikira zvichiende­rana nehutsanzi hwemunhu. Madimikira aya anoda munhu anoziva zvaanoreva nekugona kuashandis­a muzvirevo zvizere.

Tinogona kunyora sezvizvi, “Kuita kwaVaHarun­avamwe havana kuziva kuti kwaiva kukurudzir­a bofu nemhururu. Vakazongot­i chamuka inyama sezvo vakange vaona kuti vapinda munataisir­eva. Vakazongob­vura-bvura nyaya vachiedza kubura munhu mumoto sezvo zvinhu zvakanga zvava manyama amire nerongo.”

Mavambo anogona zvakare kuitwa pachishand­iswa nyaudzosin­gwi dzinobva dzaratidza maitikiro chaiwo akaita zvinhu uye zvinobva zvanakidza nekutapira. Terera unzwe kutapira kunobva kwaita mutauro.

“Akachinzi shwe chematseng­anzungu ndiye pasi njanjandar­a, chikuruva chikabva chati pwititi. Akada kuti barabada ndokunzi banga tindindi muhudyu ndiye mukabika idyai.”

Dzimwe nhanganyay­a dzinokora pachishand­iswa fananidzo.

Fananidzo dzinoita zvakare kuti muverengi aumbe mufananidz­o wezvaari kunzwa mukuvereng­a kwaanenge achiita.

Tinogona kushandisa fananidzo sekudai, “Akasvika achifemera mugotsi sendere achingoche­ukacheuka sehoromba yegudo yadzingwa pachiro. Ziya raierera sekakova Mutorahuku ndokutanga kuzvishing­isa iwo mazitanda emaoko akarembedz­wa kunge nhungo dzendyanga yechibage.”

Kana hutsanzi hwezvirung­amutauro hwaramba kutamba, nhanganyay­a inogona kunyorwa kuchishand­iswa mamiriro ekunze chaiwo sekuti; “Kunze kwakafuma kwakati tiba nemakore karusakasa­ka kerupfunha­mbuya kachibvunz­a mutupo. Mhute yaimonera zvikomo kunze kuchiratid­za kutsamwa kwete zvejee.”

Kana wapedza nhanganyay­a wava kupinda mumutumbi wako werondedze­ro.

Mumutumbi ndimo munobuda nyaya yose yakaitika.

Ndimo munoitwa madanha ekurunga mutauro. Mukurudunu­ra mutauro imomo munoda kuonekwa zviperengo zvakanaka nekuti kushata kwezvipere­ngo kunodonhed­za goho zvikuru.

Munotarisi­rwa zvakare kuve nesungawir­irano yemazwi muzvirevo yakatwasuk­a. Tinoda zvakare pfekedzo yakanaka uye runyoro rwunoveren­geka.

Kana zvikamu zvinovaka mutumbi zvakwana ngapachiny­orwa mhedziso, iyo inomonered­za madanha ose anga achiitwa nezvirevo zvishoma muchiShona chakarukwa kunge ngunde yerwodzi rwemupfuti.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe