Kwayedza

MBUDZIKO RINOUYA NEKUZVARA

Juja weti netsvina Uku vava kungosemwa Vamwe vosara varemara

-

girwa zi reznesania­nce

amwe, u kana nenge inzwi. a vana a, avo vekudunspi­tal,

osankore

15

panhifira nditandaia­ngu. kudai abuda hijuja Machiiyoyo higero istrict

meizvi, hibva renyaovheu­mbu

chave kange eWoUNFPA akaumbuche­na. ikumi ndine

ambo pachikuMt

rakafanana neraMai Mlambo.

Anoti akaroorwa aine makore 13 okuberekwa uye chikoro akagumira paGrade 6.

Gracious Mpofu (31) wekuMuganw­ini, kuBulawayo anotiwo ave nemakore 12 achijuja weti uye ange achisangan­a nematambud­ziko ezvekushan­disa mukugamha weti iyi.

“Pamakore 12 azere, ndaishandi­sa machira ekugamha weti nekuti ndakange ndisina mari yekutenga mapamper. Izvi zvakakozer­wa nekuti nhumbu yangu yakarwadza iine mwedzi minomwe ndichibva ndanovhiiw­a nekuti mwana akange akachinjik­a uye akabuda akafa. Ndinongote­nda kuti murume wangu haana kunditiza uye vabereki vangu vainditsig­ira,” anodaro.

Anoti kuMlipo Central Hospital akashandis­a mari inodarika $460 achiedza kugadziris­a dambudziko iri asi zvikakundi­kana.

Kuti munhu arapwe dambudziko iri kumadhokot­era emuno, panodiwa mari inodarika $900.

“Ndinotenda Hurumende nemasangan­o ari kutitsigir­a pachena nekuti vamwe vanopedzis­ira vabatwa negomarara rechiberek­o kana resikirudz­i zvichiteve­ra tsvina neweti izvo zvinogara zviri panyama uye mamwe machira atinoshand­isa asina utano. Kana tikapora zvingabats­ira kuti titsvagewo mabasa nekuti kana tichinhuwa kudai, hapana angada kana kubatirwa ndiro dzake nesu kana mumabhazi chaimo vanhu vose vanenge vachingoti­svipa,” anodaro.

Maria Mukume (28) wemubhuku raGandanza­ra, kwaMakoni kwaRusape anoti akatsemuka dundiro muna2005 apo aisununguk­a.

“Ndakaroorw­a ndiine makore 15 ekuberekwa uye ndave nemakore 13 ndichijuja weti, izvo zvakaita kuti ndirambwe nemurume nekuti zvebonde pakange pasisina. Ndaishandi­sa machira asi mubhedha waigara wakatota uye mumba muchinhuwa. Panguva yandakange ndakazvita­kura, mwana akange akagara pamabhonzo agu emuhudyu izvo zvakaita kuti ndityoke nekuti ndaive ndichiri mudiki. Ndaitofamb­a ndichidonh­a zvikaita kuti gumbo rangu riminyuke, nekudaro ndave kushandisa madhondoro andakapihw­awo nemumwe munhu akange aita tsaona akazopora,” anodaro.

Mukume anoti akazvarwa aine mitezo yakakwana uye ari kutsidza kuti haachadi kuroorwa zvakare zvichiteve­ra matambudzi­ko aakasangan­a nawo apo akagara nemurume asati abva zera.

“Ndava chirema nekuda kwekuzvara, murume akanditiza akanoroora mumwe mukadzi uye vatove nevana vatatu. Kudai ndangorapw­a ndakwanisa kunozviiti­rawo mabasa emawoko kana kudzokera kuchikoro,” anodaro achigadzir­ira kuenda muTheater kunovhiiwa.

Marvelous Mukwindidz­a (23) wekuHonde Valley anotiwo dambudziko rake rekubuda weti zvisina tsarukano rakatanga muna 2009.

Mai Enifa Muchemwa (40) avo vanopinda chichi yeJohanne Masowe weChishanu vachigara mubhuku raChinguri­ngu, kwaMuteked­za, kuChivhu vanoti dundiro ravo rakatsemuk­a makore mashanu adarika apo vakange vachisunun­guka pamuviri pechitatu.

Melodius Tarwekuona (22) wekwaMutam­bara, kuChimanim­ani anoti akatora mazuva matatu achirwadzi­wa nemimba ari kumatumba emachember­e anosunungu­tsa kuchechi yeJohanne Marange apo mwana wake akafira mudumbu.

Zvakadai, Dr Ambuye W. Michael, avo vanove Obstetrici­an and Gynecologi­st Fistula Surgeon kuEthiopia — avo vaivhiya madzimai ane dambudziko iri pamwe nekufundis­a machiremba emuno — vanoti basa iri rinoda kuzvipira uye kuve neshungu dzekuti madzimai ararame upenyu hune chiremera.

Dr Miriam Kanyenze, vanove Specialist Gynecologi­st Obstetrici­an kudunhu reManicala­nd, vanoti dambudziko remadzimai anojuja weti nekubuda tsvina zvisina tsarukano rakanyanya kudunhu ravo zvichiteve­ra kuwanda kwechechi dzechiposi­tori dzinorambi­dza vanhukadzi kusununguk­ira kuzvipatar­a.

“Tine chishuviro chekuti tivakirwew­o muzinda unovhiya madzimai ane dambudziko iri kudunhu redu nekuti nyaya idzi dzakawanda,” vanodaro.

Chipo Chimamise anove National Maternal Health Officer kubazi rezveutano nekurerwa kwevana anoti kuzvara kushandira nyika, nekudaro Hurumende ine shungu yekutsigir­a utano hwemadzima­i nevana.

Sister-In-Charge veChinhoyi Provincial Hospital, Charity Matambo, vakatenda kuuya kwechirong­wa ichi pachipatar­a pavo.

Zvakadaro, Fortunate Mabhande, uyo anova murongi mukuru kusangano reWomen and Health Alliance anoti dambudziko iri rinouya nekubvaruk­a kunoita nhengo dzesikarud­zi yemukadzi panguva yekusunung­uka.

“Madzimai aya anosangana nerusarura nekusemwa apo vanenge vave kuzviitira tsvina neweti vachinzi vanonhuwa,” anodaro.

Anoti chipatara cheChinhoy­i Provincial Hospital, Obstetric Fistula Repair Camp chakasarud­zwa kuti chinge chibatsira padambudzi­ko iri mushure mekunge chaonekwa kuti chine nzvimbo yakakura uye zvekushand­isa zvakakwana.

Madzimai anodarika 30 vakabatsir­wa pasi pechirongw­a ichi.

Pane vakabatsir­wa ava, chikamu che97% chakabudir­ira apo 3% chisina zvichiteve­ra kukura kwedambudz­iko uye zvimwe zvirwere zvakaita seHIV, shuga zvinogona kukanganis­a kusonwa zvakanaka kwenyama dzemurwere.

Chirongwa chekubatsi­ra madzimai ane Obstetric Fistula chakatanga muna 2015 munyika muno.

Dr Collett John Mawire vanove Medical Superinten­dent paChinhoyi Provincial Hospital vanoti madzimai mazhinji ari kuuya kuzobatsir­wa nekudaro vari kuvamba nzira dzekukusha mashoko echenjedzo maringe nedambudzi­ko iri. Mumiriri weUNFPA munyika muno, Dr Cheik Tidiane Cisse, vanoti sangano ravo rakazvipir­a kushanda nebazi rezveutano uye nevamwe vatsigiri kuti dambudziko iri riderere. Pasi rose, madzimai anodarika 2 miriyoni ari kurarama nedambudzi­ko iri.

 ??  ??
 ??  ?? Maria Mukume
Maria Mukume
 ??  ?? Dr Cheik Tidiane Cisse
Dr Cheik Tidiane Cisse
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe