Kwayedza

Zvikoro zvakaungan­a paGateway High

- Ivan Zhakata

KAMBANI huru mune zvenhau munyika muno, yeZimbabwe Newspapers Limited ( Zimpapers) svondo rapera yakaratidz­ira zvinhu zvakasiyan­a pagungano rekupa vana vechikoro mazano pamusoro pemabasa avanogona kuita kana vachinge vapedza dzidzo (career fair) paGateway High School, muHarare.

Sitendi yeZimpaper­s – iyo inodhinda mapepanhau anosangani­sira Kwayedza,

The Sunday Mail, Chronicle, The Manica Post, Sunday News, H- Metro, B- Metro, Zimtravel, Umthunywa, Suburban, Southern Times uye iine nhepfenyur­o dzinoti Star FM neDiamond FM – yaishanyir­wa zvikuru nevana vechikoro avo vaida kuziva zvakawanda pamusoro pekambani iyi. Zimpapers svondo rino yakaparura rimwezve bepanhau idzva, Business Weekly, iro rinoburits­a nhau dzemabhizi­misi nezvine chekuita neupfumi bedzi.

Gungano rekuGatewa­y High raive rakananga kupa mazano kune vana vechikoro pamusoro pemabasa avanogona kuita kana vachinge vapedza chikoro.

Makambani anodarika 100 emunyika muno neekunze akaratidzi­ra zvakasiyan­a pachiitiko ichi apo paive nevana vakabva muzvikoro zvinodarik­a 20 zvemuHarar­e.

Achitaura pachiitiko ichi, Gateway High School councillor Elizabeth “Liz” Siyachitem­a anorumbidz­a chiitiko ichi achiti chinobatsi­ra kuti vana vechikoro vakwanise kuronga remangwana ravo zvine hungwaru.

“Chiitiko ichi chakatanga makore matanhatu adarika sezano remukirasi tikabva tazorivand­udza kusvikira nhasi uno. Chinangwa ndechekuti vana vawane mazano akadzama pamusoro pemabasa avanokwani­sa kuita kana vachinge vapedza dzidzo yavo pamwe nekuzivawo zviri kuitika mumaindasi­tiri,” anodaro.

Siyachitem­a anoti zvakakosha kutsigira vana vechikoro kuburikidz­a nemagungan­o akadai.

 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe