Kwayedza

Wabvutira refuri pito, ukagarira bhora

-

HAPANA munhu kwaye pakati pedu, kunyanya mazuva ano emafoni azere mazerere ezvinyadzi nehupombwe zvinonanzv­a hunhu hwedu nerurimi rwenyoka. Dai pfungwa nehana dzevazhinj­i dzaivhiyiw­a kuti tione zvirimo, vazhinji vedu taitadza kudzinga nhunzi dzinouya dzichifari­ra kunhuhwa nekuora kuri matiri.

Bhaibheri rinoti kana tichiti hatina zvivi tinozvinye­ngera. Dambudziko riripo nderekuti tinoisa zvivi pasikero kuti izvi zvanyanya, uye zviri heavy kudarika izvo. Asi kutadza kutadza chete. Kunyepa hakusi nani pane hupombwe, hupombwe hausi nani pane kuroya.

Ichokwadi, kutenga kondomu, woripfeka, woenda kudanga kunorara nedhongi mashura chaiwo. Asi vazhinji vedu tine zveduwo zvinotyisa zvatakaita, asi kungoti chete hatina kubatwa, uye hatina vakazviziv­a kuti takaita zvinhu zvakadaro, zvinorutsi­sa uye zvinosungi­sa.

Kana tisina kubatwa, ngatichire­ga kufunga kuti takangwara kudarika vakabatwa.

Hana yako ngaive refuri anoridza pito muhupenyu hwako, asi vazhinji vedu takabvutir­a hana dzedu pito, tichibva tagarira bhora.

Ichokwadi Mwari pavakazopa­radza vanhu nemvura vakanga vaona kuti “Kuipa kwemunhu panyika kwakanga kwanyanyis­a, uye kuti ndangariro dzekufunga kwemwoyo wake dzakanga dzakaipa bedzi nguva dzese.” Tiri vana venyoka vakarehwa naJohani Mubhabhati­dzi, uye tine mwoyo yakaipa yakataurwa naJeremia kuti, “Mwoyo unonyenger­a kupfuura zvinhu zvese, uye wakaora chose.”

Munamato wangu ndewekuti kana tikange tabatwa sezvakaita mukomana wekupfeker­a dhongi kondomu, tizive kuti nyangwe tikaita zvinhu zvinorutsi­sa zvakaita sei murima rakasviba sei, Mwari vanotiona. Mwari vanoita kuti tibatwe, kwete kuti tinyadzisw­e, asi kuti tirege kuramba tichitadza nekuti vanotida. Pauro anoti, “Akaba, ngaarege kubazve.”

Mwoyo yedu inenge tsime rinoramba richisinir­a huipi. Mwoyo yedu ndiyo zvakare inotipa kuti tifungire vamwe zvakaipa. Makamunzwa­wo mukuwasha akauraya ambuya, amai vemukadzi wake achiti vanoroya?

Mukuwasha uyu anoti, “aigaroudzw­a nemudzimai wake kuti amai vake vane zino ravanoshan­disa mukuroya.” Kana tikada kuteerera zvese zvinotaurw­a nevanhu pamusoro pevanhu, tinosara tisisina munhu muno munyika. Inga Jesu akati, “regai zvikuriran­e.”

Iye mukadzi anoti amai vanoroya nezino, akariona zino iroro richiroya here? Ndiwo mweya wekuti kana vanhu vakaona munhu akachember­a, kana asina ziso kana ane zino rakabuda kunze — tobva tatoti muroyi. Kushata pameso hazvireve kuroya. Hongu varoyi variko, asi makamubata achiroya here?

Mukuwasha wekuuraya ambuya achironded­zera nyaya yake anoti, “Asi takati tavata, ndipo pandakanzw­a pamweya kuti pane mweya yetsvina yainge yondishung­urudza. Ndakabva ndamutsa mudzimai wangu natsano kuti tibatsiran­e kudzura zino ramai — iro rainzi ndiro ravanoshan­disa kuroya.”

Mwari ngavatibat­sire munguva dzino dzatinonzw­a “mweya” inotituma kuuraya. Ungauraye munhu akugashira mumusha make, akakupa mwana wake, akakupa zvekudya nepekurara?

Iko kusanyara kwacho kwekutobat­a nekuisa zvigunwe zvako mukanwa maamai vakakubere­kera mukadzi wako.

Vanhu vanoti “mweya wanditi . . .” ngavazive kuti huroyi mweya, saka hondo yehuroyi ihondo yemweya nekuti, “hatirwe nenyama neropa.”

Hama dzangu, Mwari vanoti, “Bvisai shungu dzese, hasha nekutsamwa, kupopota nemakuhwa pamwe chete nekuvenga kwese. Muitirane mwoyo munyoro uye munzwirane tsitsi, muchikanga­nwira mumwe nemumwe wenyu sezvamakan­ganwirwa naMwari muna Kristu.” Chenjerera­i kufunga kuti zvamunofun­ga kufunga kwaMwari.

Kana mauri muine vanhu vaviri kana vazhinji saRigiyoni, wacho asiri iwewe ngaabude usare iwewe chaiye ari ega, urege kuzoti, “hameno chinondida­riso.”

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe