Kwayedza

‘Ngwarirai Avian Influenza’

-

neshangu kana mbatya dzinohodhw­a nevanhu kunze vachizoten­gesa muno.

Avian Influenza inonzi zvakare inogona kutapurirw­a kuburikidz­a nemavhiri emotokari dzinenge dzabva kunzvimbo dzine utachiona hwechirwer­e ichi.

Chirwere ichi chinozivik­anwawo zvakare nekuti Bird Flu kana kuti H5N8 uye chinokonze­rwa neutachion­a hwunofamba pakati peshiri dzesango dzichitapu­tarira dzepamusha zvichikonz­era hurwere nekufa kweshiri dzinocheng­etwa dzakadai sehuku, matoki, madhadha nezvimwewo munguva diki.

Humwe utachiona hweAvian Influenza hunogona kutapukira kuvanhu zvichikonz­era hurwere.

Ongororo yakaitwa nanamazvik­okota inoratidza kuti utachiona hwechirwer­e ichi hwatanga kuonekwa kunyika yeChina mugore ra 2003.

Chirwere ichi chinogona kudzivirir­wa kuburikidz­a nekutora matanho akasiyana ayo anosangani­sira hutsanana pakuchenge­ta shiri dzepamusha dzakadai sehuku, kudziviria kusangana kweshiri dzesango nedzinopfu­yiwa uye kugara murimi achibvisa madororo nguva nenguva mumatanga maanocheng­etera huku kana matoki. Sangano reZFRPA rinokurudz­ira varimi kuti vaite zvinotever­a nedonzvo rekuchenge­tedza zvipfuyo zvavo kubva kuzvirwere zvakasiyan­a:

kuchengete­dza nharaunda ine shiri dzavo yakatsvind­a nechinangw­a chekudzivi­ra kunyuka pamwe nekuparari­ra kwezvirwer­e zvakasiyan­a.

kumwaya-mwaya mishonga inobvumidz­wa muzvirugu zvinogara shiri dzavo zvichibata­nidzira madziro, kunze neruvanze kuitira kuti utachiona hufe.

matanga anofanirwa kuvakwa nenzira inotadzisa shiri dzesango nemakonzo kuti zvipinde mukati naizvozvo anofanirwa kuvakwa nekugadzir­wa zvakasimba.

vakirai kadenga panodyirwa nekunwirwa neshiri dzenyu mumipanda kuitira kuti shiri dzesango dzirege kuona kana kusvikapo zvichizoun­za utachiona.

kusatender­a veruzhinji nevashandi vemumatang­a kufamba nemipanda inofamba-famba shiri dzenyu kuitira kudzivirir­a kutapurirw­a kweutachio­na.

gezai madziro ematanga pasi, matenga nemidziyo inodyirwa neshiri dzenyu nekunwirwa mvura nguva dzose nemishonga inotendere­wa.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe