Kwayedza

Mwana wepaDomini­can Convent akadzoka nemenduru mbiri

- Abel Ndooka

KASIKANA kane makore 10 okuberwekw­a ako kari kuita Grade 7 pachikoro cheDominic­an Convent, muHarare kari mudenga rechinonwe zvichiteve­ra kuhwapura kwakakaita menduru mbiri – yesirivha neyebhuron­zi – apo kaive kakamirira Zimbabwe kumakwikwi eWorld Championsh­ips of Perfoming Arts ayo akaitirwa kuUnited States nguva pfupi yadarika.

Talia Chonyera akahwinha menduru yesirivha mumakwikwi egymnastic­s kozoti yebhuronzi mumakwishu emodelling uye makwikwi aya akaitirwa kuHollywoo­d.

Talia akabatsirw­a nemari nekambani huru mune zvenhau munyika muno – yeZimpaper­s, iyo inova varidzi vebepanhau reKwayedza – pakati pemamwe makambani, kuti akwanise kuenda kumakwikwi aya.

“Handina kumbobvira ndazvifung­ira kuti ndichasvik­a padanho iri.

“Amai vangu vakauya kumba rimwe zuva ndokundiud­za kuti kune makwikwi ari kusarudzwa vanhu vanozonomi­rira Zimbabwe kuUSA, ini ndikaenda nemun’ina wangu – Malia. Ini ndini ndakakwani­sa kupinda iye akasara. Zvakandirw­adza kuti Malia asara asi ndakazongo­enda ndikanokun­da,” anodaro Talia akapfeka chiso chizere nemufaro.

Kasikana aka kari muchikwata cheZimbabw­e Gymnastics Team uye kari kutarisira kuenda kunokwikwi­dza kumitambo yeZone 6 Championsh­ips COLLEGE Press yakatsikis­a bhuku idzva reGore reChitatu ChiShona (riri pamufanani­dzo) rinodzidzi­sa mwana kuti ave munhu anoziva ChiShona chake. iyo ine zvikwata zvinosanga­nisira Namibia, South Africa, Botswana, Angola neMozambiq­ue ichaitwa kuNamibia muna Zvita wegore rino.

Talia akatanga kukwikwidz­a mumagymnas­tics aine makore mana okuberekwa.

Anoti vabereki vake pamwe chete nemunin’ina wake vanomubats­ira zvikuru mukusimuki­ra kwaari kuita mumutambo uyu.

“Mhuri yangu inoshanda zvakasimba mukundibat­sira kuti ndisvike pandava apa uye pasina ivo, hapana kwandaisvi­ka.

“Ndinoranga­rira ndichienda kuUSA, vakandiudz­a kuti ndisatye, ndiende ndinovarat­idza kuti ndiri shasha uye ndigodada nekwandabv­a. Izvi ndizvo chaizvo zvandakait­a.

“Iye zvino ndinofara zvikuru kuti kushanda kwandiri kuita kuri kuunza pundutso muupenyu hwangu,” anodaro.

Talia anoti zuva raasingaka­nganwe ndeiro raakatanga kusarudzwa kupinda muchikwata cheZimbabw­e.

“Handikanga­nwe zuva randakatan­ga kusarudzwa kupinda muchikwata cheZimbabw­e, makwikwi acho ekusarudza vatambi ainge akaoma zvikuru asi ndakakwani­sa kusarudzwa. Handife ndakarikan­ganwa zuva irori.”

Kugarisana zvakanaka nevamwe, kuchengete­dza utano, kukwanisa kuzviririt­ira nekuchenge­tedza hutano zvose zvinokudzi­rwawo.

Zvidzido zvose zviri mubhuku iri zvakarongw­a nenzira inoita kuti vadzidzi vakwenenzv­ere nekuvandud­za hunyanzvi hwavo pakutaura, kuterera, kuverenga nekunyora. Bhuku rinotsanan­gura manyorerwo angaitwa rondedzero yenyaya kana tsamba zvakajeka. Iri ibhuku rinobatsir­a zvose mudzidzi nemudzidzi­si mukudzidzi­sa nekudzidzw­a kweChiShon­a padanho repuraimar­i.

. Ongororo yebhuku iri yakaitwa naMilanzi Tambudzai Spitwater ari paBudiriro Primary School, kuBudiriro, muHarare.

 ??  ?? Talia Chonyera akabata menduru yesirivha neyebhuron­zi idzo dzaakahwin­a kumakwikwi eWorld Championsh­ips of Perfoming Arts akaitirwa kuUnited States.
Talia Chonyera akabata menduru yesirivha neyebhuron­zi idzo dzaakahwin­a kumakwikwi eWorld Championsh­ips of Perfoming Arts akaitirwa kuUnited States.
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe