Kwayedza

Mudzimai wemunhu chiname na’prophet’

- Lizzy Mushoriwa

MUBVUNZO:

MAKASIMBA here sekuru? Ndiri murume ane makore 46 okuberekwa, mudzimai wangu akashaika makore adarika uye ndikamuche­ma kwegore rese. Zvino ndave kuedza kutsvaga mumwe mukadzi asi dambudziko nderekuti ndikawana wekufambid­zana naye, sikarudzi yangu haichade kuita basa. Chii chaizvo sekuru, chii chirikuiti­ka kwandiri?

MHINDURO

Kune iwe nevamwe vazukuru vose vangava nematambud­ziko erudzi urwu, ndinoti izvi zvinogona kuitika kumurume kana kumudzimai anenge afirwa. Kumwe kufirwa inguva yaTenzi, asi kumwe kwacho mabasa emweya yakaipa, mweya yasatani sekuroyiwa.

Kare munhu aiti akafa, hama dzepedyo dzaienda kugata kunobvunzi­ra kuti chii chatora upenyu hwemunhu.

Ipapa ndipo pazvaibatw­a kuti rufu rwauya nekuda kwaMwari here kana kuti pakaitwa hushereket­wa sekuroyiwa.

Kana zvikabuda zvichinzi rufu nderwaTenz­i, vanhu vaibva vagara zvavo, asi kana ari mabasa evakaipa paitorwe matanho ekugadziri­sa nekudzivir­ira vapenyu vasara.

Uyo anenge afirwa aifanirwa kuzokamurw­a kubva kune mufi kuitira kuti akwanise kuzoroora kana kuroorwa zvakare pasina kuvhiringi­dzwa nemweya yevafi. Mweya uyu ukasakamur­wa, unoramba uri mumusha imomo woita mabasa ekunge munhu wamakaviga uyu asina kufa, sezvinonzi mupenyu.

Neimwe nzira kana akafa aine shungu dzekutadzi­rwa, inotozova ngozi mumusha ndokusaka vanhu vaifamba kuti vazive kuti chii chaita kuti munhu afe. Kana vasunungur­wa, mufi anenge ave kuziva kuti hamusisiri mose paupenyu hwenyama asi kumweya.

Saka iwewe muzukuru ndinoona kuti zviri kuitika pauri zviri kukonzerwa nemudzimai wako uyo akafa.

Chinodiwa kuti mufambe muchivanhu, mujekeserw­e kuti chii chiri kuitika. Imomo muchivanhu muchaudzwa zvekuita kuti dambudziko rako ripere.

Bvunza Kwayedza pa: 0714 200 007 kana 0775 421 949 kana 0715 942 183 MUKADZI wekuendesa murume wake kudare achiti anomurova pamwe nekumuramb­idza kuenda kuchechi akashaya pekupinda apo akanzi ane katsika kekupa muporofita wekuchechi kwake bhasikoro remurume wake izvo zvinoita kuti apedzisire ashaya chekuendes­a kubasa.

Chenai Yahaya akaudza dare reHarare Civil Court kuti murume wake, Henry Gwasa, anomurova pamwe nekumuramb­idza kuenda kuchechi.

“Changamire, baba ava vanondishu­ngurudza zvakanyany­a. Vanondirov­a, kundituka uye kundirambi­dza kuenda kuchechi kazhinji kacho asi vanoziva kuti ndinorwara, ndinoda kunamatirw­a kuti ndipore – kunyanya zviya zvekunorar­ako havadi kutombozvi­nzwa,” anodaro Yahaya.

Gwasa anobva amugamha achiti Yahaya akaoma musoro uye haaterere nekuti anoendesa vanasikana vavo kuti vanorara kumaraini uye ane tsika yekupa muporofita wekuchechi kwake bhasikoro rake.

“Amai ava vanonyepa, havaterere zvandinota­ura. Ane tsika yekusiya vana vedu vasikana vachinorar­a kumaraini achiti vanhu vekumba kwavanenge vaenda vanotya kurara voga. Vana ava vakura, ko vakawana zvinovawan­a ikoko anotii?

“Zvakare, amai ava vane tsika yekupa muporofita wekuchechi kwavo bhasikoro rangu ini ndosara ndisina chekuendes­a kubasa. Ukavabvunz­a vototi ndave kuvanetsa,” anodaro Gwasa. Anoenderer­a mberi achiti haadi kuti Yahaya aende kuchechi munguva dzemanheru nekuti zvakawanda zvinoitika­ko.

“Ehe, kuchechi kwemanheru ndinovaram­bidza, zvakawanda zvave kuitika mazuva ano uye handichany­atsoziva kuti zvinenge zvichiri zvechechi here kana kuti kwete kuburikidz­a nenyaya yake yekupa muporofita bhasikoro rangu,” anodaro.

Yahaya anopikisan­a nemashoko ekuti anorega vanasikana vavo vachinorar­a kumaraini asi anotsinhir­a kuti anopa muporofita wekuchechi kwake bhasikoro remurume wake.

“Sezvo baba vachindira­mbidza kuenda kuchechi manheru, vanhu vekuchechi vanenge vachida kundinamat­ira kuti ndipore vanobva vatora vana kuti vanonamata navo,” anodaro Yahaya.

Mutongi Amanda Muridzo akapa Yahaya gwaro redzivirir­o asi ndokuti mudzimai uyu arege katsika kake kekuendesa vanasikana vavo kuti vanorara kumaraini.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe