Mudzimai wemunhu chiname na’prophet’
MUBVUNZO:
MAKASIMBA here sekuru? Ndiri murume ane makore 46 okuberekwa, mudzimai wangu akashaika makore adarika uye ndikamuchema kwegore rese. Zvino ndave kuedza kutsvaga mumwe mukadzi asi dambudziko nderekuti ndikawana wekufambidzana naye, sikarudzi yangu haichade kuita basa. Chii chaizvo sekuru, chii chirikuitika kwandiri?
MHINDURO
Kune iwe nevamwe vazukuru vose vangava nematambudziko erudzi urwu, ndinoti izvi zvinogona kuitika kumurume kana kumudzimai anenge afirwa. Kumwe kufirwa inguva yaTenzi, asi kumwe kwacho mabasa emweya yakaipa, mweya yasatani sekuroyiwa.
Kare munhu aiti akafa, hama dzepedyo dzaienda kugata kunobvunzira kuti chii chatora upenyu hwemunhu.
Ipapa ndipo pazvaibatwa kuti rufu rwauya nekuda kwaMwari here kana kuti pakaitwa hushereketwa sekuroyiwa.
Kana zvikabuda zvichinzi rufu nderwaTenzi, vanhu vaibva vagara zvavo, asi kana ari mabasa evakaipa paitorwe matanho ekugadzirisa nekudzivirira vapenyu vasara.
Uyo anenge afirwa aifanirwa kuzokamurwa kubva kune mufi kuitira kuti akwanise kuzoroora kana kuroorwa zvakare pasina kuvhiringidzwa nemweya yevafi. Mweya uyu ukasakamurwa, unoramba uri mumusha imomo woita mabasa ekunge munhu wamakaviga uyu asina kufa, sezvinonzi mupenyu.
Neimwe nzira kana akafa aine shungu dzekutadzirwa, inotozova ngozi mumusha ndokusaka vanhu vaifamba kuti vazive kuti chii chaita kuti munhu afe. Kana vasunungurwa, mufi anenge ave kuziva kuti hamusisiri mose paupenyu hwenyama asi kumweya.
Saka iwewe muzukuru ndinoona kuti zviri kuitika pauri zviri kukonzerwa nemudzimai wako uyo akafa.
Chinodiwa kuti mufambe muchivanhu, mujekeserwe kuti chii chiri kuitika. Imomo muchivanhu muchaudzwa zvekuita kuti dambudziko rako ripere.
Bvunza Kwayedza pa: 0714 200 007 kana 0775 421 949 kana 0715 942 183 MUKADZI wekuendesa murume wake kudare achiti anomurova pamwe nekumurambidza kuenda kuchechi akashaya pekupinda apo akanzi ane katsika kekupa muporofita wekuchechi kwake bhasikoro remurume wake izvo zvinoita kuti apedzisire ashaya chekuendesa kubasa.
Chenai Yahaya akaudza dare reHarare Civil Court kuti murume wake, Henry Gwasa, anomurova pamwe nekumurambidza kuenda kuchechi.
“Changamire, baba ava vanondishungurudza zvakanyanya. Vanondirova, kundituka uye kundirambidza kuenda kuchechi kazhinji kacho asi vanoziva kuti ndinorwara, ndinoda kunamatirwa kuti ndipore – kunyanya zviya zvekunorarako havadi kutombozvinzwa,” anodaro Yahaya.
Gwasa anobva amugamha achiti Yahaya akaoma musoro uye haaterere nekuti anoendesa vanasikana vavo kuti vanorara kumaraini uye ane tsika yekupa muporofita wekuchechi kwake bhasikoro rake.
“Amai ava vanonyepa, havaterere zvandinotaura. Ane tsika yekusiya vana vedu vasikana vachinorara kumaraini achiti vanhu vekumba kwavanenge vaenda vanotya kurara voga. Vana ava vakura, ko vakawana zvinovawana ikoko anotii?
“Zvakare, amai ava vane tsika yekupa muporofita wekuchechi kwavo bhasikoro rangu ini ndosara ndisina chekuendesa kubasa. Ukavabvunza vototi ndave kuvanetsa,” anodaro Gwasa. Anoenderera mberi achiti haadi kuti Yahaya aende kuchechi munguva dzemanheru nekuti zvakawanda zvinoitikako.
“Ehe, kuchechi kwemanheru ndinovarambidza, zvakawanda zvave kuitika mazuva ano uye handichanyatsoziva kuti zvinenge zvichiri zvechechi here kana kuti kwete kuburikidza nenyaya yake yekupa muporofita bhasikoro rangu,” anodaro.
Yahaya anopikisana nemashoko ekuti anorega vanasikana vavo vachinorara kumaraini asi anotsinhira kuti anopa muporofita wekuchechi kwake bhasikoro remurume wake.
“Sezvo baba vachindirambidza kuenda kuchechi manheru, vanhu vekuchechi vanenge vachida kundinamatira kuti ndipore vanobva vatora vana kuti vanonamata navo,” anodaro Yahaya.
Mutongi Amanda Muridzo akapa Yahaya gwaro redziviriro asi ndokuti mudzimai uyu arege katsika kake kekuendesa vanasikana vavo kuti vanorara kumaraini.