Kwayedza

Mhanzi inotoda wakadzidza: Chibhodhor­o

- Abel Ndooka

SHASHA inozivikan­wa munyaya dzemhanzi nekuridza ngoma, John ‘Chibhodhor­o’ anoti munhu kana achida kuita muimbi zvakakosha kuti atange aenda kuchikoro pamwe nekutsvaga­wo rimwe basa rekuita ozotanga hake kutsikisa mhanzi.

Chibhodhor­o anozivikan­wa achishanda nevaimbi vakawanda vanosangan­isira Safirio ‘Mukadota’ Madzingati­re, Tanga Wekwa Sando, Walter ‘Papa Sodza’ Sonai pamwe nezvikwata zvinoti Ocean City Band, Great Sounds neReal Sounds of Africa.

Shasha iyi yave nemakore anodarika 30 iri muindastir­i yemhanzi.

“Kurudziro yandingape kuvaimbi vave kuda kutanga iye zvino, kunyanya vechidiki, ndeyekuti tanga waenda kuchikoro woita kosi yako wozotsvaga basa.

“Ukada kumirira mhanzi chete zvinogona kukugumbur­a chaizvo. Muenzaniso wakanaka ndewaPapa Sodza, munhu ane basa rake uye ari kuita zvemhanzi saka magitare akaramba kubhadhara anoziva kuti anogona kuraramisw­a nebasa rake,” anodaro.

Chibhodhor­o akazvarwa mugore ra1950 kuChipinge ndokudzidz­a paDangare Primary School kusvika Standard 6.

Haana kuzokwanis­a kuenderera mberi nechikoro sezvo anoti baba vake vakazosiya basa zvakaita kuti vamushaire mari yekuendere­ra mberi nechikoro.

Asi mukukura kwake, anoti akatanga kuridza ngoma aine nemakore mashanu okuberekwa uye nekufamba kwenguva aideedzwa kumichato achinotand­adza vanhu nekuridza ngoma.

Mugore ra1967, Chibhodhor­o akatuta twake ndokunanga kuMasvingo kunodzidzi­ra kuridza ngoma dzemagitar­e.

Anoti muna 1969 akabva kuMasvingo ndokuenda kuHarare uko kwaakanopi­nda muchikwata cheGreat Sounds chaitungam­irirwa naElias Banda icho chakaita mukurumbir­a nekambo kainzi ‘Anopenga ane waya’.

KuGreat Sounds, Chibhodhor­o akasvikots­iva Jethro Rushasha uyo akange abva. Rushasha panguva iyi, sekutaura kwaChibhod­horo, ndiye aive shasha pasi rose pakuridza ngoma dzemagitar­e.

Akafamba kwemakore neGreat Sounds vachiridza kwakawanda asi akazobva ndokunotan­ga kushanda naMukadota pamwe chete Elizabeth ‘Katarina’ Taderera.

Paakabva kuGreat Sounds, Chibhodhor­o akatsiviwa naMarshall Munhumumwe.

Chibhodhor­o akazomboed­za mhanza yake kuOcean City Band apo yaitungami­rirwa naPhillip Svosve vakazowana kondirakit­i yekunoridz­ira kuBulawayo.

Ari kuOcean City Band, Oliver Mtukudzi akauya kwavari ndokuvakum­bira kuti vaende naye kuSouth Africa kunotsikis­a dambarefu rake rainzi ‘Please ndapota’.

Dambarefu iri rakanetsa nekambo kanzi ‘Born in the Ghetto’ uye panguva iyi Ocean City Band yakamborid­za zvakanyany­a naMtukudzi ndokusiyan­a zvavo nekufamba kwenguva.

Mushure memakore anoverenge­ka, Chibhodhor­o akazobva kuOcean City Band ndokudzoke­ra kunoshanda naMukadota uye panguva iyi muchikwata ichi cheThe Brave Sons makange mave nevamwe vaimbi vanosangan­isira Tobias Areketa.

Akazobva kwaMukadot­a ndokuenda kuReal Sounds of Africa uko kwakamuona achienda kuEngland kwemwedzi mitanhatu mugore ra1988 uye vakazodzok­era zvakare muna 1989.

Zvakadai, pavakadzok­a kubva kuEngland mugore ra1989, dzimwe nhengo dzeReal Sounds of Africa dzakazofa nekufamba kwenguva uye uku ndiko kutanga kuparara kwakaita chikwata ichi.

Chibhodhor­o akazombosi­ya zvemagitar­e ndokutanga kutyaira mataxi ndokuzotut­a twake achienda kwaMutare kumba kwaamai vake kusvika mugore ra2004 apo Tanga Wekwa Sando akazomutsv­aga ndokumudzo­ra kuHarare vakatanga kushanda vese.

Kubva 2004 kusvika parizvino, Chibhodhor­o ari kushanda naTanga Wekwa Sando uye makore adarika akatanga kushandawo naPapa Sodza.

Muchinda uyu akaroorana nechiponda mwoyo chake - Joice Muyambo - anove nyamukuta pane chimwe chipatara chikuru muHarare uye vakakombor­erwa nevana vatanhatu, vakomana vatatu nevasikana vatatu.

Mukufamba kwaaita nemhanzi, akakwanisa kuridza kunyika dzakawanda uye Bob Marley paakauya muno mugore ra1980, Chibhodhor­o akaridza pashoo iyi aina Elijah Madzikatir­e.

Mugore ra1986 ari kuOcean City Band, vakaridza kumhembere­ro dzekuroora kwavaive mutungamir­iri wenyika yeMozambiq­ue, President Samora Machel apo vakaroora mudzimai wavo Graca Machel.

Mazuva ano Chibhodhor­o kana asiri kufamba kumashoo naPapa Sodza kana naTanga Wekwa Sando anenge ari kumba kwake kuBudiriro uko anoita bhizimisi rekupfuya huku.

Vazhinji vanomuziva achiita zvemhanzi asi akambobuda­wo mumadhiram­a akasiyana anosangani­sira Tiri Parwendo naLandlord.

 ??  ?? John ‘Chibhodhor­o’ Muyambo
John ‘Chibhodhor­o’ Muyambo

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe