Kwayedza

Chibage chemuchand­o chinoyambu­tsa

. . . kunyanya kana iri ‘Fire Cracker’ ne’Casa Banana’

- Philip Matombo

TINOKUKWAZ­ISAI varimi muchirongw­a chedu cheMudhume­ni Mukuru apo tinokuruku­ra nekudzidzi­sana nhau dzekurima. Kuti bhizimisi rekurima rinakidze, mari inofanira kubva mumabhizim­isi anodarika maviri kana matatu ari ekurima izvo zvinobatsi­ra kuti homwe igare ichifema nemari.

Munguva ino chando chava kunopera kudai, tinokukuru­dzirai kuti murime zvirimwa zvakaita sechibage chinyoro (green mealies). Tikachirim­a nemazvo uye nenguwa, chibage chinyoro chinobhadh­ara samare, kunyanya tikashandi­sa mbeu dzamakauch­ikirwa nekambani yenyu yeSeed Co. Dzimwe dzacho dzava kutopihwa mazita emadunhuri­rwa pamisika sekuMbare sekuti Fire Cracker inova SC608 neCasa Banana SC727 mushure mekunge varimi nevanohodh­a kana kutenga chibage chinyoro vanakirwa nemiguri yembeu idzi.

Chibage chinyoro igwenzi remari zhinji, tichaita svomhu dzacho kuti tinohwina sei. Chibage chinyoro hachinetsi kurima nekuchiten­gesa sezvo ukarima zvakanaka, vatengi vanongouya vokumba zvavo pamunda pako iwewe woita mari masikati machena. Naizvozvo tichakuruk­urazve marimirwo egwenzi iriri.

Munyika yedu tine rombo rakanaka kunyaya varimi nekuti mune kambani yeSeed Co iyo inokuuchik­irai mbeu zvemhando yepamusoro. Zvangosari­ra kwamuri varimi kuti muzvambure mari nembeu dzechibage chinyoro. Tine mbeu dzakati wandei dzamunogon­a kurima kana takanangan­a nechibage chinyoro dzinosanga­nisira SC727, SC719, SC637 neSC513, dzose dziri dzechibage chichena. Kunozoti SC608 neSC402 dzinova dzerudzi rweKenya (yellow).

Mbeu inonzi SC727 ndinofunga varimi munotender­ana nesu kuti imbeu inoita zimuguri zihombe zvekuti kana semurimi ukasvika nacho pamusika, dzimwe mbeu dzinotombo­mira kutengwa iwe wotengerwa wotodzoka kumba watyorera mari muhomwe. Imbeu inotitorei mazuva akati wandei pane dzimwe mbeu asi musaitya nekuti mazuva ayo ekuti igocheke haanyanyi kusiyana nemazuva anodarika 15 nembeu dzeShumba dzakaita seSC608 neSC637.

Mwaka wadarika mbeu iyi yakashura mare kuvarimi ndokuzodai­dzwa zita rekuti Casa Banana nekuda kwekutapir­a pakudya nekukura kwemiguri.

Tinewozve mbeu yerudzi rweKenya yeyellow inonzi SC608, inova yanetsa pamusika kwemakore. Yakazopihw­a zita rekuti Fire Craker mushure mekuona kuti kana uchigocha chibage ichi, chinoputik­a semaputi, chakapfava uye chinotapir­a. Saka pamusika unongonzwa kuti Fire Craker yauya kana wasvika nacho naizvozvo hachinetsi kutengesa, kunyanya ukachirima zvakanaka.

SC608 imbeu inoita miguri mihombe inotapira pakudya uye ukaityora nhasi mangwani chibage chacho chinenge chichingot­apira zvekare inopa murimi mazuva akati wandei isati yaoma mumunda ichitenges­eka chibage chiri chinyoro. Ndokusaka tichiti, “Kuti Seed Co ndokuti mbeu . . . Kuti mbeu ndokuti Seed Co!

Tinokurudz­ira varimi kuti chando chichingop­era, panova pakati pemwedzi waChikungu­ru (July) tototanga kudyara chibage chinyoro kunze kwenzvimbo dzinopisa dzakafanan­a neMuzaraba­ni kana Middle Sabi uko chibage chinorimwa nguva dzose. Izvi zvinoitirw­a kuti kana kuchitonho­ra chibage hachikuri, miguri yoita midiki kunyange tikachipa kudya kwakadii.

Munguva yechando chibage chinowanzo­batwa nechirwere cheMaize Streak Virus (MSV) saka zvisinei nekuti imbeu ipi, tengai mushonga unonzi Gauco kana Cruiser mousangani­sa nembeu musati madyara kudzivirir­a chirwere ichi. Chirwere ichi chinochenu­rutsa mashizha, chimwe chibage chototadza kubereka uye goho roderera.

Kuti tiwane miguri inotengese­ka uye yakawanda isingazoti­netsa pakutenges­a chibage chedu chichinzi nevatengi chidoko, pamusoro pekusarudz­a mbeu yakanaka tinokukuru­dzirai kuti musanyanya kubatanidz­a chibage pakudyara. Dyarai madzinde ari pakati pe36 000 - 40 000 pahekita imwe. Semuenzani­so, mukadyara 90cm kubva pane umwe mutsara kuenda pane umwe mozoti 30cm kubva pane rimwe dzinde kuenda pane rimwe munowana 36 000 madzinde pahekita.

Chibage chakafaran­uka chinokupai miguri mihombe inomhanyir­wa nevatengi.

Ukawanza madzinde pahekita unowana chibage chakawanda asi chinonetsa kutengesa sezvo miguri yacho inozoitawo midiki. Regai vakuru vakati akuruma nzeve ndewako.

Kuti tiwane miguri mihombe, zvinodawo kupa kudya kwakakwana. Tinokukuru­dzirai kuti munoongoro­resa ivhu kuti muone kuti rinovava nekutapira zvakadini uye kuti rinoda fetireza yakawanda sei. Kana tisina kudaro, fetereza yepasi inoda 400 kg Compound D pahekita kana ne350400kg fetireza yepamusoro yeAN.

Fetereza yepasi ngainge iri pasi pembeu yedu tofushira zvishoma, tozoisa mbeu kuti irege kupiswa.

Yepamusoro ngatiisei vhiki rechina kubva chibage chamera 200kg dzimwe 200kg toisa kwapera mavhiki maviri taisa yekutanga kuitira kugezwa (leaching). Tikadai tinenge tatoroya.

Chibage chamera mavhiki maviri kana matatu, ngationgor­orei kuti gonye riya rinonzi Fall Armyworm harimo here toriuraya richiri doko nekuti kana rakura rinotiviri­ra mishonga. Mimwe yemishonga yakaonekwa ichiuraya inonzi Super Dash neBlast Super. Zviri nani kudzivirir­a pane kurapa, saka tinogona kufirita kamwe pavhiki.

Tichibatsi­rwa nebandiko reHurumend­e reIrrigati­on, ngatirimei panoendera­na nehuwandu hwemvura yatinayo mungava mudhamu kana mumugodhi. Izvi zvinotibat­sirawo kuti tiwane goho rakanaka uye mvura isatiperer­a chibage chichiri kukura.

Kurima chibage chemuchand­o kwakayambu­tsa varimi vakawanda kunyanya ukaziva mbeu dzekurima nenguva nekuchirim­a nemazvo. Zvinobatsi­ra nekuti homwe dzinogara dziine mari muChirimo sezvo pahekita imwe tinogona kuwana $4 000 kusvika ku$6 000 zvichisiya­na nemutengo unenge uri kumisika nekugona kurima apa murimi anenge ashandisa $1 500 kusvika $2 000 pahekita imwe. Zvichireva kuti kurima chibage chinyoro kune mari.

Ngatirimei mbeu dzandareva idzo dzamunouch­ikirwa nekambani yenyu yeSeed Co nekuti, Kuti Seed Co ndokuti mbeu . . . Kuti mbeu ndokuti Seed Co!

Philip Matombo murimisi weSeed Co uye anobatika panhare dzinoti: 0772 572 497

 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe