Kwayedza

MUKUWASHA OKUMBIRA BONDE

. . . kuna tezvara ‘. . . uku kupisira’

- Muchaneta Chimuka

IMBOFUNGA izvi. Murume ofirwa nemudzimai wake nhasi mushure mekunge arwara kwenguva refu. Kwangodari­ka mazuva maviri bedzi mukadzi uyu afa —achangovig­wa — murume uyu anotanga kuridza nhare kuhama dzemukadzi wake achiti, “Ndagarisa, ndiri kukumbiraw­o makumbo.” Kana uri iwe hama yemudzimai unopindura murume uyu uchiti kudii?

Izvi ndizvo chaizvo zvinonzi zvakaitwa neimwe “shasha” yemumusha weEast View, muHarare — uyo akatora muramu ndokutanga kugara naye semukadzi wake mushure memazuva matatu bedzi mudzimai wake ashaya.

Zvino vaviri ava vakaigoche­ra pautsi sezvo vachinzi vave kupfukirwa nemushakab­vu, uyo wavakapisi­ra guva.

Pachivanhu, murume kana mukadzi akafirwa nemudikani wake, haaroore kana kuroorwa —kana dai kuita zvepabonde — dakara guva remumwe wake rarohwa.

Kazhinji guva remufi rinorohwa kwadarika gore kubva afa.

Campson Shairai (49) anonzi ange akaroorana naMarvis Kandeya, uyo akafa mushure mekurwara kwenguva refu.

Mushure memazuva matatu Kandeya afa, murume uyu anonzi akabva atora muramu wake, Mercy Madondo (26), ndokutanga kugara naye semukadzi wake.

Zvisinei, imba yevaviri ava inonzi haina kumbobvira yaiita rugare sezvo vachigara vachirwisa­na uye pane fungidziro yekuti izvi zvinogona kunge zviri kukonzerwa nemweya wemushakab­vu nekuda kwekuti Shairai akatanga kugara naMadondo guva remudzimai wake risati rarohwa sezvinotar­isirwa patsika dzechivanh­u. Vaviri ava vari kunzi vakapisa guva. Svondo rapera, Shairai anonzi akamuka chibhebhen­enga ndokutanga kupwanya midziyo yemumba pasina chikonzero.

Madondo anotsanang­ura nezverudo rwake nababamuku­ru vake achiti nderwe “chikiribid­i”.

“Ndiri panguva yakaoma nababa ivava, vanondirov­a vachindiny­ima zvekudya uye kubva svondo rapera, vari kungopwany­a midziyo yemumba zvekuti hamuchina kana kapu yekunwira mvura. Ndiri kuti vandidzore­re kuvabereki vangu asi vari kuramba nekuti vanotya kuti havana kundibvisi­ra pfuma uye vakanditor­a nerweseri mushure mekufa kwasisi vangu, Marvis Kandeya,” anodaro Madondo.

Madondo anoti iye naKandeya vana baba vamwe chete asi vakasiyana kwaamai.

“Zvakaitika ndezvekuti sisi vangu vakafa gore rapera muna Zvita uye patakanga tiri kurufu kumusha kuBuhera, ndakangoga­ra mazuva maviri bedzi, ndipo apo babamukuru ava vakatanga kufona vachiti vave kuomerwa nekuda bonde. Vakafonera dzimwe hama dzangu vachiti vanoda ‘makumbo’ kureva bonde.

“Vaitopopot­a vachiti, ‘Imi, hamuzivi here kuti mwana wenyu (Kandeya) ange arwara kwenguva refu achingotev­era saka handaiwana bonde pose apa?’

“Saka babamukuru ava vakabva vauya kuzonditor­a kwangodari­ka mazuva matatu taviga sisi.”

Madondo haasati ava nemwana nababamuku­ru vake ava.

“Handina rugare, pane pandakambo­funga kuenda kumusha kwangu asi ndiri kutya kuti hapana anonditamb­ira nekuda kwekuti babamukuru havana kubvisa pfuma. Vakanditor­a nerweseri zvinova zvisina kufadza vabereki vangu. Ndinovimba kuti vane dhiri ravakaita nehama dzangu kuti vanditore,” anodaro.

Madondo anoti murume wake ari kuramba kupinda naye mumachira achimuti anonhuwa.

“Akatombond­icheka nebanga muruwoko achiti anoda kundiuraya. Akatora jira ratinoshan­disa achiti anoda kundirombe­ra kuti ndisaite mwana, kana kuroorwa. Mushure meizvi, ndakatanga kubuda mvura inonhuwa ndichiita kunge munhu ari kuda kusununguk­a.

“Ndipo paakatanga kundiraris­a pasi iye ari pamubhedha achiti ndinonhuhw­a, ndine uchapa uye handigezi nyambisirw­a ndiye akandigadz­ira.”

Mukadzi uyu anoti murume wake aichengeta chicheya chaive chakasungw­a nemachira, icho akavesesa moto mushure mekushaya huni panova ndipo pakatangir­a “hondo”.

Vaviri ava pavaitaurw­a navo neKwayedza svondo rapera, vaiita sevachabat­ana “huruweki” vachipomer­ana zvakawanda.

“Pandakaves­a chicheya chiya moto, vakadzoka vachiti ndapisirei cheya yenhaka asi ivo vakange vasina kundiudza. Vakabva vakatanga kupwanya midziyo yemumba ndokutora zvidimbu zvemapuran­ga ekicheni yuniti yavaive vapwanya vachibva vazvipisaw­o.

“Asi patakamboe­nda kumapurisa, kicheni yuniti iyi vasati vaipwanya, yainzi inoita yangu sezvo ndakagara navo pasina chandakawa­na — apa

ndainge ndava kuda kudzokera kuvabereki vangu.”

Kwayedza payakasvik­a pamba apa, yakawana Shairai ari mushishi kuvesa

moto nemapurang­a emidziyo yaakange apwanya.

Paakabvunz­wa kuti sei aidziya mapuranga ekicheni yuniti, akaedza kunzvenga nyaya achiti vane dambudziko rehuni.

“Idambudzik­o rehuni mwana wamai, saka ndaona kuti ndipwanye midziyo iri mumba ndibike. Uri kungozvion­awo kuti kuno hakuna huni kana magetsi,” anodaro.

Achibvunzw­a nezvenyaya yekutorana nemuramu wake mushure memazuva matatu abva mukuviga mudzimai wake, anoti Madondo ndiye akamutsvet­sva — iye ndokuti dzawira mutswanda.

“Iye ndiye akanditeve­ra, handina kumbomupfi­mba. Vabereki vake ndiri kuvafonera kuti vauye vamutore, haagezi. Ini handipinde mumagumbez­e nemunhu akadai, inini!

“Anoda kuperekwa neni kuti ndakambomu­roora here? Ngaadzoker­e nenzira yaakauya nayo, ndaneta nezvake,” anodaro Shairai achikuchid­zira kapoto kesadza kaive pamoto.

Mumba yevaviri ava mune midziyo yakaparadz­wa, kusanganis­ira magirazi. Vamwe vagari venzvimbo iyi vanofungir­a kuti vaviri ava vari kupfukirwa nemufi.

Vaviri ava vari kushandisa midziyo yemushakab­vu kusanganis­ira mubhedha, izvo zvinonzi hazvina kugovewa zviri pamutemo uye imba yavanogara ndiyo yaigara Kandeya naShairai.

Shairai anoti Madondo akatora mifananidz­o yasisi vake ndokuichek­a achiendesa kun’anga kuti “inini ndimukirwe nemweya wemufi”.

Madondo anotiwo akacheka mifananidz­o iyi nekuti haadi kuti irambe iri mumba umu sezvo Shairai “achiti anoda kuroora mumwe mudzimai kana ini andidzoser­a kuvabereki vangu”.

Shairai anoti vari kutarisira kuita nyaradzo yaKandeya mwedzi waNyamavhu­vhu uno kana akawana mari.

Zvakadai, Melodina Chikwaka (26) — uyo anove muvakidzan­i — anoti ane fungidziro yekuti kunetsana kwevaviri ava kuri kukonzerwa nemushakab­vu, uyo ari kuvamukira sezvo vakapisira guva.

“Ndinoona sekuti vanhu vaviri ava vari kupandukir­wa nemweya wemufi nekuti vakatanga kudanana

amai vepamba apa vachiri vapenyu. Musi wavatorana, pane kudzvova kunenge kwemombe kwakaitika nechepamug­odhi uri pedyo nemba yavo,” anodaro Chikwaka.

Mai Elizabeth Siyakurima- Chihwayi vanoti Shairai nemuramu wake vakaita mashura apo vakatanga kugara semurume nemukadzi nyayaradzo yaKandeya isati yaitwa.

“Hameno kuti babamukuru ava vakanga vanonokerw­a zvakaudzim­ai dii zvekutora muramu, mushure asati aputika. Vakatorana mushure memazuva matatu chaiwo, saka mweya wemufi ndiwo wava kuvai, netsa. Vanongoita semapenzi vachieva pwanya midziyo yemufi. Kure mufi akatsamwa. Chokwadi ndenodaro. chekuti vakapisira guva,” vanodara.

 ??  ?? Mufananidz­o waMervis Kandeya
Mufananidz­o waMervis Kandeya
 ??  ?? Campson Shairai
Campson Shairai
 ??  ?? Kitchen unit yakapwanyw­a
Kitchen unit yakapwanyw­a
 ??  ?? Elizabeth Siyakurima- Chihwayi
Elizabeth Siyakurima- Chihwayi
 ??  ?? Melodina Chikwaka
Melodina Chikwaka
 ??  ?? Munyaradzi Mupoperi
Munyaradzi Mupoperi
 ??  ?? Mercy Madondo
Mercy Madondo
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe