Kwayedza

Ndiri ‘shefu’ wevaroyi: Mwana (13)

● ‘Ndini ndinovhura makuva’

- Kingstone Mapupu

KAMWANA kasikana kanogara kwaRukweza, kwaMakoni kwaRusape, kari kudura kuti kanoroya zvemberi nedzimwe chembere dzemunzvim­bo iyi — idzo dzinokatun­gamidza pamwe chete nevamwe vana pakuvhura makuva vachishand­isa nyoka.

Mwana uyu — uyo watichango­dura zita rake saEve (13) — anogara naamai vake Hazvinei ( 36), akataurira Kwayedza pasina kunyara kana kutya kuti vechidiki ndivo vanotungam­idzwa nechembere kana vachinoroy­a. “Ndange ndava muGrade 6 asi ndakamira kuenda kuchikoro nekuda kwekuroya. Izvi ndakazvita­nga mugore ra2011 ndichiita zvekurota apo ndaimutswa nechembere, ana mbuya nhingi (achitodura nemazita avo).

“Ndairota ndichidyis­wa nyama mbishi uyewo ndichimone­rwa nenyoka nekutamba nemapere. Ndakazogum­a ndave kungoona ndiri kumakuva ndiine chembere varoyi ava — vandiri kutokuudza­i nemazita avo ivava — vachitidzi­dzisa, ini nevamwe vana vatatu,” anodaro Eve.

Mwana uyu anoti anobuda mumba asingazive zvinenge zvichiitik­a kwaari apo anenge anzwa zita rake richisheve­dzwa.

“Ndinobatis­wa nyoka chena hombe, iyo ndinosviko­taurirwa nemachembe­re aya kuti ndirove nayo pamusoro peguva rinenge rasarudzwa, robva ravhurika.

Ini nevamwe vasikana vatatu tinobva tapinda muguva umu tiine masaga, totora nyama yatinonzi titore kana kudambura-dambura mutumbi wose tichishand­isa mazino edu anenge areba seruler kana kuti nenzara.

“Tinoisa nyama iyi mumasaga tobuda nayo, iyo tinono

dyira pazimuti riri Kumakuva ekuno kwaRukweza,” anodaro.

Mwana uyu anoti iye nechikwata chake chevana nechembere vadya nyama yezvitunha zvevanhu vanodarika gumi.

“Tinoudzwa nevakuru vedu kana kwave kudiwa nyama yevanhu nemazita evanhu vanenge vave nechijana chekufa. Hazvina mhosva kuti vari kure zvakadii — kana mhiri kwemakungw­a chaiko — tinomuuray­a ari ikoko,” anodaro Eve.

Musikana uyu anotaura mazita ose evanhu vavauraya kusvika pari zvino — kusanganis­ira mumwe wavairoya naye uyo anonzi akanga ave kuramba kuurayawo munhu wekumba kwake apo “chijana chake chekutipa nyama chakasvika”.

Mwana uyu anoti ave kugara achiona zinyoka rinomuteve­ra akasvinura kwese kwaanoenda.

“Pane zinyoka rinonditev­era kwese kwandinoen­da richinanzv­ira, iro ndinoona ini bedzi asi vamwe vasingario­ne. Nyoka iyi inondivhar­idzira mugwagwa wandinofam­ba nawo, vanhu vanozongoo­na ndichichem­a ndichivati ndiri kuona nyoka asi ivo vasingaion­e. Mifananidz­o: Shelton Muchena

“Nekuda kwenyaya iyi, amai vangu vave kutogara vachifamba neni kwese kwandinoen­da nekundityi­ra.”

Eve anoti zvekare anoona chimhuka mumba maanorara, icho anofungidz­ira kuti ibere.

“Nyoka yandinoona iyi ndiyo imwe chete yandinosha­ndisa husiku kurovesa makuva achivhurik­a,” anodaro.

Amai vaEve vanotsinhi­ra nyaya iyi vachiti mwana wavo nevamwewo vechidiki vari kushandisw­a nechembere mumabasa ekuroya.

“Mwana uyu ndakamuita nemumwe murume wandakazos­iyana

naye. Dambudziko iri rakazotang­a apo ndakauya kuzogara pamba pevabereki vangu vakashaika pandakasiy­ana nemurume. Asi ndakazoroo­rwa nemumwe murume wandiine vana vaviri naye pari zvino,” vanodaro amai ava.

Vanoti mwana wavo anonzi ane midzimu miviri — wasekuru naambuya vake — izvo zvavanoti ndizvo zvakaita kuti afumure nyaya yevaroyi ava.

“Izvozvi ini handichakw­anisa kushanda mabasa sezvo ndichigara ndakacheng­eta mwana uyu kwese kwaanoenda. —

‘‘Anoona nyoka yaanoti inoda kumusunga makumbo nekuda kumumedza. Zvinonzi varoyi vaakafumur­a ava ndivo vari kuda kuti afe nekumurumi­sa nenyoka,” anodaro Hazvinei.

Mwana uyu anonzi ari kusvikirwa nemidzimu miviri, iyo inonzi ndiyo iri kurwisana nevaroyi ava kuti vasamushan­dise.

Anonzi akatanga achiita seaibatwa nemweya achitaura vamwe vaanoti anoroya navo achiti vaida nyama yevanhu yepazororo reKirisima­si yegore rapera.

Zvinonzi zvakare panguva iyi, pakabva pafa mumwe murume wemumusha uyu, uyo anonzi akangodonh­a ari kuUnited Kingdom.

Mutumbi wemurume uyu unonzi wakazounzw­a muZimbabwe ukavigwa kwakare kwaRukweza.

Amai vemwana uyu vanoti nyaya iyi yakatombos­vitswa kwaMambo Makoni uko isati yapera.

“Kwakauya masvikiro nen’anga muno vakatadza kubatsira mwana wangu sezvo kwaiva nekukandir­ana makobvu nematete.

Vanoti baba vemusikana uyu, avo vanogara kuHarare, vanoziva dambudziko rine mwana wavo.

“Ndinoda kuti mwana wangu adzokere kuchikoro, agara anogona zvikuru. Varoyi ava ngavasiyan­e nemwana wangu, anodawo kuzvivambi­ra upenyu hwake. Kumashure uko vaimboda kupengesa mwana wangu mukuru naiyeyu wavave kupa huroyi,” vanodaro.

Dzimwe nyanzvi mune zvechivanh­u dzinoti mhuri yemwana uyu inofanira kungwarira midzimu inonzi iri kusvika paari sezvo dzimwe nguva ari mashavi ehuroyi anouya akahwanda.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura naMambo Makoni nezvenyaya iyi.

 ??  ?? Eve
Eve
 ??  ?? Imba inonzi mwana anotorwa nemachembe­re husiku achiendwa naye kunoroya.
Imba inonzi mwana anotorwa nemachembe­re husiku achiendwa naye kunoroya.
 ??  ?? Hazvinei
Hazvinei

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe